2 Vanamakabhi 11 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Hondo yechiposhi yaRisiyasi

1Pakangoti perei izvozvi, Risiyasi aiva wokuraya mambo uya ari hama yake chaiyo ariyewo akanga akabata hurumende mumaoko make, akatsamwiswa nezvakanga zvaitika

2akaunganidza varume vainge voda kusvika makumi masere ezvuru navarwi vake vose vamabhiza akabva auya kuzorwisa vaJudha. Chinangwa chake chaiva chokuti guta irori rive musha wavaGiriki

3uye kuti aterese Temberi mutero sezvaaiita kune dzimwe nzvimbo dzaiereswa navamamwe marudzi uyewo kuti gore negore munhu ainge oda kuva mupristi mukuru aite zvokutozohutenga nemari.

4Haana kana kumbokendenga kuti kune simba raMwari. Asi kuti akatoita nyundwa kuzvikudza negumi rake rezviuru zvavarwi vetsoka nezviuru zvavarwi vake vamabhiza namakumi ake masere enzou.

5Achipinda muJudhia akabva ananga kuguta reBhetizuru rakanga riri nzvimbo yakavakirirwa netsvingo chinhambwe chingatoita makiromita makumi matatu kubva kuJerusaremu akabva ariisa parumano chaipo.

6Pakasvika munzeve dzaMakabheusi navarwi vake shoko rokuti, Risiyasi akanga ari mukukomba nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo, ivo navanhu vose vakaungudza kuchema nemisodzi vachiteterera kuna Tenzi kuti atume mutumwa wakanaka kuzonunura Isiraeri.

7Makabheusi pachake ndiye akabva ava wokutanga kupakata zvombo zvokurwisa. Akakurudzira vamwe kuti vaise upenyu hwavo parumano pamwechete naye kuitira kuti vabatsire hama dzavo. Mushure maizvozvo neshungu idzodzi vakabva vamhanyidzana pamwechete kuenda.

8Ipapo, vachiri padyo neJerusaremu, kumberi kwavo kwakaonekwa munhu akanga akatasva bhiza akapfeka zvichena achivaimisa zvombo zvokurwisa nazvo zvendarama.

9Vose pamwechete vakarumbidza Mwari wengoni vakabva vasimbaradzwa mwoyo vagadzirira kurwisa kwete vanhu voga asi kunyange zvikara zvesango kana tsvingo dzakaitwa nesimbi.

10Vakavavinga vakaronganirana, vakarwa hondo vaine mumwe wavo wokudenga uya nokuti Mwari akanga avanzwira nyasha.

11Vakaita seshumba chaizvo kurwirana nomuvengi vakauraya zvuru gumi nechimwechete navarwi vamabhiza churu chimwechete china mazana matanhatu, vamwe vose vakatoti gumbo ndibereke kutiza.

12Vazhinji vavo vakatiza vasisina chavakapfeka vakuvara. Naiyewo Risiyasi pachake akapunyuka nokutotiza zvinonyadzisa.

Kuwadzana kwaRisiyasi nevaJudha

13Risiyasi somunhu anofungawo akarangarira zvakanaka nezvokukundwa kwake kwakanga kwamuwana, akazvionawo kuti zvakanga zvisingakwanisiki kukurira vaHebhuru nokuti Mwari Samasimbaose aivarwira.

14Akatuma nhume kwavari dzokuvanyengetedza kuti pave nokuwirirana, zvose zvichiitwa nomwero wakarurama, achivimbisa kuti achazonyengetedza mambo achimugombedzera kuti ave shamwari yavo.

15Pamusana pokuti Makabheusi aida kuti zvinhu zvinakire munhu wose akabvuma zvose zvaikurudzirwa naRisiyasi. Chimwe chaivepo ndechokuti mambo akabvuma zvose zvaikumbirirwa vaJudha zvakasvitswa kuna Risiyasi naMakabheusi azvinyora.

16Tsamba yacho yakanyorerwa vaJudha naRisiyasi yaiti,

“Ndini Risiyasi ndinokunyorerai imi vanhu

vechiJudha ndichikukwazisai.

17Yohane naAbhusharomu vamakatuma vakasvitsa

tsamba yakasainwa

ndikabvunza nezvedzimwe nyaya dzirimo.

