Nziyo 50 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Rwiyo rwaAsafuKunamata kwepachokwadi

1Iye Samasimbaose TENZI Mwari

anotaura, anodaidzira pasi pose

kubvira kumabvazuva

kusvikira kumadokero.

2Mwari anopenya ari mugomo reZioni,

gomo rakanakisisa kwazvo.

3Mwari wedu anouya haanyarari.

Pamberi pake pane moto unoririmisa

akatenderedzwa nedutu remhepo.

4Anokoka matenga kusoro

nenyika kuti atonge vanhu vake.

5“Ndiunganidzirei vakazvipira kwandiri

vakaita chitenderano nechibayiro neni.”

6Matenga anotaura nezvoururami hwake

nokuti iye Mwari ndiye mutongi.

Dzepfunde

7“Teererai munzwe imi vanhu vangu

ini ndichataura

imi vaIsiraeri ndichakupai mhosva

ndini Mwari, Mwari wenyu.

8Handikutsiurirei zvibayiro zvenyu,

mipiro yenyu yokupisa

inogara iri pamberi pangu.

9Handichagamuchiri handira

kubva kumba yenyu

kana chikotora mudanga renyu

10nokuti mhuka yose zvayo yesango ndeyangu

kana idzo mombe

mumakomo akazanirana.

11Shiri dzose dzomumakomo ndinodziziva

uye zvose zvinofamba musango ndezvangu.

12Dai kuri kuti ndaita nzara,

handaiudza iwe

nokuti pasi pose nazvose zviripo ndezvangu.

13Ko ini ndinodya nyama yehandira here

kana kunwa ropa rembudzi here?

14Kutenda kwako ngakuve chibayiro chako

uite zvawakatsidza kuita

kunoWokumusorosoro.

15Pakadaro daidzira kwandiri

pazuva renhamo

ndichakununura ukatozondirumbidza.”

16Kune wakaipa Mwari anoti,

“Unodetemberei mitemo yangu,

kana kutaura pamuromo pako

chitenderano changu?

17Zvokudzorwa haudi

uye unofuratira mazwi angu.

18Ukaona mbavha

unobva waita ushamwari nayo

uye unoita usahwira nemhombwe.

19Unotopa muromo wako manyemwe

okutaura zvakaipa.

Rurimi rwako runoronga unyengedzi

20Unogara pasi uchitaura zvakaipa

nezvemukoma kana munun'una wako

uchinyeya mwana wamai vako chaiye.

21Wakaita izvi,

asi inindikanyarara zvangu,

wakafungaka iwe kuti ndakafanana newe;

zvino ndinokutsiura ndichikupa mhosva.

22Nzwisisai izvi,

imi munokanganwa Mwari

ndingadaro ndikabvarura munhu

pagoshaya anonunura.

23Chibayiro chokutenda chinondiremekedza

uye munhu anogadziridza upenyu hwake

ndichamuratidza ruponeso rwaMwari.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help