1Rega kuita zvakaipa, zvakaipa hazvizokuwirawo.
2Nzvenga zviito zvakaipa kuti zvizokunzvengawo.
3Mwanangu, usadyare mihomba yezvakaipa,
hauzokohwi zvakapetwa kanomwe.
4Usakumbire kupiwa ukuru naMwari,
kana kupiwa chigaro chapamusoro namambo.
5Rega kuzviita munhu akarurama
pamberi paMwari,
kana kuzviita mungwaru
pamberi pamambo.
6Usatsvage kuva mutongi wemhosva
ungadaro ukatadza kubvisa uipi,
ungadaro ukaita chizivano nomukurumukuru,
iwe uchizorasikirwa nounhu hwako.
7Rega kukanganisira vanhu,
kana iwewo kuzvifumura kuvanhu.
8Rega kudzokorora chitadzo chawakamboita
nokuti kunyange chitadzo chimwechete
uchatochirangirwa.
9Usafunge kuti Mwari achatarisa
kuwanda kwemipiro yangu,
uchizviti kana ndikapira mupiro
kuna Mwari Wokumusorosoro anoutambira.
10Rega kuora mwoyo pakunamata
kana kurega kupa vasina chavanacho.
11Rega kuseka munhu
ari kushungurudzika mwoyo
nokuti anosimudzira munhu pamusoro
ndiyewo mumwechete anodzikisira munhu pasi.
12Usarevere mumwe wako nhema
usadaro kana kushamwari.
13Ramba zvokureva nhema,
nokuti tsika yokureva nhema haina chimuko.
14Usataure twakawanda pakaungana vakuru
kana kuramba wongodzokorora–dzokorora
mazwi mukunamata.
15Usavenge mabasa anorema,
kana basa romumunda
rakasikwa naiye Wokumusorosoro.
16Rega kuzviverengera pakati pemhomho yavatadzi,
yeuka kuti hasha dzaMwari hadzitani kuuya.
17Zvidukupise zvakanyanya,
nokuti chirango chomunhu asina hanya
naMwari moto nehonye.
18Rega kutengesa shamwari pamusana pemari,
kana mukoma kana munun'una chaiye
pamusana pendarama yokuOfiri.
19Usarasikirwe nomudzimai kwaye ano ungwaru,
kunaka kwake mwoyo kwakakosha kupinda ndarama.
20Usabate nepfini muranda
anokubatira basa nomwoyo wose,
kana mushandi wamaricho anozvipira kukuitira basa.
21Ida muranda wako ane njere
sokuda kwaunozviita iwe pachako
usamunyime rusununguko rwake.
Vana22Une zvipfuwo here?
Zvichengete, kana zvichikuraramisa,
zvichengetedze.
23Una vana here?
Varayire, vadzikamise vateerere
kubvira pauduku hwavo.
24Una vanasikana here?
Ita hanya nounhu hwavo
usaite zvokuseka navo.
25Kana waita kuti mwana wako aroorwe,
wapedza basa guru,
asi muroodze kumunhu anonzwisisa.
26Kana uino mukadzi anowirirana newe, usamurambe,
asi kana usingamude, usavimbe naye.
Vabereki27Remekedza baba vako nomwoyo wako wose;
uye, usakanganwe kurwadziwa kwaamai vako
pavaikusununguka.
28Yeuka kuti vabereki vako ndivo vakaita kuti uberekwe
ko, ungavatende zvingaenzane nezvavakakuitira here?
Vapristi29Itya Mwari, nomwoyo wako wose,
uremekedze vapristi vake.
30Ida Musiki wako nesimba rako rose,
urege kurasa vashandi vake.
31Itya Mwari, uremekedze mupristi
umupe mugove wake sezvawakatemerwa
zvinoti: michero yokutanga kuibva,
nomupiro wokupfupira zvitadzo,
namapandauko ezvibayiro,
nechibayiro chokuzvichenura
nemichero yokutanga yezvinhu zvinoera.
Kuva nehanya navanotambudzika32Tambanudzirawo ruoko kumurombo,
kutira kuti uwane makomborero akazara.
33Iva nemwoyochena kuvapenyu vose,
usaregewo kuitira zvakanaka vakafa.
34Usashayikwe panhamo dzevamwe,
chemawo navanochema.
35Usazengurire kushanyira murwere.
Zviito zvakadai zvinoita kuti udiwe.
36Muna zvose zvaunoita, yeuka mugumo woupenyu hwako,
kana ukadaro hauzombotadzira Mwari.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.