1Zvakaitikazve kuti vakomana vanomwe vaiva mukomanomunun'una vakasungwa pamwechete naamai vavo, vakamanikidzwa namambo Andiokusi vachitorohwa netyava netambo kudya nyama isingabvumirwi yenguruve.
2Mumwe wavo akataura akavamirira achiti, “Chii chaizvo chamunoda kuti tiite, chamuri kuda kuziva kwatiri? Nokuti isu takatogadzirira kufa pano kuti tidarike mirao yamadzibaba edu.”
3Mambo akabva aviruka nehasha ndokutema kuti pamoto pagadzwe mazikango outare namazibhodho atsvuke kuti piriviri.
4Izvozvi zvakabva zvaiswawo pamoto, mambo akatema kuti uya aitaura akamiririra vamwe uya achekwe rurimi vamukupure ganda rose romusoro vamudimure maoko namakumbo vanun'una vake naamai vake vachiona.
5Paakanga zvino asisina kana nechaachagona kuita kudaro mambo akavati, “Mutorei achiri mupenyu kudaro mumukande muzigango routare.” Utsi hwaipfungaira muzigango imomu hwakapwititikira kwose kwose, asi ivo naamai vavo vakakurudzirana kufa zvine chiremera vachiti,
6“Tenzi Mwari ari kutiona, izvozvi chokwadi anotinzwira ngoni sezvinorehwa naMosesi murwiyo rwake runobva rwapa umbowo hunotsiura vaIsiraeri vachinzwa paanoti, ‘Achanzwira tsitsi varanda vake.’ ”
7Mushure mokunge wokutanga afa mufiro wakadai vakauya newechipiri kuzomuita chiseko chavo. Vakamukupura ganda romusoro wake nebvudzi ndokumubvunza kuti, “Unoda here kudya pane kuoneswa nhamo yokurwadziswa muviri uchitazurwa–tazurwa mitezo?”
8Iye akapindura nomutauro wamadzibaba ake achiti kwavari, “Kwete.” Naizvozvo iye akapindawo pfumvu yakanga yapinda mumwe wake wokutanga.
9Paakanga ava kufa akati, “Iwe munhu ano rushambwa, munhu asina namaturo ese! Muri kutitamisa muupenyu hwanhasi uhu, asi Mambo Wedenga rose napasi pose zvapo achatimutsa tova noupenyu hutsva nokusingaperi nokuti tiri kufira mitemo yake.”
10Mushure make wechitatu ndiye akaona nhamo yokuve chiseko chavo. Pavakangomukumbirwa akabva aburitsa rurimi rwake akatambanudza maoko ake nokushinga
11akataura zvine chiremera achiti, “Izvi ndakatozvipiwa naiye Wedenga, zvino pamusana pemitemo yake ndinozviona samarara uye ndinotarisira kuti iye ndiye achazvidzosera kwandiri.”
12Mambo pachake navaaiva navo vakashamiswa nemweya waiva nejaya irori nokuti kutambura kwake kwakanga kusiri chinhu kwaari.
13Pakafawo uyu vakabata wechina zvakaipa vachimuonesa nhamo zvimwechetezvo.
14Kuzoti zvino ava kuda kufa akati, “Munhu haangamborega kusarudza kufa achiita zvokubatiranwa navanhu pamusana pokukoshesa kwaanoita chitarisiro chinopiwa naMwari chokuti iye achazomutsa vachakabvu. Asi kwamuri imi zvokumukazve hapana.”
15Vakazouya newechishanu vakamubata zvakaipa.
16Asi iye akatarisa kuna mambo akati, “Pamusana pamasimba aunawo pakati pavanhu kunyange zvazvo iwe uri munhuwo zvake anofa, uchiita zvaunoda zvako. Asi usafunge kuti Mwari afuratira vanhu verudzi rwedu.
17Rambaka zvako wakadaro, uone nhamo yauchaoneswa nesimba rake, iyewe navana vako.”
18Mushure make vakauya newechitanhatu. Kuzotiwo ava kuda kufa akati, “Regai henyu kumbozvinyengedza nezvisina maturo nokuti kutambura kwatiri kuita uku ndisu zvedu takatozviparira nezvitadzo zvedu zvatakatadzira Mwari wedu. Ndokusaka kuchiitika zvinhu zvinokatyamadza.
19Asi musafunge kuti hamusi kuzorangiwa nezvamuri kuita zvokuedza kurwisana naMwari!”
20Amai vavo ndivo vakaita zvinonyatsoyemurika zvine chiremera zvinokodzera kurangarirwa. Kunyange zvazvo vakaona vanakomana vavo vanomwe vachiparara nomusi mumwechete vakashirira izvozvi nokushinga mwoyo pamusana pechitarisiro chavaiva nacho muna Tenzi.
