2 Samueri 23 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mazwi aDhavhidhi okupedzesera

1Aya ndiwo mazwi okupedzesera aDhavhidhi.

Shoko raDhavhidhi mwana waJese

shoko romurume akakwidziridzwa pamusoro

muzodzwa waMwari waJakobho

muimbi weIsiraeri wepamwoyo.

2Mweya waTenzi ari kutaura nomandiri

shoko rake riri mumuromo mangu.

3Mwari weIsiraeri ataura

iye Bako reIsiraeri anditi:

“Kana munhu achitonga vanhu zvine ruenzaniso

achitonga achitya Mwari,

4anoita sechiedza chemambakwedza

sokupenya kunoita zuva,

semangwanani asina kana kakore

nechiedza chacho nemvura yokunaya

ruswiswi runobva rwamera pasi.”

5Handiti ndiwo mamiriro akaita imba yangu naMwari here

nokuti akaita neni chitenderano chinogara nokusingapere?

Zvinhu zvose akatozvironga kare akatozvisimbisa.

Angazorega here kuti ndibudirire

achindiitirawo zvido zvangu?

6Asi vasina hanya naMwari

vose vachakukurwa seminzwa,

isingaitwi zvokubatwa namaoko.

7Asi kana munhu oibata

anotozviita nesimbi kana nerwiriko rwepfumo.

Pairi ipapo ndopainororomeserwa nomoto.

Magamba omuhondo yaDhavhidhi(1 Nhor 11:10–14)

8Aya ndomazita emagamba aiva naDhavhidhi okurwa: kunoti Jashebhabhashebheti wokuTakemoni, pautatu hwavo ndiye aiva mukuru mukuru. Akarwisa mazana masere avarume akavauraya nepfumo rake muhondo imwechete.

9Aitevedzerwa naEreazari mwanakomana waDhodho mwanakomana waAhohi. Ndiye akanga aina Dhavhidhi pavaitafurira vaFirisitia vakanga vaunganidzanako kuzorwa hondo ndokubva varwi veIsiraeri vatiza.

10Iye akamira akauraya vaFirisitia kusvikira ruoko rwake rwaneta asisagone kurega bakatwa rake muchanza pamusana pechinyamunhari. Tenzi akaita basa guru kwazvo rokuti vakunde zuva iroro asi vakazodzokerazve kuzopamba zvinhu pazvitunha.

11Aimutevera wacho ndiShama, mwanakomana waAgee wokuHarari. Pakanga vaFirisitia vaunganidzana pamwechete kuRehi paiva nomunda uzere nyemba, vamwe vaIsiraeri vakatiza vaFirisitia.

12Asi Shama akamira mukati momunda iwoyo achiudzivirira akauraya vaFirisitia. Tenzi akaita basa guru rokuti vakunde.

13Munguva yokukohwa, pavakuru vakuru makumi matatu, vamwe vavo vatatu vakasvika kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu izvozvo chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chadzika matendhe mubani rokuvaRefaimu.

14Izvozvo Dhavhidhi akanga achiri munhare yakavakirirwa chimwe chikwata chavarwi vechiFirisitia chakanga chiri kuBheterehemu.

15Dhavhidhi akanzwa nenyota akati, “Dai pangowana mumwe anondonditekera mvura yokunwa kutsime rokuBheterehemu riri pedyo nesuo guru raro.”

16Magamba okurwa aye ari matatu akatyoredzera nomumatendhe avaFirisitia imomo akandoteka mvura kutsime rekuBheterehemu riri pedyo nesuo guru racho. Vakaichera vakauya nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaiteurira pasi kuna Tenzi

17achiti, “Tenzi we-e handifanire kumbofa ndakaita chinhu chakadai iropaka iri ravanhu vaendako vachitopinza upenyu hwavo munjodzi.” Naizvozvo kuinwa akaramba. Izvozvi izvi ndizvo zvinhu zvakaitwa nemagamba matatu aya.

18Abhishai munun'una waJoabhu mwanakomana waZeruya ndiye aiva mukuru mukuru wavo vari makumi matatu. Akarwisa varume mazana matatu nepfumo rake akavauraya akazviwanira mbiri yakada kuita seyevatatu vaye.

19Ndiye aiva nomukurumbira kwazvo pamakumi matatu avo ndokubva ava mukuru mukuru wavo. Asi pavatatu vaya, haana kupasvika.

20Bhenaya mwanakomana waJehoyadha wokuKabhuzeri ndiyewo aiva rimwe gamba rokurwa, nyakuita mabasa makuru kwazvo. Akauraya shumba chaidzo dzavanhu vaviri vokuMoabhu. Akapindawo mugomba akauraya shumba musi wakanga wadonha chando.

21Akaurayawo mumwe muIjipiti, murume chaiye akasvika. MuIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko, asi Bhenaya akamuvinga netsvimbo. Akatorera muIjipiti pfumo ndokubva amuuraya nepfumo rake iroro.

22Izvozvi izvi ndizvo zvakaitwa naBhenaya mwana waJehoyadha akazviwanira mbiri yakada kuita seyemagamba matatu aya.

23Iyeyu uyu aivawo nomukurumbira pamwechete navaya vaya makumi matatu. Asi pavatatu vaya, haana kupasvika Dhavhidhi akamuita mukuru mukuru wevokumuchengetedza iye mambo.

24Asaheri munun'una waJoabhu aivawo mumwe wamakumi matatu iwaya uye Erihanani mwanakomana waDhodho wokuBheterehemu:

25kwouya Shama wokuHarodhi naErika wokuHarodhi

26naHerezi wokuPariti naIra mwanakomana waIkeshi wokuTekoa

27kwouyawo Abhiezeru wokuAnatoti naMebhunai wokuHusha

28naZarimoni muAhohi uye Maharai wokuNetofa

29uyewo Herebhu mwanakoma waBhaana wokuNetofa naItai mwanakomana waRibhai wokuGibhea kwaBhenjamini

30kwoti Bhenaya wokuPireatoni naHidhai wokumakoronga okuGaashi

31naAbhiaribhoni wokuAribha naAzimavheti wokuBhahurimu,

32kwotiwo Eriyahibha wokuShaaribhoni kwouya vanakomana vaJasheni naJonatani

33mwanakomana waShama wokuHarari naAhihamu mwanakomana waSharari wokwakare kuHarari,

34kuchizoti Erifereti mwanakomana waAhashibhai wokuMaaka naEriamu mwanakomana waAhitoferi wokuGiro

35naHeziro wokuKarimeri naPaarai wokuAribhu,

36kuchitiwo Igari mwanakomana waNatani wokuZobha naBhani wokwaGadhi

37naZereki muAmoni naNaharai wokuBheeroti ndiye aiva wokutakurira Joabhu mwanakomana wavaZeruya zvombo zvehondo

38kwozoti Ira wokuItira naKarebhu wokwakareko kuItira

39naUriya muHiti. Vose pamwechete vaiva vanhu makumi matatu navanomwe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help