Zefaniya Zviri mubhuku rino - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zviri mubhuku rino Vazhinji vanofunga kuti muporofita Zefaniya ndewenguva yamambo Josiya (640—609 K.A.A.) Muporofita anotaura mazwi akaomarara kwazvo ezvezuva raTenzi. Judha namamwe marudzi achasakadzwa, achawirwa nerima nokuparadzwa nokuda kwehasha dzaMwari pamusana pechitadzo. Anotaura mazwi akaomarara kuvanhu vanosanganisa zvechitendero nezvidzidziso zvechihedheni. Zvakadaro zvazvo, Zefaniya anotarisa mberi achiona nguva yomufaro, Mwari paanenge achenesa marudzi uye Isiraeri yadzorerwa upfumi hwayo. Bhuku iri rine zvikamu zvikuru zviviri: Zuva guru rokutonga kwaTenzi (1:1—3:8) noruponeso pazuva raTenzi (3:9–20)Aya ndiwo mamiriro akaita bhuku raZefaniyaZuva rehashaKutongwa kwapasi pose (1:1–3)Kutongwa kwenyika yokwaJudha (1:4—2:3)Kutongwa kwamarudzi akapoteredza Judha (2:4–15)Kutongwa kweJerusaremu (3:1–7)Zuva rokufaraChitsidzo chokutendeuka (3:8–13)Chitsidzo chokudzorerwa kwezvinhu pakare (3:14–20)
Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help