1Asi izvi zvakagumbura Jona zvakanyanya zvikamushatirisa
2akabva anamata kuna TENZI achiti:
“Nhai imi TENZI,
ko izvi hazvisirizvo here zvandakamboreva
ndichiri kunyika yokwangu?
Ndokusaka ndakakurumidza kutizira
kuTashishi nokuti ndaizviziva
kuti imi muri Mwari wengoni
ane tsitsi uye asingakurumidzi kushatirwa
azere nomwoyochena anozvidzora
kune zvakaipa.
3Saka naizvozvo ndapota TENZI
ndiurayei zvenyu nokuti zviri
nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.”
4TENZI ndokubva ati, “Zvauri kuita
izvi zvokushatirwa, zvakanaka here?”
5Jona akabva abuda muguta iroro akandogara kumabvazuva kweguta iri. Akazvigadzirira musasa ikoko. Akagara hake pasi pawo mumumvuri achimirira kuona zvaizowira guta iroro.
6Ipapo TENZI akameresa mupfuta akaukurisa pana Jona ukava mumvuri pamusoro pake kuti amufaranutse munhamo yake. Ipapo Jona akafadzwa zvikuru kwazvo nomupfuta wacho.
7Kuzoti ramangwana acho mambakwedza, Mwari akatuma gonye rikaruma mupfuta uya ukabva wauna.
8Zuva parakabuda, Mwari akatuma mhepo inopisa inobva kumabvazuva, zuvawo rikatumhisa musoro waJona zvokuti akafizuka, akakumbira kuti afe zvake achiti, “Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.”
9Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvauri kuita izvozvi zvokushatirirwa mupfuta zvakanaka here?”
Iye akapindura achiti, “Zvokushatirwa zvandiri kuita zvakanaka, ndiri kutoshatirwa zvokufa.”
10TENZI akati, “Unonzwira urombo mupfuta wausina kushandira zvako uye wausina kumboita kuti ukure. Wakavapo nousiku umwechete ukazopararawo nousiku humwechete.
11Ini ndingarege here kunzwira tsitsi Ninivhe guta guru rina vanhu vanodarika zana namakumi maviri ezviuru vasingazivi kusiyanisa rudyi noruboshwe rwavo uyewo mune zvipfuwo zvakawanda.”
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.