1Mwanangu, wakatadzira Mwari here?
Usazopamhidzazve.
Kumbira ruregerero rwezvawakatadzira Mwari kare.
2Tiza chitadzo sokutiza kwaunoita nyoka,
nokuti ukaswedera pedyo nacho, chinokuruma.
Mazino acho ndeeshumba,
anoparadza mweya yavanhu.
3Kudarika Mutemo kuri kwose
kunenge bakatwa romucheka kwose,
ronda rarinocheka harirapiki.
4Ubhinya noumharadzi zvinopaza upfumi,
ndikowo kuparadzwa kunoitwa imba yeanozvikudza.
5Chichemo chomurombo hachitani kusvika munzeve dzaMwari
Mwari haanonoki kumuitira zvaanofanira kuitirwa.
6Munhu asingadi kutsiudzwa anofamba nenzira yomutadzi;
asi anotya Mwari anopindukira kwaari nomwoyo wake wose.
7Muzavazi anozivikanwa nenyika yose,
asi munhu anodzamisa pfungwa anoona paanenge akanganisa.
8Anovaka imba yake nemari yavamwe akafanana
naanozviunganidzira matombo eguva rake.
9Musangano wavanhu vasina murau wakafanana nomurwi
wouswa hwakaoma, nokuti
mhedzisiro yavo kuva murimi remoto.
10Mugwagwa wavatadzi wakanyatsonzi chechetere,
namatombo akarongwa
asi unosvitsa kunzvimbo yavakafa.
Benzi nomungwaru11Munhu anochengeta Mutemo anozvibata.
Ungwaru ndihwo muchero womunhu anotya Mwari.
12Munhu asina njere haagoni kudzidziswa
asi dziripowo njere dzinounza ndurumwa.
13Ruzivo rwomungwaru runenge mafashafasha emvura,
uye, mazano ake anenge
chisipiti chinobva mvura inopa upenyu.
14Musoro webenzi unenge pfuko yakatsemuka,
hauna ruzivo rwaunochengeta.
15Munhu akadzidza akanzwa tsumo youngwaru anoirumbidza,
achitoinatsiridza.
Asi kana benzi rikainzwa rinotoseka,
rotoikanda zvaro kugotsi.
16Kutsanangura kwebenzi kunenge mutoro waparwendo,
chinhu chinofadza kuteerera nhauro yaanonzwisisa.
17Mazwi omunhu anofunga ndiwo anenge achitodiwa
pagungano uye zvaanotaura
vanozvirangarira vachitozviisa mumwoyo mavo.
18Kubenzi, ungwaru hwakaita semba yakapazika,
uye ruzivo, runoruti mazwi asina chaanotaura.
19Kumunhu asina pfungwa, dzidzo
ingetani dzinosunga makumbo,
uye, samakechemu akasunga ruoko rwake rworudyi.
20Benzi, kana roseka rinoshevedzera,
asi munhu anofunga, kuseka kwake kungonyemwerera zvake.
21Kumunhu anofunga dzidzo yakaita sechishongo chendarama,
uye, sendarira inoshongedza ruoko rworudyi.
22Rutsoka rwebenzi harutyi kupinda mumba,
asi munhu ane tsika anomboti
mire mirei panze zvine tsika.
23Asina tsika, anosvikodongorera mukati napamusuo
asi munhu ane hunhu anosvikomira panze.
24Hazvina tsika kuteerera napamusuo,
chinhu chinonyadzisa kumunhu ano unhu.
25Muromo wavanotaurisa unongodzokorora
zvakataurwa navamwe,
mazwi avakangwara anosefwa.
26Pfungwa dzamapenzi dzinogara dziri pamiromo
mazwi omungwaru ari mumwoyo
ipfungwa dzavo.
27Asiri munamati akarengerera muvengi wake rushambwa;
ari kutozvirengerera rushambwa iye pachake.
28Munhu wamakuhwa anozviipisa iye pachake,
uye vaanogara navo vanomuvenga.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.