Mateu 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Vangwaru vokumabvazuva

1Zvino pakaberekwa Jesu muBheterehemu reJudhea pamazuva amambo Herodhi; havo vazivi vezvenyenyedzi vakabva kumabvazuva, vakauya kuJerusaremu

2vachiti, “Ari kupiko mwana akaberekwa, mambo wavaJudha? Nokuti takaona nyenyedzi yake kumabvazuva zvino tauya kuzomugwadamira.”

3Mambo Herodhi paakanzwa izvi, zvakamunetsa uye neJerusaremu yose.

4Akaunganidza vapristi vakuru vose nenyanzvi dzavanhu dzomutemo akavabvunzisisa kuti iye Kristu aizoberekererwa kupi.

5Vakamutaurira kuti, “MuBheterehemu yokuJudhea nokuti ndizvo zvakanyorwa nomuporofita zvichinzi,

6“ ‘Iwe Bheterehemu

munyika yokwaJudha

hausiwe muduku wokupedzesera

pakati pavatongi vokwaJudha

nokuti mauri muchabva mutongi

achafudza vanhu vangu vaIsiraeri.’ ”

7Herodhi akadaidza vangwaru vaya muchivande akanyatsovabvunzisisa kuti nyenyedzi yakaonekwa rinhi.

8Akavaendesa kuBheterehemu achiti, “Endai mundotsvagisisa mwana iyeyo. Kana mamuwana ndiunzireiwo shoko, kuti neniwo ndiende ndindomugwadamira.”

9Pavakapedza kunzwa mambo vakasimudzirazve rwendo rwavo. Nyenyedzi iya yavakanga vamboona kumabvazuva ndiye n'a–a pamberi pavo ichivatungamirira kusvikira yandomira pamusoro penzvimbo yaiva nemwana.

10Pavakaona nyenyedzi iya vakafara norufaro rukuru kwazvo.

11Pavakapinda mumba imomo vakaona mwana pamwechete naamai vake Maria. Vakasvikoti pasi gwadagwa vachimuremekedza. Vakasunungura upfumi hwavo vachimupa zvipo zvendarama nerusenzi nemura.

12Vakati vakayambirwa mukurota kuti vasadzokere nokuna Herodhi, vakadzokera kunyika kwavo neimwe nzira.

Jesu anotizwa naye kuIjipiti, kuAfrika

13Vazivi venyenyedzi vaya pavakaenda, hoyo mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Josefi mukurota akati, “Simuka utore mwana naamai vake utizire kuIjipiti ugare ikoko kusvikira ndakutaurira nokuti Herodhi avakuda kutsvaka mwana kuti amuparadze.”

14Josefi akasimuka akatora mucheche naamai vake usiku, akaenda kuIjipiti.

15Akagarako kusvikira Herodhi afa. Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakanga zvamborehwa naTenzi nomuromo womuporofita zvokuti,

“Ndakadaidza Mwanakomana wangu kubva kuIjipiti.”

Kuuraiwa kwakaitwa vacheche naHerodhi

16Herodhi, paakaona kuti akanga abatiswa pasi navazivi vezvenyenyedzi vaya, akaviruka nehasha akatuma vanhu kundouraya vana vakomana vose muBheterehemu nomunharaunda iyoyo yose vakanga vana makore maviri kana makore ari pasi paiwayo maererano nenguva yaakanga ataurirwa navazivi venyenyedzi vaya.

17Zvakabva zvazadzisa zvakanga zvataurwa nomuporofita Jeremia zvokuti,

18“Izwi rakanzikwa muRama

rokuchema nokuungudza kukuru,

Rakeri achichema vana vake

achiramba kunyaradzwa

nokuti vakanga vasisipo.”

Josefi anodzokera nemhuri kuNazareti

19Herodhi paakafa, hoyo mutumwa waTenzi akazvionesa kuna Josefi mukurota ari muIjipiti,

20achiti, “Chisimuka utore mwana naamai vake uende kunyika yeIsiraeri nokuti vaya vaida kuuraya mwana vakafa.”

21Josefi akasimuka akatora mwana naamai vake akaenda kunyika yeIsiraeri.

22Asi paakanzwa kuti Akerausi ndiye aitonga muJudhea panzvimbo pababa vake Herodhi, akatya kuendako. Paakayambirwa mukurota akabva aenda kuruwa rweGarirea.

23Akaenda akandogara muguta rinonzi Nazareti kuti zvakataurwa navaporofita zvizadziswe zvokuti, “Achanzi mugari weNazareti.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help