Johani 17 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Munamato waJesu

1Jesu paakapedza kutaura izvi

akatarisa kudenga akati,

“Baba nguva iya yazosvika.

Chipai Mwanakomana mukurumbira

kuti iyewo Mwanakomana

akuwanisei mukurumbira

2nokuti makamupa simba

pamusoro pavanhu vose

kuti ape upenyu husingaperi

kuna vose vamakamupa.

3Uhu ndihwo upenyu husingaperi:

kuziva imi Mwari mumwechete wechokwadi

naJesu Kristu wamakatuma.

4Ndakakuwanisai mukurumbira panyika

nokupedza kwandakaita basa

ramakandipa kuti ndiite.

5“Zvino Baba chindipaiwo mbiri mberi kwenyu

mbiri iya yandaiva nayo ndiinemi

pasi pasati pavapo.

6“Ndakakuzivisai kuvanhu vamakandipa panyika;

vakanga vari venyu mukavapa kwandiri

uye vakachengeta izwi renyu.

7Zvino vavakuziva kuti zvose zvamakandipa

zvakabva kwamuri.

8Nokuti ndakavapa mazwi amakandipa

uye vakaagamuchira, vakaziva kuti zvechokwadi

ndakabva kwamuri

uye vakadavira kuti ndimi makandituma.

9Ndiri kuvanamatira,

handisi kunamatira pasi

asi avo vamakandipa nokuti ndevenyu.

10Zvose zvangu ndezvenyu

uye zvenyu ndezvangu

uyezve ndinowana mbiri mavari.

11Zvino handichisiri pasi pano

asi ivo vari pasi pano

ini ndavakuuya kwamuri.

Baba vatsvene, vanhu vamakandipa

vachengetei muzita renyu.

12Pandakanga ndiinavo

vanhu vamakandipa ndakavachengeta muzita renyu.

Ndakavachengetedza zvokuti

hapana akarasika kusiya

uya wekashambwa kokuraswa

kuti Magwaro Matsvene azadzikiswe.

13Asi zvino ndavakuuya kwamuri

ndiri kutaura zvinhu izvi ndichiri pasi pano

kuti kufara kwangu

kunyatsozara chaizvo mavari.

14Inini ndakavapa shoko renyu,

pasi pakavavenga

nokuti havasi vapasi pano

sezvandisiriwo wapasi pano.

15Handisi kunamatira kuti

muvabvise pasi pano

asi kuti muvadzivirire kune wakaipa uya.

16Havasi vapasi pano

sezvandisiriwo wapasi pano.

17Vaitei kuti vave vatsvene muchokwadi

izwi renyu ichokwadi.

18Sokundituma kwamakaita pasi pano

neniwo ndavakuvatuma kupasi pose.

19Nokuda kwavo ndinozvipira

kuti ivo vazvipirewo kuchokwadi.

20“Handinamatire ava bedzi

asi ndinonamatira avo vachatenda mandiri

pamusana pezwi ravo.

21Kuti vose zvavo vave vamwechete

sezvakangoita kuti imi Baba muri mandiri

ini ndiri mamuri ivowo ngavave matiri

kuti pasi padavire

kuti imi ndimi makandituma.

22Mbiri yamakandipa ndakavapawo

kuti vave vamwechete

sesu tiri vamwechete.

23Ini ndiri mavari imi muri mandiri

vanyatsova vamwechete, kuti pasi pazive

kuti imi ndimi makandituma

mukavada sokundida kwamakaita.

24“Baba ndinodawo kuti

avo vamakandipa vave kwandinenge ndiri

vaonewo mbiri yangu yamakandipa

pamusana porudo rwenyu kwandiri

pasi pasati pavapo.

25Baba makarurama, pasi hapana kukuzivai

asi ini ndakakuzivai

uye ava vanoziva kuti makandituma.

26Ndakaita kuti vazive zita renyu

uye ndichaita kuti rizivikanwe

kuti rudo rwamakandida narwo ruvewo mavari

uyewo kuti iniwo ndive mavari.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help