Nziyo 89 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Nhetembo yaEtamu wechiEzira.Rumbo rwenyika kana yapinda nhamo

1Ndichaimba ndichirumbidza mwoyochena

wenyu nokusingaperi, TENZI,

nomuromo wangu ndichaparidza

kutendeka kwenyu kwezvizvarwa zvose.

2Nokuti mwoyochena wenyu uripo nokusingaperi.

Kutendeka kwenyu kwakasimba samatenga.

3Makati: “Ndakaita chitenderano changu

newandakasarudza.

Ndakatsidza kuna Dhavhidhi

muranda wangu ndichiti,

4‘Ndichaita kuti zvizvarwa zvako

zvivepo nokusingaperi

ndigosimbisa chigaro chako choumambo

pazvizvarwa zvose.’ ”

Dzepfunde.

5Matenga anorumbidza zvinoshamisa zvenyu TENZI

uye kutendeka kwenyu mugungano ravakarurama.

6Ndiani mudenga'mu

angaenzaniswe nemi TENZI?

Ndiani pakati pavana vamwari

angaenzaniswe naTENZI,

7Mwari anodederesa kune

ungano yavatsvene.

8TENZI Mwari wehondo nehondo

ndiani ane simba semi, TENZI

nokutendeka kwenyu uku muna zvose.

9Imi munotonga kusimuka kwamasaisai,

kana osimuka munoanyaradza.

10Imi makapwanya Rahabhu sechitunha,

makaparadza mhandu dzenyu

nesimba roruoko rwenyu.

11Denga nderenyu pasiwo ndepenyu,

nyika nazvose zvirimo, ndimi makazvisika.

12Kuchamhembe nokumaodzanyemba

ndimi makakusika.

Gomo reTabhori nereHeremoni

anokurumbidzai norufaro.

13Muno ruoko rune simba

chanza chenyu chakasimba,

ruoko rwenyu rworudyi

rwakasimudzwa pamusoro.

14Ururami noruenzaniso

ndihwo hwaro hwechigaro chenyu chokutonga

munotungamidza mwoyochena nokutendeka.

15Vakakomborerwa zvavo

vanoziva kupururudza vachifara,

vanofamba muchiedza

chokuvapo kwenyu TENZI,

16vanofara nezita renyu zuva rose

uye vanorumbidza ururami hwenyu.

17Ndimi simba ravanoinzva naro;

inyasha dzenyu kuti simba redu ribudirire.

18Nhowo yedu iri mumaoko aTENZI,

mambo wedu ari mumaoko omutsvene waIsiraeri.

19Makazotaura ipapo muchioneso

kune munhu wenyu wakatendeka muchiti,

“Ndakapa rubatsiro rwangu kugamba,

ndakasimudzira pamusoro

mumwe wandakasarudza muvanhu.

20Wandakawana wacho ndiDhavhidhi,

muranda wangu.

Ndakamuzodza namafuta angu anoera,

21zvokuti simba rechanza changu

richagara maari,

simba roruoko rwangu

richamusimbisa.

22Hapana muvengi achamukunda,

vakaipa havachazomukurira.

23Ndichafanopwanya mhandu dzake

ndichiuraya vanomuvenga.

24“Ndichatendeka kwaari

uye ndichamuitira mwoyochena,

pamusana pezita rangu

simba rake richabudirira.

25Ndichaisa gungwa mumaoko ake

uye nzizi dzichava muchanza

chake chorudyi.

26Achandidana kuti, ‘Imi baba vangu.

Mwari wangu

nedombo rangu randinopona naro.’

27Ndichamuita dangwe rangu

nomukuru wamadzimambo apasi.

28“Ndicharamba ndiine mwoyochena

kwaari nokusingaperi.

Chitenderano changu naye

chicharamba chakasimba.

29Ndichaita kuti vedzinza rake, vokutonga,

varambe varipo

uye chigaro chake choushe

chirambe chiripo sedenga.

30“Kana vana vake vakakanda pasi mutemo wangu

vakarega kutevera zvandinoronga,

31Kana kuti vakarega kuchengeta

zvirevo zvangu,

uye vakatyora mirao yangu,

32ndichavarangira chitadzo chavo neshamhu

uye uipi hwavo netsarapu.

33Asi handiregi kuva nemwoyochena

kana kusava ndakatendeka kwavari.

34Handimbotyora chitenderano changu

kana kusandura zvandakataura.

35“Ndakapika noutsvene hwangu chakamwe

pasina zvokurevera Dhavhidhi nhema.

36Ndichaita kuti vedzinza rake vokutonga

varambe varipo

uye chigaro chake choushe

chirambe chiripo chero zuva

richiri kuvheneka pamberi pangu.

37Chichavapo semwedzi nokusingaperi

mboo yakatendeka iri mudenga.”

Dzepfunde.

38Asi imi makasiya

muzodzwa wenyu mukamuramba

uye makamushatirirwa.

39Makaramwa chitenderano chenyu

nomuranda wenyu

makaumburudza ngundu yamambo muvhu.

40Makapaza tsvingo dzake dzose

makaparadza nhare dzake

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo

kusara ava matongo.

41Vose vanopfuura napaari vanopamba

zvinhu zvake.

Ava chiseko chavavakidzani vake.

42Makaratidza kuti vavengi vake vakunda

nokusimudza ruoko rwavo rworudyi;

mukaita kuti mhandu dzake dzifare.

43Makamininutsa bakatwa rake

mukaita kuti akurirwe muhondo.

44Makamutorera mumaoko tsvimbo yake youmambo;

makaputsira pasi chigaro chake choumambo.

45Makamuchembedza nokukasira,

makamuzadza nenyadzi.

Dzepfunde

46Kusvikira rinhiko nhai TENZI?

Mucharamba makazvivanza nokusingaperi here?

Kusvika riniko hasha dzenyu

dzichiviruka somoto kudai?

47Yeukai kupfupika kwakaita upenyu hwangu

chamakasikira munhu unobva wachishaya.

48Ndiani angararame asingazosvika pakufa.

Ndiani angazviponese kusimba

renzvimbo yavakafa.

Dzepfunde.

49Nhai, TENZI, ko mwoyochena wenyu

uya wakare uripi

wamakambotsidza kuna Dhavhidhi

pamusana pokutendeka kwenyu?

50Rangarirai TENZI kushorwa kunoitwa muranda wenyu

nokutakura kwandinoita mumwoyo mangu

kushorwa ikoko kunobva kuvanhu vakawanda

51kuchiitwa nemhandu dzenyu TENZI

dzichishora muzodzwa wenyu pose paanofamba.

52TENZI ngaarumbidzwe nokusingaperi.

Ameni, Ameni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help