1Rwiyo rwakanakisisa rwaSoromoni.
RWIYO RWOKUTANGAMWENGA2Dai wangonditsvodawo zvako
unditsvode-tsvode nomuromo wako
nokuti kuita zvorudo kwako
kunokunda waini.
3Mafuta ako okuzora anonhuwirira;
zita rako rakaita samafuta adururwa
ndosaka vasikana vachikuda.
4Ndikweve kwauri timhanye
muende neni mumba menyu, mambo.
SHAMWARINgatifarei tichikupemberera
tichirumbidza rudo rwako
kupfuura waini.
Ndosaka wani uchidiwa.
MWENGA5Vakunda veJerusaremu wee!
Kusviba ndakasviba zvangu asi ndakanaka
ndakasviba zvangu samatendhe eKedhari
asi kunaka kwangu samachira chaiwo okudzikatirisa
okwaSoromoni.
6Musatarise zvenyu kusviba kwandakaita
izuva iri rakanditsvukurutsa kudai.
Hanzvadzi dzangu dzomumba
dzakandiitira zvehasha;
dzakandiita muchengeti weminda yamagirepisi.
Asi munda wangu wamagirepisi handina kuuchengeta.
7Ndiudzewo mudiwa wangu wapamwoyo,
unofudzirepiko zvipfuwo zvako?
Unozvizorodza kupi pamasikati makuru?
Usandirege ndichingodzungaira,
ndichitevedza namatanga avamwe vako.
Chikomba8Iwe nyakunakisisa panavakadzi vose
kana usingazivi,
tevera matsimba ehwai
ufudzire mbudzana dzako
pedyo namatendhe avafudzi.
9Iwe chido chemwoyo wangu
ndinokuenzanisa nomukono webhiza
riri pangoro dzaFarao dzehondo.
10Hakusi kunaka ikoko
kwakaita matama ako nemhete idzi!
Naiwo mutsipa wako uyu,
nezvishongo zvawo izvi, aiwaiwa!
SHAMWARI11Tichakuitira mhete dzendarama
nezvuma zvesirivha.
MWENGA12Mambo paainge akazendama zvake pasofa,
mafuta angu enadhi akati pfuu kunhuwirira.
13Kwandiri mudiwa wangu wakaita sakahomwe kemura
kakarara pakati pamazamu angu.
14Kwandiri ini mudiwa wangu akaita sechitsumbu
chamaruva ehena muminda yeEnigedhi yamagirepisi.
CHIKOMBA15Hakusi kunaka ikoko kwawakaita,
iwe chido chemwoyo wangu!
Kunaka here ikoko!
Iwo maziso aya, aiwaka
njiva inosara pasi!
MWENGA16Kunaka here ikoko
kwakaitawo iwe mudiwa wangu!
Hakusi kunaka kani ikoko!
Patinovata pakati gude gude kusvibira.
17Mapango emba yedu okutandarika
achava omusidhari,
nhungo dzawo dziri dzomupaini.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.