1Mwari vanhu vechirudzi
vakapinda munhaka yenyu
vakan'oresa Temberi yenyu inoera
vakaita Jerusaremu dongo.
2Vakapa zvitunha zvavaranda venyu
kushiri dzedenga kuti dzidye zvadzo
uye nyama yavarurami venyu
kuzvikara zvenyika.
3Vakadeura ropa ravo semvura
munharaunda yeJerusaremu,
asi pakanga pasina wokuvaviga.
4Tinoshorwa navavakidzani nesu,
tinonyombwa nokusekwa
navakatipoteredza.
5Kusvikira riniko nhai TENZI?
Muchashatirwa kusvikira nokusingaperi here?
Shanje yenyu ichanganduma somoto here?
6Virukirai vechirudzi nehasha,
vasingakuzivei
uye umambo husingadaidzi zita renyu
7nokuti vakazhanya vokwaJakobho
vakaparadza musha wavo.
8Musatiyeukirewo zvitadzo zvedu zvakare.
Tsitsi dzenyu ngadziuye nokukurumidza
dzitichingurewo
nokuti tasakara zvikuru.
9Tibatsireiwo Mwari mununuri wedu
kuitira mbiri yezita renyu.
Tinunurei mutiregererewo zvitadzo zvedu
kuitira zita renyu.
10Vechirudzi vangarambireiko vachiti,
“Mwari wavo aripi.”
Ratidzai vechirudzi isu tichizviona
kuti munotsiva ropa ravaranda venyu
rinenge radeurwa.
11Kugomera kwomusungwa wenyu
ngakusvike kwamuri,
imi muchengetedze vakatongerwa kufa.
12Tsividzai kakapetwa kanomwe
vatakavakidzana navo
zvavakakushorai nazvo imi TENZI.
13Ipapo isu vanhu venyu,
hwai dzedanga renyu
tichakutendai nokusingaperi
pazvizvarwa nezvizvarwa,
tichakurukura mbiri yenyu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.