1a Pane zvinhu zvizhinji zvakakosha zvakasvikawo kwatiri nomumabhuku omutemo neevaporofita navanyori vakavatevera mushure ndozvinopa kuti Isiraeri irumbidzirwe ungwaru noruzivo. Uyewo ibasa romunhu rokuti arege kungoperera chete mukuwana ruzivo nokudzidza asi kutoti kana aruwana kudaro arushandise kuvanhu vari kunze nezvavanotaura kana nezvavanonyora. Vasekuru vangu, Jesu vakati vanyatsozvipira mukuverenga mabhuku omutemo neevaporofita namamwe mabhuku amadzibaba edu uye vanyatsoadzidza chaizvo, ivo pachavo vakafungawo zvokunyora chimwe chinhu chinonangana noruzivo noungwaru kuitira kuti vanhu vanenge vachida zvavo kudzidza vabatsirwe; kudzidza nzira dzokugara zviri nani vachitevera zviri muMutemo.
Saka iwe unokurudzirwa kuverenga bhuku iri nomwoyo unoda uchiisawo mwoyo mariri, nokunzwisisawo kuti pane dzimwe ndimi dzokuti kunyange zvazvo basa irori rakaitwa nokutsenerera pane mamwe matauriro andakaita pakuturikira kwandakaita anonoperevera kutaura zvirimo nomazvo. Zviripo ndezvokuti zvinotaurwa muchiHebheru hazvibva zvangoti bvo–o kana zvavaturikirwa mune mumwe mutauro. Dambudziko irori hariwanikwi mubhuku rino chete asi kuti mubhuku roMutemo nomuvaporofita uye mumabhuku ezvinyorwa. Kana zvoenzaniswa nezviri kutaurwa muchiHebheru kusiyana nezvinenge zvaturikirwa hakusi kudiki kwete.
Pandakauya kuzombogara kuIjipiti mugore ramakumi matatu nerechisere rokutonga kwaMambo Yurigetesi, ndakaona kuti kuno uku mukana wokudzidza wakanga usiri muduku. Ndakazvionawo chiri chinhu chinofanira kuitwa chokuti ndizvipirewo nesimba rangu rose uye kushinga kuturikira bhuku rino iri. Kubvira ipapo ndakasevenzesa ruzivo rwangu kuti ndiripedze uye kuti ndirishambadze kuitira kuti risevenzeswe navanhu vari kugara munyika dzisiri dzavo, vanhu vanoda zvavo kudzidza nzira yokuraramisa upenyu hwavo kuti huwirirane noMutemo.
I: ZVIDZIDZO ZVAKASIYANA–SIYANAKusanzwika kwoungwaru1ngwaru hwose hunobva kuna Mwari
uye hunoramba huinaye narini wose.
2Ndiani angaverenge
tsanga dzejecha renyanza,
kana madonhwe emvura inonaya
kana mazuva emisi isingaperi.
3Ndianiwo zvake angaere
urefu hwedenga noupamhi hwapasi,
nokudzika kwakaita nyanza
iri pasi penyika
kana ungwaru?
4Ungwaru hwakasikwa
zvinhu zvose zvisati zvasikwa,
njerewo dzokunzwisisa
dzaingovapo nakare kose.
6Midzi youngwaru, ndiani akairatidzwa,
namazano ahwo, ndiani anoaziva?
8Mungwaru mumwechete oga,
uye anotyisa zvikuru kwazvo,
anogara pachigaro chake choumambo.
9Tenzi pachake akasika ungwaru,
akauwongorora akauera,
akahudururirawo mumabasa ake ose.
10Munhu wose zvake anahowo sechipo,
asi kune vanomuda
akavapa negombe.
Kutya Mwari11Kutya Mwari kunopa mbiri nokudadisa,
kunowanisawo ngundu
yokupembera kufara.
12Kutya Tenzi kunofadza mwoyo,
uye kunopa rufaro, nokufaranuka
uye upenyu urefu.
13Anotya Tenzi magumo ake akanaka;
zuva rokufa kwake achakomborerwa.
14Kutya Tenzi ndiyo mviromviro youngwaru.
Ungwaru hunopiwa vanhu vakatendeseka
vachiri mudumbu raamai vavo.
15Hwakaita musha muvanhu narinhi wose,
huchava pfirapo kuvana vavo nokusingaperi.
16Kutya Tenzi ndihwo ungwaru hwakazara,
hunogutsa vanhu nemichero yahwo.
17Hunozadza imba yavo yose nezvakakosha,
uye matura avo nezvaunobereka.
18Kutya Tenzi ndiyo ndaza youngwaru,
kunounza rugare noutano hwakakwana.
19Akauwongorora achiuera,
akanayisa ruzivo nokunzwisisa kwakapinza
akaendesa mbiri yavakaramba vakaubatisisa.
20Kutya Mwari ndiwo mudzi woungwaru,
upenyu hurefu ndiwo mapazi ahwo.
Kuita mwoyo mukuru nokuzvibata22Kushatirwa zvisina maturo
hakuite kuti munhu ave mururami
nokuti hasha dzinopfukira muridzi wadzo.
23Munhu ane mwoyo murefu anotirira zvinhu
kusvikira nguva kwayo
ndopanozopembererwa kufara.
24Anombobata rurimi rwake kwenguva,
kusvikira panguva kwayo
ndokuzobva uchenjeri hwake
hworumbidzwa navazhinji.
Ungwaru namaitiro kwawo25Mudura reungwaru
mune tsumo dzinoruzivo rwose,
asi kuremekedza Mwari
kunosemesa kumutadzi.
26Kana uchida kuva noungwaru
chengeta mitemo,
Mwari anozoupa kwauri zvakawanda,
27Nokuti kutya Mwari ungwaru,
uye ndokudzidza ikoko,
anofarira kutendeseka nounyoro.
28Zvokutya Mwari usapikisane nazvo,
kana kuenda kwaari nemwoyo miviri.
29Rega kuva zvausiri pamberi pavanhu,
uzvibatewo muromo wako.
30Usazvikwiridzire nokuti,
unogona kuputsika,
ukazvinyadzisa zvako,
nokuti Mwari anenge oburitsa
pachena zvakavandika zvako,
achikuputsira pasi pazere vanhu
nokuti unenge usina kufamba uchitya Mwari
uye kuti mwoyo wako
unenge uzere nounyengedzi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.