Johani 7 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

IV: MAZUVA MAKURU AMATUMBAGakava nezvaJesu

1Mushure maizvozvi, Jesu aingotenderera ari muGarirea asingadi kuenda kuJudhea nokuti vaJudha vaida kumuuraya.

2Izvozvo, mazuva makuru avaJudha amatumba akanga ava pedyo.

3Naizvozvo vakomanavanun'una vake vakati kwaari, “Dai mabva kuno muende kuJudhea kuti vadzidzi venyu vaone mabasa amuri kuita.

4Nokuti hapana munhu anoita zvomuchivande kana achida kunyatsozivikanwa. Kana muchitoita mabasa akadai zviratidzei kunyika.

5Asi ivowo, vakoma navanun'una vake vakanga vasingatendi maari.”

6Jesu akavati, “Nguva yangu haisati yasvika asi kwamuri chero nguva inguva kwayo.

7Imi nyika haikuvengei asi ini inondivenga nokuti ndinoidurira kuti zvainoita zvakaipa.

8Imimi endai zvenyu kumazuva makuru iwayo ini handisati ndoenda kumazuva makuru iwaya nokuti nguva yangu haisati yanyatsokwana.”

9Akataura izvi ndokubva asara zvake kuGarirea.

10Vakoma navanun'una vake pavakaenda kumazuva makuru aya iye akazoenda zvechiverevere, zvisingaonekwi navanhu.

11VaJudha vakanga vachimutsvaka pamazuva makuru iwayo vachiti, “Ko ari kupiko?”

12Pakanga pachiitwa chizevezeve kwazvo nezvake mukati mavanhu. Vamwe vaiti, “Munhu wakanaka;” vamwewo vachiti, “Kwete, ari kurasisa vanhu kusiri iko.”

13Asi pamusana pokutya vaJudha hapana aitaura pachena nezvake.

14Pava pakati pamazuva makuru iwayo Jesu akaenda muTemberi akatangisa kudzidzisa.

15VaJudha vakashamiswa nazvo vachiti, “Ko munhu uyu akawanepiko ruzivo rwaanarwo iye asina kudzidza?”

16Jesu akapindura achiti,

“Zvandinokudzidzisai hazvisi zvomusoro wangu

asi zvinobva kunaiye akandituma.

17Kana munhu ane chido

chokuita zvinoda Mwari

anobva aziva kuti rudzidziso urwu

runobva kuna Mwari here,

kana kuti ndiri kutaura zvomusoro wangu.

18Kana munhu achitaura zvomusoro wake

anotsvaka mbiri yake

asi munhu anotsvaka mbiri youyo anenge amutuma

ari pachokwadi uye maari hamuna unyengedzi.

19Mosesi akakupai Mutemo handiti?

Asi hapana kana mumwe anochengeta mutemo iwoyo.

Munoda kundiurairei?”

20Vanhu vakamupindura vachiti, “Une mweya wakaipa iwe! Ndiani arikuda kukuuraya?”

21Jesu akavapindurawo achiti, “Ndakangoita chiitiko chimwechete mose mukabva mashamiswa.

22Mosesi akakutii muite dzingiso (zvisingarevi zvazvo kuti zvakabva kuna Mosesi asi kumadzitateguru enyu) asi imi munodzingisa munhu nezuva resabata.

23Kana muchidzingisa munhu nezuva reSabata muchiitira kuti mutemo waMosesi urege kutyorwa. Ko zvino munoshatirirwei kana ndakaporesa munhu zvokupedzeredza pamusi weSabata?

24Musatonge chinhu nezvamunoona kunze kwacho tongai nemwero kwawo wokutonga.”

Jesu ndiMesia here?

25Nezvo vamwe vanhu vokuJerusaremu vakati, “Haasi iye munhu wavari kuda kuuraya here uyu. Hoyu ari kutaura pachena chena;

26asi hapana chavari kutaura kwaari, zvinoreva here kuti vakuru vakuru vava kunyatsoziva kuti uyu ndiye Mesia.

27Kunobva munhu uyu tinokuzivaka isu asi kana Mesia ouya hapana anoziva kwaanobva.”

