Amosi 6 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Kuparadzwa kweIsiraeri

1Zvichakuwani imi mugere

pamutambaratede muguta reZioni

nevanozviti tigere zvakanaka

mugomo reSamaria,

vanhu vanozivikanwa kwazvo

vokutangatanga verudzi rwavanhu,

kunoenda imba yaIsiraeri.

2Yambukirai kuguta reKarine,

muone zvenyu, mubvepo muende,

kuguta reHamati, guta guru,

muzodzika kuguta reGati ravaFirisitia.

Maguta iwayo ari nani here

pane nyika mbiri idzi?

Kana kuti iyo nyika yavo,

ihuru here pane yenyu?

3Nhaimi munoramba kuti

zuva rakaipa richasvika

muchitoita kuti utsinye hutonge,

4iyemi munorara

pamibhedha yomunyanga wenzou,

muchitambarara zvenyu

muri mumitepfetepfe yezvigaro,

muchidya zvenyu nyama,

yehwayana dzomuzvirugu,

neyemhuru dzomudanga rezvipfuwo;

5iyemi munoumba nziyo itsva

dzokuimba namadimbwa;

saDhavhidhi muchizvigadzirirawo

zvokuridzisa mumhanzi nazvo zvitsva;

6iyemi munodutira kunwa waini negate

muchizvizora mafuta amandiriri

asi kuparara kwevokwaJosefi

kusingakurwadzei mwoyo!

7Saka imimi ndimi muchava

vokutanga chaivo kuenda kuutapwa,

iyemi vokutambarara imi,

kudyiririra ikoko nehohoho yenyu iyoyo,

zvichapera.

8TENZI Mwari apika naiye pachake,

(zvanzi naTENZI,

Mwari wehondo nehondo):

“Kuzvikudza kwevokwaJakobho

ndinokuzvonda,

uye nhare dzake

dzokuzvidzivirira nadzo muhondo ndinodzivenga

saka guta racho nezvose zvirimo

ndichazviisa mumaoko evavengi.”

9Kana vanhu gumi vakasara mumba imwechete, vachatopafa.

10Hama yomunhu yomumba chaiyo inomuviga yacho, paichauya kuzotakura zvitunha mumba imomo, ikabvunza anenge akahwandamo mukatikati kuti, “Muchine mumwe here asara?”

Iye achati, “Kwete.”

Uyewo uya achabva ati, “Taurira pasi! Kana kudoma zita raTENZI, ngatiregei.”

11Nokuti chionai

TENZI atema kuti,

zimba guru richaparadzwa

kuti warara,

kamba kaduku kachisarawo kangova zvimedu.

12Ko mabhiza anomhanya paruware here?

Ko munhu angarime here

nenzombe pagungwa?

Asi imi munosandura ruenzaniso

muchiruita chepfu,

muchero woururami

muchiaita gavakava kuvava,

13iyemi munofarira

zvinhu zvisina maturo,

muchitozviti, “Hatisirisu here isu pano,

takatora guta reKarinaimu

tikatoriita redu pachedu here?”

14Saka chinzwai munzwe,

TENZI Mwari wehondo nehondo

ari kuti,

“Imi vemba yaIsiraeri

ndichakumutsirai rudzi rwavanhu

vachakudzvanyirirai

kubvira tava kuda kupinda muguta

reHamati, kusvikira kuKakova keArabha.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help