Jobhu 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

B: HURUKURO DZECHIPIRIJobhu akazviparira mhosva iye

1Erifasi muTemani ndopaakazopindurawo achiti:

2“Iye munhu woungwaru

anofanira kuita mwando here pakupindura

achitozviti shutu kudaro nemwando wokumabvazuva,

3achizvidzivirira namazwi asina chimuko

namashoko asina maturo?

4Zvokuremekedza Mwari wavakuti ngazvipere

uchitotadzisa anoda zvake kunamata Mwari.

5Uipi hwako ndihwo hunokutunza kuva napamuromo,

uye unosarudza matauriro ohujarijari.

6Muromo wako ndiwo unokubatisa nemhosva kwete ini.

Muromo wako ndiwo unopupura kuti une mhosva.

Kuzvinyengedza kwako Jobhu

7“Ndiwe wokutanga kuberekwa here iwe?

Wakatangira makomo kuzvarwa here?

8Zvinoreva here kuti wakamboteerera

padare raMwari, iwe?

Saka unoti ungwaru ndohwako iwe chete nhai?

9Chaunoziva iwe chatisingazivi chii?

Chaunonzwisisa chatisinganzwisisi isu chii?

10Vachena musoro navakwegura

varimo mukati medu,

vakuru kuna baba vako.

11Iwo mazwi aMwari okunyaradza

aita madiki kwauri nhai,

kanawo mazwi akapfava ari kutaurwa kwauri?

Kuzviita mururami kwako Jobhu

12“Unoitirei manyawi kudai

uchitoringaringa maziso kudaro,

13zvaunotovirukira Mwari nehasha kudaro

uchingobvotomoka zvako kutaura?

14Munhu angave mutsvene sei chaizvo?

Munhuwo zvake akaberekwa nomunhukadzi

angave pachokwadi sei?

15Inga Mwari haavimbi navatsvene vake wani,

Kunyange matenga chaiwo

haana kuchena kwaari.

16Ko kutozotiwo zvake munhu akanyangara

ane tsika dzakaora anonwa uipi semvura.

17Chiteerera unzwe ndikudziidzise

ndichakutaurira zvandakaona,

18zvakataurwa navangwaru,

zvisina kuvanzwa namadzibaba vavo,

19ivo voga vakapiwa nyika

vakanga vasina mutorwa pakati pavo.

20Upenyu hwavakaipa

inhamo yoga isingaperi,

munhu anobata vamwe noutsinye

makore aakapiwa ndookutoverenga.

21Inogara iri mhere chete munzeve dzake,

akati agarike, yauya mharadzi.

22Haangambofunga kuti murima achamubuda.

Asi chaanoziva ndechokuti

chake chaatemerwa kuuraiwa nebakatwa

23ichiva nyama yamagora.

Anoziva kuti zuva rokuparadzwa kwake rosvika.

24Kuzvidya mwoyo nokushungurudzika kunomurwisa,

samambo aronganisa hondo kuti achirwa.

25Nokuti akasimudza ruoko rwake kurwisa Mwari

akaita chivindi chokusaremekedza Samasimba.

26Anomhanya kwazvo akateya musoro

nenhoo inorema,

27nokuti akafuta kumeso

aine hutsakutsa dzezvidya.

28Nokuti agere mumaguta ava matongo,

mudzimba dzisingafaniri kugarwa nomunhu

mudzimba dzavakuda kuva matongo.

29Haambopfuma, uye upfumi hwake haugari

kunyange mumvuri wake chaiwo hauzova panyika.

30Haazokwanisa kupunyuka rima,

marimi omoto achaomesa mabukira ake

maruva ake achapupurutswa nemhepo.

31Ngaarege kuvimba nezvisina maturo achizvinyengedza.

Nokuti zvisina maturo

ndizvo zvichava mubayiro wake.

32Achauna nguva yake isati yasvika,

mapazi ake asati ambopfumvudza.

33Achazunzika magirepisi ake asina kuibva

somugirepisi, achidonhedza maruva ake somuorivhi.

34“Gungano ravakan'ora

harina michero yarinobereka.

Misha yevepfumbamuromo ichaparadzwa nomoto.

35Mhodzi yavanodyara mumwoyo yavo unhunzvatunzva,

vanotakura uipi,

unyengedzi ndiye mwana wacho wavanobereka.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help