1Panguva iyoyo zvakaitika kuti Andiokusi akanga adzoka zvinhu zvake zvava manyama amire nerongo kunyika yePezhiya.
2Chakanga chaitika ndechokuti akanga ambopinda muguta rainzi Peseporisi akatomboedza kupamba temberi dzacho nokuisa guta iri mumaoko make. Naizvozvo vanhu vakamhanyidzana vaine zvombo zvokurwisa kundonunudzira ndokubva Andiokusi navarwi vake vakurirwa. Izvozvi zvakakonzera kuti vagari vacho vaite kuti Andiokusi atize adzoke achinyara.
3Paakanga achiri kuEkibhatana, kwakasvitswa shoko kwaari rezvakanga zvaitika kuna Nikanori nehondo dzaTimoti.
4Pamusana pokuviruka kwaakanga aita nehasha, akafunga kupedzera shungu dzake pavaJudha achitsividza nhamo yaakaoneswa navaya vakanga vamudzinga, saka akaudza muchairi wengoro yake kuchaira asingambomira kudzamara vasvike kwavaienda. Asi chirango chaMwari chakanga chava naye mungoro imomo, nokuti akanga achitodada zvake achiti, “Ndikangosvika chete ikoko ndichaita kuti Jerusaremu rive nzvimbo yokuviga vaJudha.”
5Asi Tenzi anoona zvose, Mwari wavaIsiraeri, akamurova neshamhu isingaoneki yedenda risingarapiki. Paakangoti pedzei kutaura, akabva abatwa nechirwere chomudumbu chakanga chisinganyaradziki kurwadza kwacho chichibaya–baya zvinorwadza kwazvo mukati.
6Izvi ndozvaiva pamwero chaiwo wokumukaurisawo nokuti iye akanga ashandisawo nzira zhinji dzisina akamboona dzokurwadzisa vamwe mudumbu zvakaipa.
7Asi zvokuzvitutumadza haana kana kumbokanda pasi asi kuti akatoita nyundwa chaiyo kuzvikudza kutoita moto moto chaiwo wehasha dzokuvirukira vaJudha achitoita rwendo rwacho rwokutokurumidzisa kwazvo. Nokudaro akayerekana apunzikira pasi kubva mungoro yake yehondo iyo ichivhirimiswa kumhanya kudaro. Muzvambukiro waakaita pasi wakanga wakaomarara kwazvo zvokuti wakamukuvadzisa nhengo dzose dzomuviri wake.
8Saizvozvo munhu uya akanga achifunga kuti anogona kuudza masaisai egungwa zvokuita achizvikudza sokunge asiri munhu wapasi pano achitofunga kuti anogana kuera makomo marefu pachikero, akanzi pasi chaipo pavhu njo akatakurwa pabanda, zvichibva zvaratidza simba raMwari kuvanhu vose.
9Saizvozvo muviri womunhu uyu akanga asingatyi Mwari wakaita jakachaka rehonye iye achiri mupenyu kudaro achitambura achirwadziwa, nyama yomuviri wake yakatanga kuora. Pamusana pokunhuwa kwacho hondo yake yose yakasemeswa nokuora kwake ikoko.
10Pamusana pegutukutu rake iroro risingaitiki, munhu uya aifunga kuti angatobata kana nyenyedzi dzedenga, pakanga pasisina anogona kumutakura.
11Ndozvakange zvavapo izvi aora mwoyo zvino, kuzvitutumadza kuya kwakatanga kupera akatanga kuona zvinhu nemazvo achirangwa naMwari nokuti aingunorwadziswa muviri nguva ipi neipi zvayo.
12Kuzoti zvino asisagoni kutiirira gutukutu rake irori akataura mazwi aya okuti,
“Zvakanaka kuva pasi paMwari
hapafaniri kuva nomunhuwo zvake wenyama anofa
anofunga kuti angaenzane naMwari.”
13Munhu wokuipa mwoyo uyu akapika nechitsidzo kuna Mwari akanga asisambomunzwira tsitsi achiti
14guta rinoera riya raakanga achitoenda kundokoromorera pasi achiriita nzvimbo yamakuva akange ava kutotema kuti rave norusununguko.
15VaJudha vaakanga asingambofungidzira kuti vanokodzera kuvigwa vaakanga atorongera kuti avakande pamwechete navana vavo kuzvikara vadyiwe zvavo neshiri, akange ovaita kuti vave vakangoenzana navagari veguta reAteni.