21Vakakurudzira mumwe nomumwe wavo nomutauro wamadzibaba avo. Vazere nomweya wechiremera kudaro njere dzavo dzechikadzi vakadzikanda kwavari nechivindi somurume chaiye vachiti,
22“Ini handimboziva maitiro azvakaita kuti ndizokutakurai munhumbu mangu. Handisi ini ndakakupai upenyu nomweya unofema uye handisini ndakaumba zvose zvomumuviri womumwe nomumwe wenyu.
23Naizvozvo Musiki wapasi pose anotanga kuumba munhu nokurongawo matangiro ezvinhu zvose, nengoni dzake ndiye achadzoserazve upenyu nomweya unofema kwamuri sezvo imi mava kutombozvikanganwa pachenyu pamusana pemitemo yake.”
24Andiokusi akazvinzwira nechomumwoyo kuti akanga achitoshorwa. Akanga ava kufungira mudzimai namatauriro ake ainge okuzvidza. Gotwe racho richiri mupenyu kudaro, Andiokusi haana kungomutaurira mazwi okumunyengetedza chete, asi akatomutsidzirawo nemhiko kuti achazomuita kuti ave mupfumi chaiye anoyemurika kana achinge angofuratira chete makwara amadzibaba ake, uye kuti achava seshamwari yake agomuitawo mukuru mukuru wokuona nezvevanhu munyika.
25Pamusana pokuti jaya iri harina kana kumbomuteerera, mambo akadaidza amai vacho kwaari akavakurudzira kuti vaudze mwana uyu kuti azviponese upenyu.
26Mushure mokunge iye mambo pachake asimbirira kuvakurudzira amai ava vazotanga zvavo kunyengetedza mwanakomana wavo uyu.
27Asi vakazemberana naye vakataura norurimi rwekwavo sezvizvi vachishora nhunzvatunzva yomutongi iyi vachiti, “Mwanangu ndinzwirewo hako tsitsi. Ndakaita mwedzi mipfumbamwe ndakakutakura munhumbu mangu ndikakuyamwisa kwamakore matatu ndikakurera ndikakusvitsa ipo pauri izvozvi muupenyu hwako ndichinyatsokuchengeta zvakanaka.
28Ndateterera mwanangu kuti utarise kudenga napanyika uone zvose zvirimo uzive kuti Mwari haana kumbozvisika achishandisa zvinhu zvakanga zviripo. Ikoko ndokuumbwawo kunoitwa munhu.
29Rega kumbotya zvako muurayi uyu, asi ratidza kuti iwe navakoma vako muri vamwechete. Bvuma zvako kufa kuitira kuti, nengoni dzaMwari, ini ndizokudzoserwazve pamwechete navakoma vako.”
30Amai ava vachiri kutaura kudaro, mukomana uyu akabva ati, “Chamuchiri kumirira chiiko ipapa? Handisi kuteerera zviri kurehwa namambo. Asi ndinoteerera zvinorehwa nomutemo wakapiwa kumadzibaba naMwari wedu nomuromo waMosesi.
31Asi iwe wakaronga zvokuonesa vaHebheru nhamo dzorudzi norudzi idzodzi, hausi kuzombopunyuka chirango chaMwari
32nokuti tiri kutambura nokuda kwezvitadzo zvedu.
33Kunyange zvazvo Tenzi wedu mupenyu akamboshatirwa hake kwekanguva kuri kutitsiura nokutipinza mugwara achazowadzanazve navaranda vake.
34Asi iwe rombe rakan'ora, munhu akan'oresesa pavanhu vose zvavo, rega zvako kuzvikudza zvisina namaturo ose uchinyunduma nechitarisiro chezvinhu pasina pauri kutosimudza ruoko uchirwisa vana vaMwari.
35Wati wadii zvako, hausati wapunyukaka iwe chirango chaSamasimbaose, Mwari muoni wezvose
36nokuti hama dzedu, mushure mokunge dzambotirira nhamo kwekanguva, dzakapinda muupenyu husingaperi maererano nechitenderano chaMwari. Asi nokutonga kwaMwari uchawana chirango chakakodzerana nokuzvitutumadza kwako.
37Neniwo, savakoma vangu, ndinopira muviri wangu noupenyu hwangu kuitira mutemo wamadzibaba edu ndichikumbira kuti Mwari akurumidze kunzwira ngoni rudzi rwedu aite kuti iwe pamusana penhamo namatambudziko udure kuti iye chete ndiye Mwari,
38uye kuti pamusana pangu nepamusana pavakoma vangu, hasha dzaSamasimbaose dzakakodzera dzaakaitira rudzi rwedu rwose dzipere.”
39Mambo akabva aviruka nehasha akamurwadzisa noutsinye hwakanyanyisa kupinda vamwe vose ashatiriswa nokushora kwake.
40Saizvozvo mukomana uyu akafa akamira pachokwadi akaisa ruvimbo rwose rwakakwana kuna Tenzi.
41Pakupedzesera amai vacho vakafa vakateverawo vanakomana vavo.
42Zvino zvakwana izvozvi zvenyaya dzokudya zvibayiro izvozvo nokurwadziswa kunosiririsa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.