Isaya 65 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mhinduro yaTenzi inoti:

1“Ndakanga ndakatomirira

kuti nditsvakwe

navanhu vasina kundibvunza.

Ndakanga ndakamirira ini

kuti vanhu vandiwane

asi pakanga pasina.

Ini ndaiti,

‘Ndiri pano, ndiri pano,’

kurudzi rusingambodaidza zvarwo

zita rangu,

2ndichiswerotambanudzira

maoko kumhandupandu dzavanhu,

vanofamba nenzira isina kunaka

vachiita zvavo zvomusoro wavo.

3Vanhu vanoramba vachindidenha

ndiripo kudai,

vachipira zvibayiro mumapindu

vachipisira rusenzi pazvidhina.

4Vanhu vanogara kumakuva

vachirara vari munzvimbo dzakavandika

vachidya nyama yenguruve,

nomuto wezvinhu zvakan'ora

zviri mumidziyo yavo.

5Vanhu vanotozviti zvavo,

‘Mirira kure uko

usaswedere pedyo neni

nokuti kwauri ndinoera.’

Ivava kwandiri utsi zvahwo

hunondipfungaidza mumhuno,

zvichindipa mazaridzwa

kunge moto unopfuta muswere wose.

6“Chinzwai munzwe

chiga chemhosva yavo

chakanyorwa ndinacho.

Zvokunyarara, handinyarari,

asi ndichavaranga.

Honguka, ndichavaripisa

kudzamara pachipfuva chaipo,

pavanochengetera mari yavo.

7Ndichavaripisa uipi hwavo

nouipi hwamadzibaba avo pamwechete,”

ndizvo zviri kutaura Tenzi, achiti,

“Ndinodaro nokuti

vaindopisa rusenzi pamakomo

vachindishonha pazvikomo.

Ndichaona zvangu mwero wandichavatorera

pachipfuwa pavo pavanochengetera mari

ndichivaripisa zvavakaita kare.”

8Zvanzi naTenzi,

“Sezvinongoitawo waini kuti inowanikwa

muchitsumbu chamagirepisi,

vanhu vachiti regai kuchiparadza

nokuti machiri mune chikomborero izvozvi,

ndozvineni, pamusana pavaranda vangu

handisi kuzovaparadza vose.

9Ini ndichaunza zvizvarwa zvokwaJakobho,

vari vedzinza rokwaJudha

kuti vatore makomo angu

ave avo,

vasarudzwi vangu

vagare nhaka nyika yavo

ivava varanda vangu

ndivo vachagara zvavo imomo.

10KuSharoni uku

kuchava mafuro ezvipfuwo,

nebani reAkori

richava mafuro emombe,

pamusana pevanhu vangu

vanenge vachinditsvaga.

11“Asi imimi makafuratira Tenzi,

imi makakanganwa

gomo rangu rinoera,

imi munotonamata zvenyu Gadhi,

imi munozadza makapu

emasanganiswa ewaini

okuteura kuna Meni,

12chenyu imi chandakutemerai

kufa muchiurayiwa namapakatwa,

mose mucharakatiswa kufa,

nokuti ndakakudaidzaika ini

asi hamuna kudaira.

Pandaitaura,

hamunaka kuteerera.

Zvandinoti zvakaipa

ndozvacho zvamakatoita,

muchisarudza zvenyu kuita

zvinhu zvandisingadi.”

13Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari,

“Varanda vangu vachadya

asi imi muchifa nenzara.

Mazvinzwa!

Varanda vangu vachanwa

asi imi muchifa nenyota.

Mazvinzwaka!

Varanda vangu vachapembera nokufara,

asi imi muchanyadziswa.

14Chinzwai munzwe,

kuvaranda vangu achava makuwerere

kuimba nokufara,

asi kwamuri imi

ichava misodzi chete kuchema

muchirwadziwa mwoyo

muchihwihwidza kuchema

muchishungurudzwa mwoyo.

15Zita renyu imi richasara

pakati pevasarudzwi vangu

rava chokutukisa nacho vanhu.

Tenzi Mwari achakuurayai

asi varanda vake

achavadaidza nerimwewo zita.

16Zvinenge zvava panyika ndezvokuti,

munhu anenge ava kuda chikomborero,

achakumbira kukomborerwa

naMwari wechokwadi,

neanenge oda kupika mhiko pasi pano

achazopika naMwari wechokwadi.

Ndinodaro nokuti

nhamo dziye dzakare

dzichange dzakanganwika

dzisisimo mumaziso angu.”

17“Chionai kuti ndava kusika

denga idzva nenyika itsva.

Zvinhu zvakare zviya hazvichazoyeukwa

kana kuuya hazvo mumusoro.

18Asi farai zvenyu

mufare kwazvo nokusingaperi

muchifarira zvandava kusika

nokuti tarisai muone

ndava kusika Jerusaremu rorufaro

nevanhu varowo

vari vanhu vakafara chaizvo.

19Ini ndichafarira Jerusaremu

vanhu vangu ndichivafarira.

Mariri hamuzonzwika

izwi rokuchema

kana kuridza mhere.

20Hamuna mucheche mariri

achararama mazuva mashomanana,

kana munhu achembera

anodimurirwa panzira

mazuva oupenyu hwake.

Chinenge chotovepo ndechokuti

mwana anotozofa asvitsa

zana ramakore.

Kunyange mutadzi

kufa aine zana remakore

runenge ruchitova rushambwa.

21Vanhu vachavaka dzimba

vakatodzigara,

vachisima minda yamagirepisi

vachitozodyawo michero yayo.

22Havazomboti ivo vakavaka,

mumwewo zvake ndiye ozogaramo,

hazvisiri kuzombosima

mumwe achizodya,

nokuti vanhu vangu vachararama

samakore anogara hunde yomuti.

Vasarudzwi vangu ava

vachasaraka chaizvo vachingofarira

basa ravanoita ivo namaoko avo.

23Havasi kuzomboshandira pasina

kana kuberekera vana vavo nhamo

nokuti ivo nevana vavo

vanenge vari vana vaTenzi,

nyakurumbidzwa.

24Vasati vatombonamata

ini ndinenge ndatopindura kare

munamato wavo,

ivo vachiri kutaura,

ini ndinenge ndatozvinzwa.

25Mhumhi nehwayana

zvichafura pamwechete,

shumba inenge yofura sora semombe,

nyoka ichange yodya guruva.

Zvinenge zvisisakuvadze

kana kuparadza

mugomo rangu rose zvaro rinoera,”

ndizvo zviri kutaura Tenzi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help