Hosea 5 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1“Chinzwai, imi vapristi,

muteerere imi vemba yokwaIsiraeri,

muteye nzeve imi vemba yokwamambo,

nokuti mhosva yacho ndeyenyu

pamusana pokuti imi,

ndimi makava chokuteya nacho

vanhu kuMizipa'ku,

mumbure zvawo wakachinzi

wareware kuteyewa paGomo reTabhori,

2mukaita hunza yakadzika kuShitimu

asi ndichakurangai mose zvenyu.

3VokwaEfuremu ndinovaziva

hapanawo chokwaIsiraeri

chakavanzika kwandiri

nokuti kutaura kuno

imi vokwaEfuremu makaita ufeve

imi vokwaIsiraeri man'ora.”

Nhamo yokunamata zvifananidzo

4Twavanoita twava kuvatadzisa

kudzokera kuna Mwari wavo

nokuti mweya woufeve uyu uri mavari,

uye havazivi Tenzi.

5Kuzvitutumadza kwevokwaIsiraeri,

kwava kuvapfukira,

vokwaEfuremu vachadzedzereka

nemhosva yavo iyoyo,

vokwaJudhawo

vachadzadzarika pamwechete navo.

6Nezvibayiro zvemombe nezvimwewo zvipfuwo

vachaenda kundotsvaka Tenzi,

asi havazi kuzomuwana

nokuti kwavari akabva.

7Havana kuva pachokwadi naTenzi

nokuti vakaita vana vomusango.

Zvino Zuva guru rokugara kwomwedzi

ndorichava kuparara kwavo

iyemi neminda yenyu.

Hondo pakati pavaJudha navaIsiraeri

8Ridzirai hwamanda muGibhea,

nebhosvo muRama,

muridze huhwi muBhetiavheni.

Narwoyi rwokurwisa imi vokwaBhenjamini

9Efuremu ichasara yangova nyika zvayo, isina chinhu

pazuva rayo rokurangwa.

Zvandiri kutaura ini

ichokwadi ichocho

mukati memadzinza okwaIsiraeri.

10“Machinda okwaJudha angovawo

savanhu vanobvisa hoko yomuganhu,

hasha dzangu dzichadirana pavari semvura.

11VokwaEfuremu vari kudzvinyirirwa

kutongwa kwavo

ndokwekumbunyikidzwa,

pamusana pokuti vakaramba voda

zvisina maturo.

12Naizvozvo ini

ndava sechipfukuto kune vokwaEfuremu

uye sechiundudzi

kune vemba yokwaJudha.

13“VokwaEfuremu pavakaona chirwere chavo,

vokwaJudha vachionawo ronda ravo,

ipapo vokwaEfuremu

vakaenda kuAsiria

votuma nhume kuna mambo mukuru uya.

Asi zvokukurapai haasi kuzokwanisa

kana kuporesa ronda renyu.

14Ndinodaro nokuti

kune vokwaEfuremu

ndichaita seshumba chaiyo,

kune vemba yokwaJudha

ndichaita semhondoro ichiri kuzvinzwa.

“Ini iyeni pachangu

ndichavabvambura ndigoenda zvangu

ndichizvuzvurudza

pasina anogona kununura.

15“Ndichadzokerazve kunzvimbo yangu

kusvikira vabvuma mhosva yavo vachizonditsvaga,

vapindwa nenhamo kudaro

vava kunditsvaga vachiti.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help