18Ndakapirawo kuna mambo zvose zvazvo

zvinofanira kuti zvisvitswe kwaari.

Mambo akabvumiranawo nezvinokwanisika zvacho.

19Kana imi mukaramba mwoyo wenyu wakanaka

kuhurumende, iniwo ndichaedza chaizvo kubatsira

kuti zvinhu zvikufambireiwo zvakanaka.

20“Zvino pane zvenyaya idzodzi

idzi, noudorongoshwa hwadzo,

ini ndaudza varume ivava ava

navanondimiririra kuti

vazokurukurirana nemi.

21“Zvakanakai,

Zuva ramakumi maviri nechina romwedzi

waDhiosikorindiusi mugore rezana

namakumi mana nechisere.”

22Tsamba yamambo yakanga yakamira sezvizvi,

“Ndini mambo Andiokusi ndiri kukunyorera

iwe hama yangu Risiyasi, ndichikukwazisa.

23“Zvino baba vedu zvavakaenda

kunyikadzimu, zvatava kuda isu zvava

zvokuti vanhu vari pasi poumambo

huno varege kuwana chinovafuvisa

pakufambisa zvinhu zvavo.

24“Takanzwawo kuti vaJudha havabvumirane

nezvaidiwa nababa wedu zvokuti vapindukire

kutsika dzechiGiriki asi kuti vanoda

mugariro wavo uye vanokumbira kuti

vabvumirwe kuchengetedza tsika dzavo.

25Naizvozvo sezvo ichi chiri chido

cheduwo kuti rudzi irworu ruvewo

norusununguko kurege kuva nechinorufuvisa,

isu tatema kuti Temberi yavo

inofanira kudzoserwa mumaoko mavo,

uye kuti vatevedze mugariro

wetsika dzamadzitateguru avo.

26“Naizvozvo mungaite zvakanaka kuvatumira shoko

nokuita zvitsidzo zvokushamwaridzana navo

kuitira kuti vazivewo maitiro edu

vagova vanhu vakasununguka

varambe vachiita zvinhu zvavo vachifara.”

27Tsamba yakanyorerwa nyika iyi yose namambo yakanga

yakanyorwa sezvizvi,

“Ndini mambo Andiokusi ndinokukwazisai

ndichikunyorerai imi makurukota edare

ravaJudha nemi vaJudha vamwe vose.

28Kana imi muri vatano, aiwa tinofara.

Isuwo kuno uku tiripo zvedu.

29“Menerausi akatinyevera kuti imimi mava

kuda kudzokera kumusha kuti muchindotarisa

zvemisha yenyu.

30Naizvozvo vanodzokera kumusha musi wegumi

nechitatu womwedzi waZandikusi tinovatsidzira

ushamwari navo tichibvumira zvakakwana

31vaJudha kuti vadye zvinofadza

nokutevedza zvavo mitemo yavo sezvavaingoita kare.

Hapana nomumwe wavo achanetswa nenzira

ipi neipi zvayo pane zvaanenge akaita mukusaziva.

32Uye ndatumirawo Menerausi kuti akukurudzirei.

33“Zvakanakai,

zuva regumi nechishanu romwedzi waZandikusi

mugore rezana namakumi mana nechisere.”

34VaRoma vakavatumirawo tsamba iyi inoti,

“Isu vamiririri vavaRoma, vanaKwindusi

naMemiusi naTitusi naManiusi, tinokunyorerai

imi vanhu vechiJudha tichikukwazisai.

35“Zvamakabvumirwa naRisiyasi hama yamambo

kana nesuwo tinobvumirana nazvo.

36Asi kana zviri zvenyaya dziya dzaakati

dzinofanira kutanga dzasvitswa kuna mambo,

imi kana mangonyatsodzizeya ibvai matumira

munhu kuno nokukurumidza kuitira kuti

tindoisa zvichemo zvinokubatsirai.

Tinodaro nokuti izvozvi tiri kuzopinda

munzira yokuenda kuAndioku.

37“Naizvozvo chimbidzai kutumira

vamwe varume kuno kuitira

kuti tigoziva zvamakaronga.

38“Zvakanakai,

zuva regumi nechishanu remwedzi

waZandikusi mugore rezana

namakumi mana nechisere.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help