1Ndicharumbidza TENZI nguva dzose
kumurumbidza hakuchabvi pamuromo pangu.
2Ini ndinodada naTENZI.
Dai varombo vakazvinzwawo vafare.
3Ngatikudzei TENZI pamwechete neni,
ngatirumbidzei zita rake pamwechete.
4Ndakatsvaka TENZI akandipindura;
akandinunura kunazvose zvaindityisa.
5Tarisai kwaari mupenye,
naizvozvo uso hwenyu hauzombonyari.
6Murombo uya akachema
TENZI akamunzwa
akamununura kumatambudziko ake ose.
7Mutumwa waTENZI anokomberedza
vanomutya achivanunura.
8Ravirai munzwe kunaka kwaTENZI,
akakomborerwa munhu anopotera kwaari.
9Ityai TENZI imi vatsvene vake;
vanomutya hapana chavanoshaya.
10Zvigondora zveshumba
zvinoshaya chokubata, zvinonzwa nzara;
asi vanotsvaka TENZI
hapana chavanoshaya.
11Uyai vana mundinzwe;
ndichakudzidzisai kutya TENZI.
12Ndiani anoda zvake upenyu
anoda upenyu hurefu nokuwana
upenyu hwakanaka?
13Zvidzore rurumi rwako kuuipi,
miromo yako irege kutaura nhema.
14Siyana nouipi uite zvakanaka,
tsvaka rugare urutevere.
15Maziso aTENZI ari pavarurami,
nzeve dzake dzakarerekera
kuchichemo chavo.
16Uso hwaTENZI hwakanangana navakaipa
kuti vakanganwike panyika.
17Kana vakarurama vakachemera rubatsiro
TENZI anovanzwa
achivanunura munhamo dzavo dzose.
18TENZI ari pedyo navakasuruvara
anoponesa vanenge varasa mwoyo.
19Nhamo dzawakarurama dzakawanda
asi TENZI anomuponesa madziri dzose.
20Anochengetedza mapfupa ake ose
hapana kana rimwe rawo rinotyorwa.
21Uipi huchauraya vakaipa
vanovenga varurami vachapihwa mhosva.
22TENZI anonunura upenyu hwavaranda vake.
Hapana anopotera kwaari anopiwa mhosva.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.