Nziyo 47 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mutongi wapasi pasiMuimbisi, urwu Rwiyo rwevekwaKora.

1Uchirai imi marudzi ose avanhu.

Daidzirai kuna Mwari muimbe kwazvo norufaro

2nokuti TENZI Wokumusorosoro

anotyisa kwazvo.

Ndiye mambo mukuru wapasi pose.

3Akaita kuti tikunde marudzi avanhu,

akaisa marudzi pasi petsoka dzenyu.

4Ndiye akatisarudzira nyika yenhaka yedu,

nhaka inodadisa yaJakobho wake wapamwoyo.

Dzepfunde

5Mwari anokwira pamusoro achipurudzirwa,

TENZI achipembererwa nebhosvo.

6Imbirai Mwari muchimurumbidza,

muimbirei muchimurumbidza.

Imbai muchirumbidza Mambo wedu

muimbirei muchimurumbidza

7nokuti Mwari ndiye mambo wapasi pose

muimbirei muchimurumbidza norumbo.

8Mwari ndiye anotonga vechirudzi

Mwari anogara pachigaro chake chokutonga chinoera.

9Madzishe amarudzi avanhu anoungana

savanhu vaMwari waAbhurahamu

nokuti vachengetedzi venyika ndevaMwari

anorumbidzwa zvikuru kwazvo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help