1Aya ndiwo mashoko ebhuku rakanyorwa kuBhabhironi naBharuku mwanakomana waNeraya, mwanakomana waMaseya, mwanakomana waZedhekiya, mwanakomana waHasadhiya, mwana waHirikiya.
2Akapedza kunyora bhuku iri nezuva rechinomwe romwedzi, muri mugore rechishanu kubvira gore rokukurirwa kweJerusaremu navaKaradhiya vachiiparadza nomoto.
3Bharuku akaverengera bhuku iri Jekoniya, mwanakomana waJehoyakimu, mambo weJudhiya navanhu vose vakanga vaunganira kuti vanzwe zviri mubhuku irori.
4Vaivapo vachimunzwa vaiti: vakuru vakuru navanhu vokumbahuru namakurukota, pamwe navanhu vose vakuru navaduku vari vaJudha vose vaigara munyasi
5morwizi rwainzi Sudhi, munyika yeBhabhironi. Vanhu zvakavabaya mwoyo vakachema, vakatsanya
6vakandonamata kunaTenzi. Vakaita chioko muhomwe,
7chemari, mumwe nomumwe achibvisa sokugona kwake ndokuitumira kuJerusaremu kumupristi mukuru Jehoyakimu, mwanakomana waHirikiya, mwanakomana waSharumi, uyewo kunavamwe vapristi navamwe vanhu vose vaaiva navo muJerusaremu.
8Nezuva regumi romwedzi waSivhani, Bharuku akatora midziyo yomumba yaMwari kuti aidzorere kunyika yokwaJudha. Midziyo iyoyo yakanga yatorwa mutemberi ikaendwa nayo. Zedhekiya mwanakomana waJosiya, mambo weJudhiya, ndiye akanga agadzira
9midziyo iyoyo yesirivha mushure mokunge Nebhukadhineza mambo weBhabhironi abvisa Jekoniya kuJerusaremu achimuendesa kuBhabhironi pamwechete navanakomana vokumbahuru navapfuri vesimbi, uye namakurukota navamwe voruzhinji.
10VaJudha vokuBhabhironi vakatumira shoko raiti, “Takutumirai mari iyo yokuti mutengese nayo mipiro yokupisa nemipiro yokupfupira zvitadzo norusenzi. Gadziraiwo mupiro wembesanwa mupire mipiro iyi yose paatari yaMwari, Tenzi wedu.
11Munamatirewo Nebhukadhineza, mambo weBhabhironi, nomwanakomana wake Bherishaza, mazuva okugara kwavo,
12pasi pano aite samazuva okudenga. Tenzi achatipa simba uye achatibengenutsa maziso kuti tigone kugara zvakanaka tichichengetwa naNebhukadhineza, mambo weBhabhironi, naBherishaza, mwanakomana wake, tigovashandira kwenguva refu kuti vafadzwe nesu.
13Tinamatireiwo kuna Mwari, Tenzi wedu, nokuti takatadzira Tenzi Mwari wedu, uye, kusvika pari nhasi haasati asanduka pahasha dzake nokutishatirirwa kwaakaita.
14Verengai bhuku irori ratakutumirai vanhu vose vachizvinzwa mureurure zvitadzo mumba maMwari pamazuva makuru uye napamazuva emwaka.
15Zvamunofanira kutaura ndezvizvi zvinoti:
MUNAMATO WAVAJUDHA VAKANGA VATAPWAVakabvuma mhosva“Tenzi Mwari wedu ndiye akarurama asi isu, ndisu vokunyara kusvikira nanhasi wose. Kunyara ndokwedu tose, vanhu
16vokwaJudha pamwe navagari veJerusaremu namadzimambo namakurukota edu navapristi vedu
17navaprofita vedu uye madzibaba edu nokuti
18tose takatadza pamberi paTenzi wedu. Takaramba kumuteerera; hatina kunzwa zvakataurwa naTenzi Mwari wedu, kuitira kuti tifambe
19mumirao yaTenzi yaakatitemera. Kubvira pazuva Mwari raakaburitsa madzibaba edu muIjipiti kusvikira nhasi uno takanga tisingateereri Tenzi Mwari wedu. Hatina kuita hanya nokuteerera zvaaitaura.
20Naizvozvo kusvikira pari nhasi matambudziko akangonamatirana nesu uye rushambwa rwakaziviswa naMwari nomuromo waMosesi muranda wake panguva yakaburitswa madzibaba edu munyika yeIjipiti kuti tipiwe nyika yakanaka inoerera mukaka nouchi.
21Hatina kuteerera zvaitaurwa naMwari Tenzi wedu, muna zvose zvaitaurwa navaprofita vaakatuma kwatiri.
22Asi kutoti mumwe nomumwe wedu aitevedza zvakaipa zvaida mwoyo wake tichinamata vamwe vamwari uye tichiita zvakaipa pamberi paTenzi Mwari wedu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.