1TENZI anotonga
akapfeka ukuru-ukuru,
TENZI akapfeka
akasunga simba muchiuno.
Nyika yakanyatsoti dzii kumira,
haimbofa yakazunguzwa.
2Chigaro chenyu choushe
chakamiswa kubvira pasichigare.
Imi makanga muripo
kubvira chingo nechingo.
3Mapopopo anosimuka TENZI,
mapopopo anoita ruzha;
mapopo anotinhira.
4TENZI ane simba kukunda
kutinhira kwemvura zhinji
ane simba kupfuura masaisai egungwa,
TENZI ari kumusoro ane simba.
5Zvamunotema ipfirapo
imba yenyu TENZI, chayo utsvene nokusingaperi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.