Rwiyo 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Rwiyo rwakanakisisa rwaSoromoni.

RWIYO RWOKUTANGAMWENGA

2Dai wangonditsvodawo zvako

unditsvode-tsvode nomuromo wako

nokuti kuita zvorudo kwako

kunokunda waini.

3Mafuta ako okuzora anonhuwirira;

zita rako rakaita samafuta adururwa

ndosaka vasikana vachikuda.

4Ndikweve kwauri timhanye

muende neni mumba menyu, mambo.

SHAMWARI

Ngatifarei tichikupemberera

tichirumbidza rudo rwako

kupfuura waini.

Ndosaka wani uchidiwa.

MWENGA

5Vakunda veJerusaremu wee!

Kusviba ndakasviba zvangu asi ndakanaka

ndakasviba zvangu samatendhe eKedhari

asi kunaka kwangu samachira chaiwo okudzikatirisa

okwaSoromoni.

6Musatarise zvenyu kusviba kwandakaita

izuva iri rakanditsvukurutsa kudai.

Hanzvadzi dzangu dzomumba

dzakandiitira zvehasha;

dzakandiita muchengeti weminda yamagirepisi.

Asi munda wangu wamagirepisi handina kuuchengeta.

7Ndiudzewo mudiwa wangu wapamwoyo,

unofudzirepiko zvipfuwo zvako?

Unozvizorodza kupi pamasikati makuru?

Usandirege ndichingodzungaira,

ndichitevedza namatanga avamwe vako.

Chikomba

8Iwe nyakunakisisa panavakadzi vose

kana usingazivi,

tevera matsimba ehwai

ufudzire mbudzana dzako

pedyo namatendhe avafudzi.

9Iwe chido chemwoyo wangu

ndinokuenzanisa nomukono webhiza

riri pangoro dzaFarao dzehondo.

10Hakusi kunaka ikoko

kwakaita matama ako nemhete idzi!

Naiwo mutsipa wako uyu,

nezvishongo zvawo izvi, aiwaiwa!

SHAMWARI

11Tichakuitira mhete dzendarama

nezvuma zvesirivha.

MWENGA

12Mambo paainge akazendama zvake pasofa,

mafuta angu enadhi akati pfuu kunhuwirira.

13Kwandiri mudiwa wangu wakaita sakahomwe kemura

kakarara pakati pamazamu angu.

14Kwandiri ini mudiwa wangu akaita sechitsumbu

chamaruva ehena muminda yeEnigedhi yamagirepisi.

CHIKOMBA

15Hakusi kunaka ikoko kwawakaita,

iwe chido chemwoyo wangu!

Kunaka here ikoko!

Iwo maziso aya, aiwaka

njiva inosara pasi!

MWENGA

16Kunaka here ikoko

kwakaitawo iwe mudiwa wangu!

Hakusi kunaka kani ikoko!

Patinovata pakati gude gude kusvibira.

17Mapango emba yedu okutandarika

achava omusidhari,

nhungo dzawo dziri dzomupaini.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help