Sira 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Izvi ndizvo zvinoitwa nomunhu anotya Mwari;

anonyatsobata Mutemo ndiye achawana ungwaru.

2Ihwo huchamuchingura saamai;

hugomutambira somukadzi akamuburitsa mugota.

3Huchamupa chokudya chorunzwisiso,

huchimupawo mvura youngwaru yokunwa.

4Achazembera pauri, asingaputsiki,

achavimba nahwo asingazonyadziswi.

5Huchamusimudzira pamusoro pavamwe vake,

huchimugonesa kutaura pakati pesangano.

6Achawana rufaro nengundu yokupembera kufara,

achawana nhaka yezita rino mukurumbira usingaperi.

7Vanhu vasingafungi havawani ungwaru;

vatadzi havambouona.

8Huri kure navanozvikudza,

varevi venhema havamboufunga.

9Rwiyo rwokurumbidza harukodzeri

pamuromo pomutadzi

nokuti harubvi kuna Mwari.

10Chiripo ndechokuti

muungwaru ndimo munobuda

kurumbidza chaiko

uye Mwari ndiye anozvifemera.

Munhu ndiye anozvisarudzira

11Rega kuti, “Mwari ndiye akandisakisa kuti nditsauke,”

nokuti iye haangavi musakisi wezvaasingadi.

12Usati, “Ndiye akandiita kuti ndirasike,”

nokuti chaanowana pamutadzi hapana.

13Mwari anosemeswa nounyangadzi hupi zvahwo,

anotya Mwari haazvidewo.

14Iye pachake ndiye akasika munhu pakutanga,

akamurega kuti azvisarudzire zvavanoda.

15Kana uchida zvako, unogona kuchengeta mitemo,

uye unogona kuva munhu akatendeseka kana wazvida.

16Akakuisira moto nemvura mberi kwako,

tambanudza ruoko utore chaunoda.

17Pamberi pomunhu, pane upenyu norufu

munhu chaanenge asarudza

ndochaanopiwawo ichocho.

18Mwari ano ungwaru hwakanyanyisisa,

ndiye Samasimba anoona zvose.

19Ziso rake riri pano vanomutya,

anoziva chiri chose zvacho chinoita munhu.

20Hapana waanoti arege kuva munamati,

kana zvake waanoti ngaatadze.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help