1Mushure mezvizvi, Nahashi mambo wavaAmoni akafa, ndokubva mwanakomana wake amutsiva pakutonga.
2Dhavhidhi akati, “Ndicharamba ndiine mwoyo wakanaka kuna Hanani mwanakomana waNahashi nokuti baba vake vakandiitirawo mwoyo wakanaka.” Saizvozvo Dhavhidhi akatuma nhume kundomubata maoko pamusana pababa vake. Makurukota aDhavhidhi akasvika kuna Hanuni munyika yavaAmoni kuzomubata maoko.
Kukurira kwakaita Dhavhidhi vaAmoni navaSiria(2 Sam 10:1–19)3Asi machinda avaAmoni akati kuna Hanuni, “Munofunga kuti izvozvi Dhavhidhi kukutumirai nhume kuzokubatai maoko kwaaita uku kuremekedza baba venyu nhai? Makurukota ake haana here kuuya kwamuri kuzoongorora nokukurira nokusora nyika ino?”
4Saka Hanuni akabata makurukota aDhavhidhi akavaveura, akacheka napakati hanzu dzavo nechapahudyu akavati vaende, ivo ndokubva vaenda.
5Zvavanhu ivavo, pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma vanhu kundovachingura nokuti vakanga vachinyara zvikuru kwazvo. Mambo akati, “Imborambai muri kuJeriko ikoko kudzamara ndebvu dzenyu dzamera mugozoti modzoka kuno.”
6VaAmoni pavakaona kuti vatomutsa ruvengo naDhavhidhi Hanuni navaAmoni vakatumira mari yesirivha inorema makirogiramu zviuru makumi matatu ane zvina yokukwereta nayo ngoro dzehondo dzokumboshandisa pamwechete navachairi vadzo kuMesopotamia nokuAramaaka nokuZobha.
7Vakakwereta ngoro dzehondo zviuru makumi matatu ane zviviri, vakati mambo wokuMaaka auyewo nehondo yake. Vakauya vakadzika matendhe avo pakatarisana neMedhebha. VaAmoni vakakokorodzwa mumaguta avo vakauya kuhondo.
8Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akatuma Joabhu nehondo yose yavarume vano chaivo.
9VaAmoni vakauya vakaronganirana hondo pasuo guru reguta, madzimambo akanga auya vakanga vari pavo voga musango.
10Pakaona Joabhu kuti hondo yavavinga yatoita zvokuvakomba mberi neshure, akasarudza vamwe varwi mukati mavakanga vasarudzwa muIsiraeri vaya, akavaronga kuti varwise vaSiria.
11Vamwe varwi vake vose akavaisa mumaoko omunun'una wake Abhishai akavaronga kuti varwisane navaAmoni.
12Akabva ati, “Kana ndichinge ndava kukurirwa navaSiria, iwe unouya kuzondibatsira, asi kana vaAmoni vava kukukurira, ini ndichazokubatsira.
13Tsunga mwoyo tiite zvechirume tichiitira vanhu vedu namaguta aMwari wedu. Mwari ngaaite kuda kwake.”
14Saizvozvo Joabhu navanhu vaaiva navo vakatanga kuvinga vaSiria kundovarwisa, ivo vakabva vati ware kumutiza.
15VaAmoni pavakangoona kuti vaSiria vatiza, vakaitawo zvimwechetezvo ndiye ware kutiza Abhishai munun'una waJoabhu vakapinda muguta. Joabhu akazosvika kuJerusaremu.
16Asi vaSiria pavakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakatumira nhume dzikauya navaSiria vokumhiri kwaYufuratesi vachitungamirirwa naShofaki mutungamiriri wehondo yaHadhadhiezeru.
17Pazvakasvika munzeve dzaDhavhidhi, akakokorodza Isiraeri yose pamwechete akayambuka Jorodhani akasvika kwavari, akaronga hondo yake kuti achivarwisa, Dhavhidhi paakanga aronga hondo yake kurwisa vaSiria, vakarwa naye.
18VaSiria vakabva vaparamuka kutiza Isiraeri. Dhavhidhi akarakatisa kuuraya mazana manomwe avachairi vengoro nezviuru makumi mana avarwi vetsoka. Akaurayawo Shofaki mutungamiri wehondo yavo.
19Makurukota aHadhadhiezeru paakaona kuti vakurirwa neIsiraeri, vakaita chibvumirano neIsiraeri. Vakaita chibvumirano kuti pave nokuwirirana naDhavhidhi vakabva vava varanda vake. Naizvozvo vaSiria vakazenge vava kutya kubatsirazve vaAmoni.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.