Tsumo 11 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Tenzi anosema chikero chokunyengedza

asi anofadzwa nechikero chiri pamwero.

2Kuzvitutumadza kukauya

kunoteverwa nokunyadziswa

asi vanozvirereka ndivo vanoungwaru.

3Kuva pachokwadi kwavarurami kunovatungamirira

asi kukombama kwavanyengedzi kunovaparadza.

4Upfumi hauna chahunobatsira pazuva rehasha

asi ururami hunonunura kurufu.

5Ururami hwaasina mhosva

hunoita kuti nzira yake irambe yakati tasa

asi muipi anoputsirwa pasi

nouipi hwake.

6Ururami hwavakatendeka hunovanunura

asi vanyengedzi vanobatwa noruchiva rwavo.

7Kana wakaipa ofa

chitarisiro chake chinobva chati mbombombo

uye zvinotarisirwa nomuipi zvinoti mwarara.

8Mururami anonunurwa kunhamo

asi muipi anotopindana nayo nhamo.

9Asiri munamati anogona kuparadza

mumwe wake nomuromo wake

asi varurami vanoponeswa noruzivo.

10Zvikanakira vakarurama

guta rinopembera nokufara.

Kana vakaipa vakaparara

kunofarwa zvokupembera kwazvo.

11Guta rinorumbidzwa

pamusana pechikomborero chavakarurama

asi rinoparadzwa nomuromo wavakaipa.

12Munhu anoninipisa mumwe wake,

kushaya pfungwa

munhu anonzwisisa anonyarara.

13Munhu anofamba achiita makuhwa

anoburitsa pachena zvinhu zvakavandika

asi munhu anemwoyo kwawo

anochengetedza zvinhu zvakavandika.

14Kana pasina anotungamira,

rudzi runoputsikira pasi

kukurira kunobva mukunyatsoronga.

15Anomiririra chikwereti chomunhu waasingazivi

zvichamutemesa musoro.

Munhu anovenga kumiririra chikwereti

chomumwe akagarika.

16Mukadzi ano hunhu anoremekedzwa

asi murume anoita zvechisimba

chaanowana upfumi.

17Murume ane mwoyo wakanaka

zvinhu zvinomufambira zvakanaka

asi murume ane mwoyo wohutsinye anozvikuvadza.

18Munhu wakaipa

anowana mubayiro wounyengedzi

asi anodyara ururami

anowana mubayiro kwawo.

19Anosimbirira muururami anorarama

asi anoronda uipi anofa.

20Vanhu vane mwoyo wakaipa

Tenzi haavadi

asi vasina mhosva anofadzwa navo.

21Iva nechokwadi chokuti

munhu akaipa anorangwa chete

asi vana vavakarurama vanonunurwa.

22Zvakangoita ringi rendarama

riri mumhuno yenguruve

ndozvakaita mukadzi ano runako

asi asinganzwisisi.

23Chido chomururami

chinopera nomune zvakanaka

asi chitarisiro chavakaita kuitirwa hasha.

24Mumwe ndimupanogombe

asi achitobva atopfumisisa

mumwe ndikanyimiramundiro

asi achiva murombo.

25Munhu anopa achapfuma

anogutsa vamwe achagutswawo.

26Vanhu vanoti munhu anoomerera nembesanwa

dai awana chinomuwana

asi anodzitengesa

ane chikomborero.

27Munhu anotsvaka zvakanaka

anotsvaka kudiwa

asi uipi hunouya kune anoutsvaka.

28Munhu anovimba nepfuma achasvava

asi mururami achapfumvudza seshizha nyoro.

29Anotambudza vemumba make

mhepo ndiyo nhaka yake

benzi richava muranda wavakangwara.

30Muchero wavakarurama

muti woupenyu

asi kusachengeta mutemo

kunoparadzisa upenyu.

31Kana wakarurama

achiwana mubayiro wake panyika

ko kutozoti wakaipa nomutadzi?

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help