1Pakangoti perei izvozvi, Risiyasi aiva wokuraya mambo uya ari hama yake chaiyo ariyewo akanga akabata hurumende mumaoko make, akatsamwiswa nezvakanga zvaitika
2akaunganidza varume vainge voda kusvika makumi masere ezvuru navarwi vake vose vamabhiza akabva auya kuzorwisa vaJudha. Chinangwa chake chaiva chokuti guta irori rive musha wavaGiriki
3uye kuti aterese Temberi mutero sezvaaiita kune dzimwe nzvimbo dzaiereswa navamamwe marudzi uyewo kuti gore negore munhu ainge oda kuva mupristi mukuru aite zvokutozohutenga nemari.
4Haana kana kumbokendenga kuti kune simba raMwari. Asi kuti akatoita nyundwa kuzvikudza negumi rake rezviuru zvavarwi vetsoka nezviuru zvavarwi vake vamabhiza namakumi ake masere enzou.
5Achipinda muJudhia akabva ananga kuguta reBhetizuru rakanga riri nzvimbo yakavakirirwa netsvingo chinhambwe chingatoita makiromita makumi matatu kubva kuJerusaremu akabva ariisa parumano chaipo.
6Pakasvika munzeve dzaMakabheusi navarwi vake shoko rokuti, Risiyasi akanga ari mukukomba nhare dzokuzvidzivirira nadzo muhondo, ivo navanhu vose vakaungudza kuchema nemisodzi vachiteterera kuna Tenzi kuti atume mutumwa wakanaka kuzonunura Isiraeri.
7Makabheusi pachake ndiye akabva ava wokutanga kupakata zvombo zvokurwisa. Akakurudzira vamwe kuti vaise upenyu hwavo parumano pamwechete naye kuitira kuti vabatsire hama dzavo. Mushure maizvozvo neshungu idzodzi vakabva vamhanyidzana pamwechete kuenda.
8Ipapo, vachiri padyo neJerusaremu, kumberi kwavo kwakaonekwa munhu akanga akatasva bhiza akapfeka zvichena achivaimisa zvombo zvokurwisa nazvo zvendarama.
9Vose pamwechete vakarumbidza Mwari wengoni vakabva vasimbaradzwa mwoyo vagadzirira kurwisa kwete vanhu voga asi kunyange zvikara zvesango kana tsvingo dzakaitwa nesimbi.
10Vakavavinga vakaronganirana, vakarwa hondo vaine mumwe wavo wokudenga uya nokuti Mwari akanga avanzwira nyasha.
11Vakaita seshumba chaizvo kurwirana nomuvengi vakauraya zvuru gumi nechimwechete navarwi vamabhiza churu chimwechete china mazana matanhatu, vamwe vose vakatoti gumbo ndibereke kutiza.
12Vazhinji vavo vakatiza vasisina chavakapfeka vakuvara. Naiyewo Risiyasi pachake akapunyuka nokutotiza zvinonyadzisa.
Kuwadzana kwaRisiyasi nevaJudha13Risiyasi somunhu anofungawo akarangarira zvakanaka nezvokukundwa kwake kwakanga kwamuwana, akazvionawo kuti zvakanga zvisingakwanisiki kukurira vaHebhuru nokuti Mwari Samasimbaose aivarwira.
14Akatuma nhume kwavari dzokuvanyengetedza kuti pave nokuwirirana, zvose zvichiitwa nomwero wakarurama, achivimbisa kuti achazonyengetedza mambo achimugombedzera kuti ave shamwari yavo.
15Pamusana pokuti Makabheusi aida kuti zvinhu zvinakire munhu wose akabvuma zvose zvaikurudzirwa naRisiyasi. Chimwe chaivepo ndechokuti mambo akabvuma zvose zvaikumbirirwa vaJudha zvakasvitswa kuna Risiyasi naMakabheusi azvinyora.
16Tsamba yacho yakanyorerwa vaJudha naRisiyasi yaiti,
“Ndini Risiyasi ndinokunyorerai imi vanhu
vechiJudha ndichikukwazisai.
17Yohane naAbhusharomu vamakatuma vakasvitsa
tsamba yakasainwa
ndikabvunza nezvedzimwe nyaya dzirimo.
