Maraki 4 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Hero zuva guru raMwari rosvika

1 “Chinzwai, hero zuva rinouya,

“Zuva rinopisa sechoto.

Ipapo vanhu vanozvikudza navaiti vezvakaipa

vachava zvidzitsi zvazvo zvemashanga.

Zuva iroro richauya racho richavaroromesa

zvokuti harivasiyire mudzi

kana bazi zvaro.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.

2Asi imi munotya zita rangu

muchabudirwa nezuva roururami,

zuva rine kuporesa mumapapiro maro.

Muchaita chomurambamhuru

semhuru dzinobuda muchirugu.

3Izvozvo muchatsokodzera pasi vakaipa

nokuti vachava madota zvawo

pasi petsoka dzenyu pazuva racho

randichaita zvandichaita.

Ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.

4“Rangarirai mutemo

womuranda wangu Mosesi

murao uya nezvirevo

zvandakamutemera kuHorebhu

zvinosunga Isiraeri yose

zvirevo nemirawo.

5“Chinzwai, ndichakutumirai muporofita Eriya,

zuva guru raTenzi

rinotyisa iroro risati rasvika.

6Iye achapindutsa mwoyo

yamadzibaba kuti vanzwanane navana vavo

uyewo kupindutsa mwoyo yavana kuitira kuti

vanzwanane namadzibaba avo; nokuti

ndingadaro ndikauya ndikapinza

nyika murushambwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help