Sira 13 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Fambidzana navakaita sewe

1Anobata tara anosviba maoko,

anoshamwaridzana nomunhu anozvikudza

achaitawo saiye.

2Usasimudze mutoro unopfuura simba rako,

kana kuita ushamwari nomunhu

ane simba kana upfumi kupinda iwe.

Hari ingafambidzane here nepoto yesimbi?

Kana zvikaroverana, hari inoputsika.

3Kana mupfumi atadzira mumwe,

anotowedzera nokutuka

asi murombo, kana atadzirwa,

anofanira kutokumbirazve ruregerero.

4Mupfumi anokushandisa

kana uri iwe unoita kuti abudirire,

asi kana uri iwe wava kuda kubatsirwa,

anokufuratira.

5Kana uchinge uine zvaunazvo, anogara newe,

asi anokukama zvokusara wachena

uye haana basa nazvo.

6Kana aine chaanoda kwauri, anokunyengedza,

achikusekerera nokukukurudzira,

anotaura newe mazwi akanaka,

achiti, “Pane chaunoda here?”

7Unotonyara nechokudya chaanokututira,

kusvikira adya twako kakapetwa kaviri kana katatu.

Pakupedzisira otofa zvake nokukuseka.

Kana azokuona anokurasa,

achidzungudza musoro nezvako.

8Zvichenjerere kutetereswa,

uchizozviitisa munhu pasina noupenzi hwako.

9Kana wakokwa nomunhu mukuru,

iva munhu anozvidzora

iye anozorambawo okukoka.

10Rega kuzvisesekedza mberi,

ungadaro ukazvidzingisa,

regawo kunyanyozviisa kure kure,

ungadaro ukakanganikwa.

11Rega kuita sokunge wezera naye,

kana kutendeseka nezvaanotaura zvakawanda–wanda,

nokuti notunyaya twakawanda itwotwo,

anenge achida kuona paumire

achinyemwerera zvake kudaro,

anenge achitokufeya zvake.

12Munhu asingachengeti mumwoyo zvaanyeverwa

munhu asina tsitsi.

Haambozeza kukukuvadza kana kukusungisa.

13Chengeta zvinhu mumwoyo

uzvichenjerere chaizvo

nokuti paunofamba ungangodhirikira.

15Chipenyu chiri chose chinoda chorudzi rwacho,

nomunhuwo anodawo wokwake.

16Zvemhando imwechete zvinowadzana,

nomunhuwo anoramba ari mukati mevekwake.

17Mhumhi ine ukamai nehwai

Ko, kutozoti mutadzi nomunamati?

18Bere nembwa zvingave nokuwadzana kworudzii

ko, kuwadzana kwomupfumi nomurombo kungave papi?

19Mbizi kudya kweshumba musango,

navarombowo ufuro hwavapfumi.

20Kuzvidukupisa kunosemesa kumunhu anozvikudza,

ndozvimwechetezvo nomurombo, anosemesa kumupfumi.

21Kana mupfumi akadzadzarika,

shamwari dzake dzinomugamha,

asi kana murombo akawira pasi,

shamwari dzake dzinotomusaidzira kurutivi.

22Kana mupfumi akatsvedza, ana vazhinji vanomugamha

anogona zvake kurasa muromo

vachiti hazvina mhosva.

Kana murombo akatsvedza anotozvitukirwa,

kunyangewo akataura zvino musoro,

hazvina anoteerera.

23Kana mupfumi otaura, vose vanonyarara;

nhauro yake vanoirumbidza zvakanyanya.

Kana murombo oti achitaurawo vanomuti,

“Ndianikowo uyu?”

Kana akati tsvedzei, vanomusairira pasi.

24Upfumi hwakanaka, kana husina chitadzo mahuri.

Vanhu vasinei naMwari

ndovanhu vanoburitsa muromo wokuti

urombo hwakaipa.

25Mwoyo womunhu ndiwo unosandutsa uso hwake

kuva hunoyemurika kana kuve hwakaipa.

26Chinoratidza kuti mwoyo uri kufara chiso chakafara;

asi kuita tsumo

kunoda kufunga kwakadzama.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help