Sira 31 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Upfumi

1Kushayiswa hope noupfumi kunoonza,

kuzvitambudza nezvahwo ndiko kunoshaisa munhu hope.

2Kuswerozvidya mwoyo kunotandanisira hope kure

ndozvinongoitawo chirwere chikuru chinodzinga hope.

3Mupfumi anofa nebasa kuti aunganidze upfumi;

kana ozorora basa anozvigutsa nezvinofadza nyama.

4Murombo anofawo nebasa kuti awane chokurarama nacho,

kana otiwo ndichizorora anenge asina chaanacho.

5Munhu anodisisa ndarama haanganzi mururami,

munhu anomhanyirira mari acharasiswa nzira nayo.

6Vanhu vazhinji vakaparara nokuda kwendarama,

kuparadzwa kwavo kwanyakatsonangana navo

7nokuti mari musungo kuna vanoinamata,

uye, mapenzi anobatwa nomusungo wayo.

8Zvake mupfumi asina mhosva yaangapomerwe,

asingamhanyirire ndarama.

9Ndianiko zvake iyeyo, timukorokotedze,

nokuti akaita zvinoshamisa mukati mavanhu vokwake.

10Ndiani akamboedzwa kudai, zvikaonekwa kuti haana

chinoshoreka paari.

Izvi ndizvo zvaangadade nazvo.

Ndiani aigona kutadzira Mwari, asi akasamutadzira;

kuita zvakaipa asi akarega kuzviita?

11Kubudirira kwake kucharamba kuripo

uyewo, sangano richaparidza mwoyochena wake.

Kuzvibata pakudya

12Kana uri pamabiko omukuru mukuru

usaite makaro.

Rega kuti, “Kuwanda here kwechokudya uku?”

Yeuka kuti kuva noruziso chinhu chakaipa.

13Chiripo here chakasikwa chine ruchiva kupinda ziso?

Ndokusaka richiburitsa misodzi nguva zhinji

14rega kungosveverera maoko chose chose chawaona

kana kuvhunyaidza vawakakokwa navo.

15Zvaunonzwa mauri, ngazvikubatsire kuziva

zviri mumwoyo yavamwe.

Iva munhu anofunga vamwe muna zvose.

16Chaunenge wapiwa idya somunhu.

Usadye sounotandaniswa, kuti urege kusemwa.

17Iva wokutanga kubuda mundiro kuitira tsika dzakanaka.

Usaite makaro pakudya, ungadaro ukazogumbura mumwe.

18Kana muri kudya makawanda,

usave ndiwe wokutanga kutora zvinhu.

19Munhu ane tsika anokwana chaizvo nezvishomanana

saka asingafemeri pamusoro kana avata.

20Anodya nomwero ndiye anovata hope dzakanaka,

kumuka anofumirira, uye akasimba.

Kushaya hope, kuda kurutsa nokurwadzwa munhumbu,

ndizvo zvomunhu wamakaro.

21Kana uchinge wamanikidzwa kudya ukapfuuridza,

simuka vamwe vachiri kudya unozonzwa kurerukirwa.

22Teerera zvandinotaura, mwanangu, usandishore,

uchazoona kuti ndaitaura.

Zvose zvaunoita zviite nomwero,

hakuna nechirwere chinozokuwana.

23Pazvokudya, vanhu vanorumbidza mupanegombe.

Uye, kukudza kwavanoita mutsa wake kunotendeseka.

24Asi vanhu vose vanonyunyutira anoita kanyimiramundiro,

uye, kushora kwavanoita utsuta hwake ndokwechokwadi.

Waini

25Rega kuzviita shasha pakunwa waini

nokuti waini yakaparadza vazhinji.

26Kusimba kwesimbi kunoonekwa kana yakandwa mubisiro,

mwoyowo yavanhu inoonekwawo zvairi pamakwikwi okunwa

avanhu vanotaurisa.

27Waini upenyu hwavanhu,

kana ichinwiwa nomwero.

Hungave upenyu rudzii munhu asina waini?

Waini yakasikirwa kupa munhu rufaro.

28Kana waini ichinwiwa nomwero uye nenguva yakafanira

inopa munhu rufaro uye inofadza mwoyo.

29Waini kana ikanwiwa zvakapfuuridza

chinetso chaicho mumwoyo.

Inomutsa kudenhana uye nharo.

30Kudhakwa kunoita kuti benzi ritopenga zvakanyanya,

zvichirikuvadzisa, zvichiripedza simba

nokuwanziridza maronda aro.

31Rega kutsiudza mumwe wako

muri pamabiko okunwa waini;

kana kumushora achifarikana kudaro

usamutsiure, hapasipo pokumubvunza chikwereti.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help