Ungwaru 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

I: UNGWARU, KUCHAZOENDA VANHUKutsvaga Mwari noururami uye kukanda pasi zvakaipa

1Idai ururami imi vatongi vapasi

rangarirai Tenzi muri pachokwadi

mumutsvake nemwoyo wose.

2Nokuti anowanikwa navasingamuedzi

achizviratidza kuna vasingaregi kuvimba naye.

3Chikonzero chacho ndechokuti

pfungwa dzounyengedzi

dzinoparadzanisa vanhu naMwari.

Munhu akada kuedza simba rake

iro simba racho rinokona mapenzi;

4nokuti ungwaru haupindi

mweya womunhu munyengedzi

kana kugara mumuviri womunhu

ari muranda wechitadzo.

5Ndinodaro nokuti

mweya wewakarurama uye

womunhu anozvidzora unotiza unyengedzi.

Unosimuka wosiyana

nepfungwa dzisina maturo

zvisakarurama zvichishaisa mweya zvokuita.

Mwari anonzwa zvatinotaura

6Mweya woungawaru ishamwari kuvanhu

asi hauregereri munhu anonyomba Mwari

asina mhosva yezvinenge zvabva pamuromo pake

nokuti Mwari anoona

zviri mukatikati momunhu

uye muongorori chaiye wezviri

mumwoyo womunhu;

anoteererawo zvinobva parurimi rwake.

7Chikonzero chacho ndechokuti

mweya watenzi wakazadza pasi pose;

iye anobata zvinhu zvose mumaoko ake

anoziva zvinotaurwa.

8Naizvozvo hakuna munhu

anotaura zvisina kururama

akashaya kunzwika

uye kana ruenzaniso rwavakuranga

iye haapasari.

9Mazano avasinganamati achaongororwa,

zvaakataura zvichasvitswa pana Tenzi

kuti abatwe nemhosva

yezviito zvake zvisina mutemo

10nokuti nzeve yake inzeve inoteerera

yaane shanje

iyoyo haina kana kazevezeve kanoipesa.

11Naizvozvo siyanai nokunyunyuta kusina maturo,

zvokuva muzvinaguhwa ngazvikubve parurimi

nokuti hapana chinotaurwa pachivande

chisina mubairo wacho

uye muromo unoreva nhema unouraya mweya.

Mwari haafariri kuti munhu afe

12Rega kuzvikokera rufu

nezvikanganiso zvoupenyu hwako

kana kuzviparadzisa nezvaunoita

namaoko ako;

13nokuti Mwari haasi iye

akaita kuti pave norufu

uye haafariri kuti mupenyu afe.

14Chaakasikira zvinhu zvose kuti zvivepo.

Zvisikwa zviri pasi pano zvine upenyu kwahwo,

mazviri hamuna chepfu yokuzviparadza.

Nzvimbo yavafi haina simba rokuita panyika pano

15chikonzero chacho ndechokuti

ururami hunogara nokusingaperi.

Mafungiro avasiri vanamati

16Vasiri vanamati vanozvikokera

rufu nezviito zvavo uye nezvavanotaura.

Vanotoonda kwazvo nokurufunga

vachifunga kuti ishamwari,

vachitoita zvavo chitsidzirano narwo

nokuti kurufu uku ndiko

kubato ravo ikoko ravanokodzerana navo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help