Ungwaru 9 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Munamato wokukumbira Mwari ungwaru

1“Mwari wamadzitateguru angu, Tenzi wetsitsi,

imi makasika zvinhu zvose nezwi renyu,

2imi noungwaru hwenyu, makasika kuti munhu

ave noutongi hwezvisikwa zvose zvamakaita,

3uye kuti atonge pasi pose noutsvene noururami,

uye kuti kutonga mhosva ari pachokwadi,

4ndipeiwo ungwaru hunogara nemi

pachigaro chenyu choumambo,

musandibvisewo mukati mavaranda venyu.

5Inga ndiri muranda wenyu wani

mwanakomana womurandakadzi wenyu

ini ndonda zvayo inoupenyu upfupi,

munhu asinganzwisisi ruenzaniso nemitemo,

6kunge dare kuti

munhu akauwana

pakati pavanhu

iye asina ungwaru hunobva kunemi,

anoonekwa somunhu pasina.

7Ndimi makandisarudza

kuti ndive mambo wavanhu venyu,

kuti nditonge vana venyu

vakomana navasikana.

8Ndimizve makati temberi ivakwe

pamusoro pegomo renyu

rinoera, uye kuti pavakwe atari

muguta ramunogara

mufananidzo wetendhe iya inoera

yamakagadzirira kubva pakutanga.

9Imi ndimi mune ungwaru,

hunoziva mabasa enyu,

hwakanga huripo pamaisika pasi pose;

hunoziva chinokufadzai,

nechinopindirana nemitemo yenyu.

10Hutumirei kwandiri

kubva kumatenga enyu anoera;

uye kubva pachigaro chenyu chembiri,

hutumei huzova neni, hushande neni,

kuti ndizive zvinokufadzai

11nokuti ihwo hunoziva zvose,

uye hunonzwisisa zvose.

Huchanditungamirira nouchenjeri

mune zvandinoita,

huchindivhenekera nokupenya kwokuvapo kwahwo.

12Naizvozvo zviito zvangu

zvichave zvinogamuchirika.

Ndichatonga vanhu venyu noruenzaniso,

ndichazokodzerana nechigaro

choumambo chababa vangu.

13“Ndiani angazive zano raMwari?

Ndianiwo zvake angabate zvinodiwa naTenzi?

14Nokuti kufunga kwedu vanhu hakuna maturo,

uye mazano edu nezvirongwa zvedu zvinokundikana;

15nokuti muviri unofa unoremera mweya,

tendhe rakaumbwa nevhu

rinoremedza pfungwa inofunga.

16Hatitomboziva zvinhu zviri pasi pano sezvazviri,

kanawo zviri padyo totoshingaira

kuti tizviwane,

ko, kutozoti zviri kudenga,

ndiani angagone kuzvitsvaga akazviwana?

17Zano renyu ndiani ati aridzidza,

kusatoti mamupa ungwaru,

muchimutumira mweya wenyu anoera

anobva kudenga?

18Uku ndiko kuraramiswa

kwakaitwa makwara avanhu vapasi pano,

vakadzidziswa zvinokufadzai

vachizoponeswa noungwaru.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help