Nziyo 52 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi, iyi inhetembo yaDhavhidhi pakauya Dhoegi muEdhomu akataurira Sauro kuti Dhavhidhi auya kumba kwaAbhimereki.Mugumo wowakaipa

1Nhai iwe gamba unozvikudzireiko

nezvakaipa uchiti

Mwari akanaka misi yose.

2Saka zuva rose

uchitoronga zvako zvokuparadza.

Rurimi rwako rwakaita sechisvo chinopinza,

iwe murongi wounyengedzi.

3Unoda zvakaipa kupinda zvakanaka,

unoda nhema

kupinda kutaura zvakarurama.

Dzepfunde

4Unoda mazwi anokuvadza

iwe munyengedzi.

5Asi Mwari achakukoromora nokusingaperi

achakubata agokubvuta mutendhe rako.

Achakutipura kubva munyika yavapenyu.

Dzepfunde

6Vakarurama vachizviona vachakatyamara

vakamuseka vachiti,

7“Tarisai muone munhu

asina kuda kupotera muna Mwari;

asi akavimba nokuwanda kwoupfumi hwake

akapotera muupfumi hwake.”

8Asi ini ndakaita somuorivhi munyoro

mumba maMwari.

Ndinovimba nemwoyochena waMwari

narini narini.

9Ndichakutendai nokusingaperi

nokuti makazviita.

Ndicharumbidza zita renyu

pana vakarurama nokuti rakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help