28Naizvozvo Jesu akadaidzira achidzidzisa muTemberi achiti,

“Heya munotondiziva

nokwandinobva kwose nhai?

Asi ini handina kungouya zvomusoro wangu

ndakatotumwa nouyo ari pachokwadi

wamusingazivi imi.

29Ini ndinomuziva nokuti ndinobva kwaari,

uyewo ndiye akandituma.”

30Naizvozvo vakada kumusunga. Asi hapana akambomubata nokuti nguva yake yakanga isati yasvika.

31Zvakadaro zvazvo vanhu vazhinji vakatenda maari vachiti, “Ko iye Kristu kana azouya, achaita zviratidzo zvakawanda kupfuura zvakaitwa nomunhu uyu here?”

Mapurisa anotumwa kundosunga Jesu

32VaFarisei vakanzwa zevezeve raiitwa navanhu nezvake. Naizvozvo vapristi vakuru navaFarisei, vakatuma mapurisa apaTemberi kundomusunga.

33Jesu akati,

“Ndichangova nemi kwekanguva kadiki;

ndozodzokera kune wakandituma.

34Muchanditsvaka asi hamundiwani

uye kwandinenge ndiri hamukwanisi kuuyako.”

35VaJudha vakataurirana vachiti, “Ko munhu uyu ari kuda kuenda kupiko, kwatisingakwanisi kumuwana? Arikuda kuenda kuvaJudha vakapararira kuvaGiriki achindodzidzisa vaGiriki here?

36Ko anoreveiko kana achiti,

“ ‘Muchanditsvaka asi hamundiwani

uye kwandinenge ndaenda imi hamukwanisi kuuyako.’ ”

Nzizi dzemvura youpenyu

37Pazuva rokupedzisa ramazuva makuru aya zuva racho rakanga riri guru kupinda ose zvawo Jesu akasimuka akaparidza achiti,

“Aninani ane nyota

ngaauye kwandiri anwe.

38Aninani anodavira mandiri,

sokutaura kunoita Magwaro Matsvene

mumwoyo make muchaerera nzizi dzemvura youpenyu.”

39Izvozvo aitaura nezvaMweya aizogamuchirwa navanotenda maari nokuti Mweya akanga asati apiwa kuvanhu nokuti Jesu akanga asati awaniswa mbiri yake.

Mesia anofanira kubva kuBheterehemu

40Vamwe vanhu vaiva mugungano iroro, pavakanzwa mazwi aya vakati, “Uyu ndiye chaiye muporofita uya.”

41Vamwewo vakati, “Uyu ndiye Mesia uyu.” Vamwe vakatiwo, “Mesia anofanira kubva kuGarirea here?

42Handiti Magwaro Matsvene anoti, ‘Mesia anofanira kuva chizvarwa chaDhavhidhi uye kuti anobva kuBheterehemu, musha waigara Dhavhidhi.’ ”

43Saizvozvo pakava nokutsaukana mukati mavanhu pamusana pake.

44Vamwe vaitoda kumusunga asi hapana kana neakambomubata zvake.

Kusadavira muna Jesu kwavakuru vakuru

45Mapurisa aya akadzokera kuvapristi vakuru navaFarisei avo vakavati, “Sei musina kuuya naye?”

46Mapurisa akati, “Hapana munhu ati ambotaura somunhu uyu.”

47VaFarisei vakapindura vachiti, “Nemiwo marasiswa nhai?

48Pane mumwe wavakuru–vakuru kana mumwe wavaFarisei akatenda maari here

49kusiya vanamunhuwo zvavo ava vasingazivi mutemo uye vane rushambwa ava?”

50Nikodhimasi, uya akamboenda kwaari aiva mumwe wavo akati kwavari.

51“Zviya, handiti mutemo wedu haupe munhu mhosva asina kutanga ambonzwika uye kuziva zvaanoita?”

52Ivo vakapindura vachiti, “Asi newewo unobva kuGarirea su? Tsvagaka uone zvako kuti hakuna muporofita anobva kuGarirea.”

Mukadzi akabatwa achiita upombwe

53Mumwe nomumwe akaenda kumusha kwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help