1Asi vanhu vasiri vanamati vakarwiswa
nehasha dzisina tsitsi kusvikira pamugumo,
nokuti Mwari akanga achizivawo
zvavakanga vachazoita,
2zvokuti vakabvumidza zvavo
vanhu venyu kuti vabude muIjipiti,
uye kuti vachavakurumidzisa kuenda,
asi vachizopinduka mwoyo vovaronda.
3Zvakazoitika kuti
vachakabatikana nezvorufu,
vari kumakuva vachichema vakafa vavo,
ndipo pavakafunga rimwe zano roupenzi,
vakavatevera sokunge vanhu vatiza;
asi vari ivo vakavateterera
uye vakavamanikidza kuti vaende.
4Nhamo yaikodzera kuti ivawire
ndiyo yaivakwevera kumhedziso yakadai,
zvakaita kuti vakanganwe
zviya zvakanga zvamboitika;
kuitira kuti chirango chavo chibva chazara
nenhamo dzavakanga vasina kurwadziwa nadzo,
5uye kuti vanhu venyu vave nerwendo rwunoshamisa,
asi kuti ivo vachisangana norufu rusina akamboona.
Kuchengetedzwa kwakaitwa vaIsiraeri naMwari6Zvisikwa zvose zvakabva zvakuteererai,
zvikapindurwa kuva zvimwe zvinhu zvitsva,
kuitira kuti vana venyu
vachengeteke, vasakuvare.
7Gore rakaonekwa richiisa
bvute pamatendhe avo,
uye, nyika yakaoma yakabuda paiva nemvura
muGungwa Dzvuku mukaita nzira
isina chinopingidza,
bani rouswa rakaitika paiva namasaisai emvura.
8Vakapfuura nomo sorudzi rumwechete, vanhu
vaichengetwa noruoko rwenyu,
vachiona zvinhu zvakadai.
9Samabhiza, vakaita chamurambamhuru
vachisvetuka–svetuka sehwayana
vachikupembererai imi Tenzi makavanunura.
Kusandurwa kwezvinhu zvichisandurirwa vaIsiraeri10VaIsiraeri vakanga vachiri kurangarira
zviya zvakaitika munyika youtorwa
kuti panze pokuti nyika ibereke mhuka
yakaburitsa tupukanana,
panokuva nehove rwizi, rwakafashukira
negurusvusvu ramatafi.
11Kuzoti pava paya, vanzwa nenzara, vakaona
imwewo mhando yeshiri mhangwa
payakavatuma kukumbira tunonaka
12kuti zvivayamure
kwakabuda zvihuta munyanza.
Kutadza kwavaIjipiti kwaipfuura kwovokuSodhumu13Asi chirango hachina kuwira
vatadzi ava pasina
zviratidzo zvakaitika pamberi pacho
zvokutinhira kwemvura uye vaikonzera kutambudzika
pamusana pezviito zvavo zvakaipa,
nokuti vaivenga vatorwa zvakaipisisa.
14Vamwe vairamba kugamuchira vatorwa
vainge vauya kwavari;
asi vaIjipiti vaiita vaenzi vavo varanda
vari ivo vanhu vaiita kuti vakomborerwe.
15Uyezve, vokutangawo vaya
vanowanawo chirango chavo
pamusana pokusagamuchira vatorwa zvakarurama,
16asi vechipiri avo vakagamuchira
vatorwa namabiko,
asi vakazoonesa nhamo tsvuku
vanhu vavakanga vavakudyidzana navo zvakaenzana.
17Vakapofomadzwawo,
sezvakaitwa vaya vaiva pamusuo womururami,
vakatibikirwa nerima rousiku utema,
mumwe nomumwe achitotsvanzvadzira
kutsvaga musuo wemba yake.
Kusandurwa kwezvisikwa murwendo rwavaIsiraeri18Zvacho zvinonoumba chinhu zvakachinjana nzvimbo,
sezvinoitwa tambo dzedimbwa dzinobvumirana zvadzo,
asi tambo imwe neimwe inoramba ino muririro wayo;
nokuona zvakaitika zvinobuda pachena kuti:
19mhuka dzapasi pakaoma
dzakava dzomumvura.
Dzinoshambira dzakabuda panyika.
20Moto wakaririma mumvura,
mvura ikakanganwa simba rayo
rokudzimura.
21Ndimi dzemoto hadzina kuroromesa nyama
yemhuka dzainge dzapindamo.
Haina kunyungurutsa
chokudya chiya chokudenga
chainge chando chakachena
chisingatani kunyunguruka.
22Tenzi, makaita kuti vanhu venyu
vakudzwe vave nembiri munazvose.
Hamuna kukundika kuvabatsira
panguva dzose uye munzvimbo dzose.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.