Tsumo 25 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

V: CHIMWE CHIKWATA CHETSUMO DZASOROMONI

1Idziwo itsumo dzaSaromoni

dzakanyorwa navanhu vokwaEzekiya

mambo wokwaJudha.

2Kuna Mwari kuhwandisa zvinhu

inotova mbiri kwaaari

asi mbiri yamadzimambo,

iri mukutsvakisisa zvinhu.

3Sokukwira, kwakaita denga

nokudzika kwakaita nyika

ndizvo zvakaita pfungwa

dzamadzimambo, hadzibatiki.

4Ukabvisa tsvina musirivha

mhizha youtare inobva yava

nechokuitisa midziyo.

5Ukabvisa vakaipa panaMambo

umambo hwake hunobva hwasimba nohururami.

6Usazvisesekedze pana mambo

kana kutora nzvimbo yavakuru-vakuru.

7Zviri nani kutaurirwa kuti,

“Kwira kuno uku”

pano kuzoiswa panzvimbo yapasi

kana pava negurukota.

8Zvaunenge waona nameso ako

usakurumidze kuzvikwirira dare

ungadaro pokupedzisira

ukazonyadziswa nomumwe wako.

9Kurukurirana nomumwe wako iyeyo asi

usaburitse zvakavandika zvomumwe.

10Anokunzwa iyeyo angadaro

akazokunyadzisa.

Kunyara kwako hakuzoperi.

11Shoko rinotaurwa panguva yaro

rakaita somufananidzo wemaapuru endarama

wakakwenenzverwa mundiro yesirivha.

12Kumunhu ane nzeve dzokunzwa

munhu anomutsiura akaita

semhete yendarama

kana chishongo chendarama.

13Kune vanotuma nhumwa yakatendeka

yakaita sokutonhora kwamazaya echando

panguva yokukohwa

anonyevenutsa mwoyo yavatenzi vake.

14Munhu ane chipo chaanofanira kupa

chaasingapi,

akafanana namakore nemhepo

zvisina mvura.

15Mutongi anogona kunyengererwa

nemwoyo murefu.

Rurimi runyoro rwunotyora mapfupa.

16Kana wawana uchi

ingodya hwakakwanirana

ungadaro ukagutisa ukazorutsa.

17Rega kuramba gumbo rako

richienda pamba pomumwe wako

angadaro akafinhwa newe akazokuvenga.

18Munhu anopupurira mumwe wake nhema

wakafanana netsvimbo yehondo

kana bakatwa

kana museve wakapinza.

19Kuvimba nomunhu asingavimbiki

pazuva renhamo,

kwakafanana nezino rinorwadza

kana rutsoka runotsvedzemuka.

20Kuimbira munhu akasuruvara

kwakafanana nomunhu anobvisa

bhachi pazuva rinotonhora

kana kuisa vhiniga paronda.

21Kana muvengi ane nzara

mupe chokudya

kana ane nyota mupe mvura yokunwa

22nokuti izvozvo

kutotutira mazimbe omoto pamusoro pake

Tenzi achakupa mubayiro.

23Mhepo yokuchamhembe

inounza mvura

rurimi rwemakuhwa

runokonzera kutsamwa.

24Zviri nani kugara pakona yedenga remba

pane kugara mumba nomukadzi anenharo.

25Zvakangoita mvura inotonhorera

kumunhu anenyota

ndozvakaita shoko rakanaka

rinobva kunyika iri kure.

26Mururami anobvuma zvavaipi

akafanana nemvura yabvongodzwa

kana kasipiti kakashinhirwa.

27Hazvina kunaka kudya uchi hwakawanda

naizvozvo kutsvaka kurumbidzwa ita kushoma.

28Munhu asingakwanise kuzvibata

akafanana neguta rakapazika rikasara

risina rusvingo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help