1Kune zvinhu zvitatu zvandinofarira,
uye zvinofadzawo Mwari navanhu; zvinoti:
kunzwana kwehama nokuwadzana kwavavakidzani,
uye, kugarisana zvakanaka kwomukadzi nomurume.
2Kune mhando nhatuwo dzavanhu vanondishatirisa,
zvokuti mugariro wavo unondikonzera hasha vanoti:
murombo anozvikudza, nomupfumi anonyengedza,
neharahwawo mhombwe isina musoro.
Harahwa3Kana usina chawakawana uchiri jaya,
chiikowo chaungazowana kana wava harahwa?
4Hakusi kunaka ikoko kwokuti munhu
achena musoro anoona zvinhu nemazvo
uye kuti vakuru vakuru vave vanoziva kuraira.
5Hakusi kunaka ikoko kuti munhu akwegura
ave noungwaru,
uye kuti vanoremekedzwa vave
nepfungwa dzakadzika
uye kuti vanoremekedzwa kana vachipa mazano.
6Harahwa dzinowana ruremekedzo
nezvadzakaita nezvadzakaona,
asi mukurumbira wadzo chaiwo kutya Mwari.
Gumi rezvinofadza7Kune zvinhu zvipfumbamwe zvinondifadza,
chegumi chatovawo parurimi; zvinoti:
munhu anowana rufaro muvana vake;
nouyo anoona kuparadzwa kwavavengi vake
iye achiri mupenyu;
8zvake uyo ane mukadzi anonzwisisa;
uyewo zvake asingafanani nedhonza rakasungwa mujoko
rimwechete nedhongi;
uyezve zvake uyo usati ambopotsa mukutaura
uye zvake uyo asingasevenzeri
munhu ano unhu huri pasi pohwake,
9zvake uyo akawana ruzivo;
uye anowana vanoda kuteerera zvaanotaura.
10Hakusi kukura ikoko kwakaita akawana ungwaru
asi hakuna mukuru pano uyo anotya Mwari.
11Kutya Mwari kunopfuura zvose,
hakuna chatingakuenzanise nako.Vanhukadzi
13Kubayiwa, ngandibayiwe zvangu, asi ndisabayiwe mwoyo;
uipi uipi zvahwo asi kwete uipi hwomunhukadzi.
14Nhamo inhamo zvayo, asi isave nhamo yokuvengwa nemhandu;
kutsividza kungave kutsividza zvako
asi kwete kwomuvengi.
15Hakuna uturu hunopfuura uturu hwenyoka,
hakunawo hasha dzinopfuura hasha dzemhandu.
16Zviri nani kugara neshumba mumba kana nenyoka,
pano kugara nomukadzi anenge akaipa mwoyo.
17Uipi hwomukadzi hunomusandura chimiro,
ova nechiso chakanyangara sechikara.
18Murume wake, kana ari pakudya navavakidzani vake
anotura mafemo okukungura.
19Hakuna uipi hwakaenzana nouipi homunhukadzi;
dai akangowanikwa waro nechinowana vatadzi.
20Kunetsekana kweharahwa kukwira gomo rejecha,
ndiko kutambudzika kunoita munhu
akanyarara ano mukadzi anotaurisa.
21Chenjera kutorwa mwoyo norunako rwomunhukadzi,
usarasiswe musoro noupfumi hwomunhukadzi.
22Mumba munongova hasha nebopoto nechinyadziso chikuru
kana mudzimai ari iye anoriritira imba.
23Kuora mwoyo, nechiso chakasuruvara, nokubayiwa mwoyo,
zvinosakiswa nomukadzi anouipi.
Maoko akarengwendeka, namabvi akarengwendeka,
zvinokonzerwa nomukadzi anoshaisa murume wake rugare.
24Chitadzo chakavambwa nomunhukadzi,
pamusana pake tose tinofa.
25Usarege mvura ichivhozhoka.
Usaregewo mukadzi anenge akaipa mwoyo
achitaura sokuda kwake.
26Kana asinganzwi zvaunotaura,
mupe gupuro, aende hake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.