Isaya 44 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Tenzi ndiye chete Mwari

1“Asi zvino chinzwa

iwe Jakobho muranda wangu

iwe Isiraeri wandakasarudza.

2Tenzi,

iye akakusika,

iye akakuumba uchiri munhumbu,

iye achakubatsira anoti,

rega kutya

iwe Jakobho muranda wangu

iwe Jeshuruni wandakasarudza

3nokuti ndichadira mvura

panyika ine nyota

nehova pasi pakaoma.

Ndichadururira Mweya wangu

pazvizvarwa zvenyu

nechikomborero changu

pavana venyu.

4Vachatungira souswa

huri pakati pemvura zhinji

semisambangwena

iri muhova dzinoerera.

5Mumwe nomumwe achazviti,

‘Ini ndiri munhu waTenzi ini,’

mumwewo achizvidaidza

nezita rokwaJakobho

mumwewo achizvinyora paruoko kuti

‘WokwaTenzi,’

achizvipa zita

redzinza rokwaIsiraeri.”

6Zvanzi naTenzi.

Mambo weIsiraeri

Mununuri wake

Tenzi wehondo nehondo,

“Ndini Wokutanga,

ndini Wokupedzesera.

Kunze kwangu ini,

hakuna mumwe mwari.

7Ndiani chaizvo akaita seni?

Ngaazviparidze,

azvizivise vanhu

azviise pachena ini ndiripo kudai.

Ndiani akafanotaura kare ikako

nezvezvinhu zvichauya?

Ngavatitaurireka zvichazoveko!

8Rega zvako kutya

kana kuita umbwende,

handina kukutaurira here kare

ndikatotema izvozvo?

Imimi ndimi zvapupu zvangu!

Kuno mumwe Mwari here

kunze kwangu ini?

Hakuna kana rimwe Dombo

kana nerimwe zvaro randinoziva.”

Kugadzira nokunamata zvifananidzo kunoshorwa

9Vose vanogadzira zvifananidzo zvokunamata, hapana nezvavanhu, uye zvinhu zvavanofarira zvacho izvozvo hazvina chimuko, zvapupu zvacho hazvioni uye hazvina zvazvinoziva kuitira kuti vanyare nazvo.

10Kugadzira here chokwadi mwari kana kuforoma uchiumba chifananidzo chokunamata chisina kana chachinobatsira!

11Chiona, vanamati vacho vachanyadziswa vose zvavo, vagadziri vazvo, vanhu, ngavakokorodzane vose vamire apa, vachadumbirwa nazvo, vachanyara pamwechete.

12Mizha yezvoutare inochipfura ichishandisa moto wamarasha, anochipfura nenyundo, anochipfura nesimba roruoko rwake kuita zvaanoda. Nzara ikamubata opera simba akarega kunwa mvura anorezuka.

13Muvezi anotambanudza tambo wotara nepenzura ochipanha nembezo ochitara nekambasi ochiita kuti chive nechimiro chomunhu chiine runako rwomunhu chiri chokunzi chigare mumba.

14Anotema muti womusidhari kana kusarudza muti womuhorumu kana muoku ourega wokura mukati memiti yesango. Anosima musidhari mvura yokunaya youkudza,

15wotova zvawo huni dzavanhu. Anotora chidimbu chawo wochidziya moto, anobatidza nacho moto obika chokudya. Uyewo anogadzira nacho mwari ochipfugamira, anochiita chifananidzo chokunamata ochigwadamira.

16Chidimbu chacho anochipisa nomoto, pane chimwe chidimbu ndopaanodyira zvake nyama. Anogochera nyama ipapo achitoguta otodziyawo moto wacho achitoti, “Hamuoneka ndadziyirwa ini. Ndomotoka uyu!”

17Chimwe chidimbu chese chasara ichi anochiveza kuita mwari, chifananidzo chake chokunamata. Anochigwadamira achichipfugamira achichinamata achiti, “Ndinunureiwo, ndimi mwari wangu!”

18Havazivi kana kugona kupatsanura zvinhu nokuti akavapfiga maziso zvokuti havagoni kuona akavaputira ndangariro kuti vatadze kunzwisisa.

19Hapana anofunga, kana ano ruzivo kunyange anozoitawo ndangariro dzokuti, “Chimwe chidimbu, ndakachikuhwidzisa moto ndikatobika zvangu chokudya pamazimbe acho ndikatogocha nyama ndikadya zvangu, zvino ini ndopandingatore chasara chacho ndoita chinhu chisingadiwi naMwari here? Ndipfugamire here chokwadi chimuti ini?”

20Kudya dota chaiko ikoku, kurasika njere ikoku kwamurasisa uye haachagona kuzvinunura kana kuzviti, “Chandakabata murudyi ichi hachisi chinhu chenhema here ichi?”

Tenzi ndiye Musiki noMununuri

21“Rangarira zvinhu izvozvi

iwe Jakobho

izvozvi zvokuti uri muranda wangu

iwe Isiraeri.

Ndini ndakakusika,

uri muranda wangu.

Isiraeri,

handisi kuzombokukanganwa.

22Ndakawumbura seguti

kubvisa zvikanganiso zvako

ndikawumbura semhute

zvitadzo zvako.

Dzokera kwandiri

nokuti ndakakununura.

23Imbai norufaro imi matenga

imbirai Tenzi

nokuti ndiye akazviita

imi nzvimbo dzakadzikadzika dzapasi penyika

daidzirai,

imi makomo

tangisai kuimba,

newe sango nomuti wose urimo,

nokuti Tenzi akanunura Jakobho

uye acharumbidzwa muIsiraeri.

24Tenzi, mununuri wako,

akakuumba uchiri munhumbu

anoti, ‘Ndini Tenzi

akasika zvinhu zvose,’

iye woga akatambanudza matenga

akawarira nyika nokokoko.

Ndiani aiva neni ipapo?

25Iye anoshayisa mazano

shuramanenji dzinofembera zvenhema

anopusisa vanoshopera,

iye anosandutsa vachenjeri,

ruzivo rwavo achiruita

chinhu chisina maturo.

26Ndiye anotsigira shoko

romuranda wake

anoita kuti mazano enhume ashande.

Iye anotaura nezveJerusaremu kuti,

‘Richagarwazve navanhu,’

uye nezvamaguta okwaJudha kuti,

‘Achavakwa,’

ndichasimudza kuvaka matongo acho.

27Anoti kuhwenje,

‘Iti papata kuoma,

ndichiita kuti

nzizi dzenyu dzipwe.’

28Ndini iyeni ndinoti kuna Sairasi:

mufudzi wangu

achaita zvose zvandakaronga,

achitoti nezveJerusaremu, ‘Ngarivakwe,’

achitiwo, ‘NezveTemberi ugaro hwayo ngahuvakwe.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help