Ezira 9 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zvokuroorerana nevechirudzi zvinosvika munzeve dzaEzira

1Mushure mokunge izvi zvaitwa, vakuru vakuru vakauya kwandiri vakati, “Vanhu vechiIsiraeri navapristi nevaRevhi havana kuzvitsaura kune vechirudzi vedzinyika idzi nokune zvakaipa zvadzo zvisingadiwe naMwari kune vechiKanani nevaHiti nevaPerizi nevaJebhusi nevaAmoni nevaMoabhu nevechiIjipiti nevaAmori

2nokuti vakatora zvavo vakadzi pane vamwe vevanasikana vavo vavanhu ava vakatoroorerawo vanakomana vavo, zvokuti rudzi rutsvene urwu rwangova mvenge-mvenge nevechirudzi. Panyaya yokurega kuva pachokwadi iyika, makurukota acho nevakuru vakuru vacho chaivo ndovakanga vava nhungamiri.”

3Pandakazvinzwa ndakabvarura neshungu hembe yangu negemenzi rangu ndikazvigera ndebvu nevhudzi rangu mumusoro ndikati pasi go ndadumbirwa nazvo.

4Zvino vose vaye vaidedera shoko raMwari weIsiraeri pamusana pokurega kuva pachokwadi kwevokudzoka vaye vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vakaunganidzana pandiri ini ndigere ndadumbirwa nazvo kudaro kusvikira panguva yechibayiro chemanheru.

5Panguva yechibayiro chemanheru ndakasimuka kubva pandaitsanya nehanzu dzangu nejasi rangu zvakabvaruka. Ndakapfugama ndikasumudza maoko angu kuna Tenzi, Mwari wangu

6ndichiti,

“Mwari wangu ndinonyara,

zvabva zvandishayisa

pokuda kuti ndisumudzewo

uso kutarisa kwamuri Mwari wangu

pamusana pokuti uipi hwedu hwareba

pamusoro zvokutotipfuurira.

Mhosva dzedu dzavirikidzana

kusvika kudenga chaiko iko.

7Kubvira mumazuva

amadzibaba edu, kusvikira pari

nhasi tanga tichingova mumhosva huru.

Zvino pamusana pouipi hwedu ihwohwo,

isu nemadzimambo edu navapristi

vedu takaiswa mumaoko amadzimambo

edzinyika idzi kumapakatwa nokuutapwa

nomukupambwa nomukunyadziswa

chaiko sezvazviri nhasi uno.

8Asi zvino tanga tambonzi itirwei

mwoyo wakanaka kwechinguva

nemi Tenzi, Mwari wedu mukatisiyirawo

chitsama chevanhu vakasara nokutipawo

hoko yepokugara

pakachengeteka munzvimbo yenyu

inoera kuitira kuti imi Mwari wedu

mutivhenekere meso edu

nokutimutsirudza muutapwa hwedu

9nokuti tanga tiri varanda asi Mwari

wedu hamuna kutisiya tiri varanda kudaro.

Asi makaratidza mwoyochena wenyu kwatiri

pamberi pemadzimambo

ePezhiya mukatimutsurudza

mwoyo kuti timise imba yaMwari wedu

nokuvakiridza matongo

ayo mukaita sorusvingo

kwatiri muJudhea nomuJerusaremu.

10“Ko zvino nhai Mwari wedu tingange

tichati kudii pakadai apa nokuti

takafuratiraka isu mitemo yenyu

11yamakareva nomuromo wevaranda venyu

vaporofita muchiti,

‘Nyika yamava kupinda kundoita yenyu iyi,

inyika yakan'oreswa nouipi

hwevanhu venyika idzodzo nezviito

zvavo zvakaipa zvisingadiwe naMwari

zvakazara kunze nokunze nokun'ora kwavo.

12Naizvozvo musaroodze vanasinaka venyu kuvanakomana

vavo kana kuroorera

vanakomana venyu vanasikana vavo.

Musambofa makatsvaka

zvenyu kuwirirana navo

kana kuvabatsira kubudirira

kuitira kuti musimbe mudyewo zvakanaka

zvomunyika iyoyo muchizoisiyirawo

vana venyu senhaka narini wose.’

13Mushure meizvozvi

zvose zvakadai kutiwira

pamusana pezviito zvedu zvakaipa uye

nemhosva yedu huru tichionawo kuti imi

Mwari wedu hamuna

kutiranga sezvataikodzera

uye makatotipawo zvenyu chitsama

chavanhu vakasara sechichi;

14ndipo here patingatyore zvakare mitemo

yenyu tichiroorerana nevanhu

vanoita zvakaipa zvisingadiwe nemi Mwari?

Hazvingakushatirisei here mukatosvika

pakutiparadza zvokutozosara

pasisina chitsama chevanhu vanosara

kana kuwana anopunyuka?

15Imi Tenzi, Mwari weIsiraeri,

imi makarurama nokuti takatosiyirwawo

chitsama chevanhu vakasara

chakatopunyuka sezvazviri nhasi.

Hezvika takadai kuva pamuri

kunyange pasina angagone kumira pamuri tiine mhosva

pamusana paizvozvi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help