18Ndakapirawo kuna mambo zvose zvazvo
zvinofanira kuti zvisvitswe kwaari.
Mambo akabvumiranawo nezvinokwanisika zvacho.
19Kana imi mukaramba mwoyo wenyu wakanaka
kuhurumende, iniwo ndichaedza chaizvo kubatsira
kuti zvinhu zvikufambireiwo zvakanaka.
20“Zvino pane zvenyaya idzodzi
idzi, noudorongoshwa hwadzo,
ini ndaudza varume ivava ava
navanondimiririra kuti
vazokurukurirana nemi.
21“Zvakanakai,
Zuva ramakumi maviri nechina romwedzi
waDhiosikorindiusi mugore rezana
namakumi mana nechisere.”
22Tsamba yamambo yakanga yakamira sezvizvi,
“Ndini mambo Andiokusi ndiri kukunyorera
iwe hama yangu Risiyasi, ndichikukwazisa.
23“Zvino baba vedu zvavakaenda
kunyikadzimu, zvatava kuda isu zvava
zvokuti vanhu vari pasi poumambo
huno varege kuwana chinovafuvisa
pakufambisa zvinhu zvavo.
24“Takanzwawo kuti vaJudha havabvumirane
nezvaidiwa nababa wedu zvokuti vapindukire
kutsika dzechiGiriki asi kuti vanoda
mugariro wavo uye vanokumbira kuti
vabvumirwe kuchengetedza tsika dzavo.
25Naizvozvo sezvo ichi chiri chido
cheduwo kuti rudzi irworu ruvewo
norusununguko kurege kuva nechinorufuvisa,
isu tatema kuti Temberi yavo
inofanira kudzoserwa mumaoko mavo,
uye kuti vatevedze mugariro
wetsika dzamadzitateguru avo.
26“Naizvozvo mungaite zvakanaka kuvatumira shoko
nokuita zvitsidzo zvokushamwaridzana navo
kuitira kuti vazivewo maitiro edu
vagova vanhu vakasununguka
varambe vachiita zvinhu zvavo vachifara.”
27Tsamba yakanyorerwa nyika iyi yose namambo yakanga
yakanyorwa sezvizvi,
“Ndini mambo Andiokusi ndinokukwazisai
ndichikunyorerai imi makurukota edare
ravaJudha nemi vaJudha vamwe vose.
28Kana imi muri vatano, aiwa tinofara.
Isuwo kuno uku tiripo zvedu.
29“Menerausi akatinyevera kuti imimi mava
kuda kudzokera kumusha kuti muchindotarisa
zvemisha yenyu.
30Naizvozvo vanodzokera kumusha musi wegumi
nechitatu womwedzi waZandikusi tinovatsidzira
ushamwari navo tichibvumira zvakakwana
31vaJudha kuti vadye zvinofadza
nokutevedza zvavo mitemo yavo sezvavaingoita kare.
Hapana nomumwe wavo achanetswa nenzira
ipi neipi zvayo pane zvaanenge akaita mukusaziva.
32Uye ndatumirawo Menerausi kuti akukurudzirei.
33“Zvakanakai,
zuva regumi nechishanu romwedzi waZandikusi
mugore rezana namakumi mana nechisere.”
34VaRoma vakavatumirawo tsamba iyi inoti,
“Isu vamiririri vavaRoma, vanaKwindusi
naMemiusi naTitusi naManiusi, tinokunyorerai
imi vanhu vechiJudha tichikukwazisai.
35“Zvamakabvumirwa naRisiyasi hama yamambo
kana nesuwo tinobvumirana nazvo.
36Asi kana zviri zvenyaya dziya dzaakati
dzinofanira kutanga dzasvitswa kuna mambo,
imi kana mangonyatsodzizeya ibvai matumira
munhu kuno nokukurumidza kuitira kuti
tindoisa zvichemo zvinokubatsirai.
Tinodaro nokuti izvozvi tiri kuzopinda
munzira yokuenda kuAndioku.
37“Naizvozvo chimbidzai kutumira
vamwe varume kuno kuitira
kuti tigoziva zvamakaronga.
38“Zvakanakai,
zuva regumi nechishanu remwedzi
waZandikusi mugore rezana
namakumi mana nechisere.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.