16Nzvimbo Inoera iya yaaimbopamba, akange ava kutoda kuishongedza nemipiro yakanakisisa nemidziyo yose inoera aizoidzorera kakapetwa kazhinji. Mari yaishandiswawo kuwana zvibayiro, aizoiripa achiibvisa pamari yaaiwana mumitero yake.
17Pamusoro paizvozvi zvose aitoda kuva muJudha agoshanyira nzvimbo dzose dzigere vanhu achiparidza nezvesimba raMwari.
Tsamba yamambo Andiokusi kuvaJudha18Asi paakaona kuti kurwadziwa kwake hakuna kana kutombopera zvako, nokuti kuranga kwaMwari kwakakodzerana naye kwakanga kwamuwira akarasa mwoyo nezvake, akanyora tsamba iyi kuvaJudha achikumbira. Zvaiva mutsamba yacho ndezvizvi,
19“Ndini Andiokusi mambo wenyu nomutungamiriri
mukuru wehondo ndinokunyorerai imi vamwe vangu vaJudha,
vagari vomunyika muno vanoremekedzwa,
ndichikukwazisai nomwoyo wose ndichiti
dai waro zvikakufambirai zvakanaka
muutano nomune zvoupfumi.
20Kana imi navana venyu muri vatano uye kuti
mamiriro ezvinhu zvenyu ari sezvamunoda
kuti ave ndinofara.
Chitarisiro changu sezvachava kudenga kudai,
21ndinokuyeukai nemwoyo unofara chaizvo
kana ndafunga rukudzo rwenyu nomwoyo wenyu wakanaka.
Pandaiva munzira ndichidzoka kunyika yePezhiya,
ndakabatwa nechirwere chinofuisa.
Ndakafunga kuti chinhu chinofanira kuti chiitwe
kufunga nezvokugarikana kwomunhu wose.
22“Handisi kurasa mwoyo nezvandava izvi nokuti
ndine chitarisiro chaicho kuti ndichapora zvangu
paurwere hwangu ihwohwu.
23Asi ndakazoonawo kuti baba vangu pavaiita nzendo
dzokushanyira nyika dzokumusoro, vaisarudza wokuzovatsiva.
24Kwaiva kuitira kuti kana kukayerekana kwangoitika
chimwe chinhu kana kuti kukangouya nyaya ipi
zvayo isingafadzi, vanhu vomunyika yavo youmambo
varege kuzotambura nokuti vaibva vaziva kuti
umambo hwasiyiwa huri mumaoko maani.
25“Chimwe ndechokuti ndinoziva mugariro
waiita machinda okunyika dzatakaganhurana
nadzo navavakidzani venyika dzoumambo hwangu
kuti vanogara vakafatira kuwana mukana
vachimirira kuti vaone zvichaitika.
Saizvozvowo ndasarudza mwanakomana wangu
Andiokusi kuti ave mambo.
Ndiye wandavakukusiyai naye
ndichimupupurira kuna vazhinji venyu
kuti munhu kwaye pandaimbosimuka ndichimhanyira
kumatunhu okumusoro.
Zvino iye ndamunyorerawo zvandanyora pano izvi.
26“Naizvozvo ini ndinokukurudzirai ndichikukumbirisai
kuti murangarirewo basa randakuitirai rokubatsira nyika uye munhu nomunhu
uye kuti mumwe nomumwe wenyu ave nemwoyo wakanaka
wamuinawo uyu kwandiri ini nokumwanakomana wangu
27nokuti ndine chokwadi chokuti achatevedza
mutongero wangu wokukubatai
zvakanaka zvinovaka achikuitirai tsiye nyoro.”
28Saizvozvo mhondi iyi, munhu aishonha Mwari akati atambura nenhamo inosiririsa kwazvo seiya yaakamborwadzisawo vamwe nayo, akazosvika kumagumo oupenyu hwake ava mutsekwende chaiyo inopisa tsitsi ari pakati pamakomo kunyika yavatorwa,
29ndokubva Firipi mumwe wamachinda ake atakura chitunha chake ndokuenda nacho kumusha; zvino pamusana pokuti aitya mwanakomana waAndiokusi, Firipi akaenda kuIjipiti kuna Toremi Firometa.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.