Jeremiya 10 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Zvifananidzo zvokunamata naMwari wechokwadi

1Teererai munzwe zviri kureva Tenzi kwamuri imi vemba yaIsiraeri.

2Zvanzi naTenzi,

“Regai kudzidza nzira dzamamwe marudzi,

kana kudedereswa zvenyu

nezviratidzo zvomumatenga,

nokuti ndizvo zvinodederwa namarudzi

3pamusana pokuti tsika dzamamwe marudzi hadzina maturo.

Nokuti vanotema muti mudondo wopanhwa nedemo

nomuvezi namaoko ake.

4“Vanhu vochishongedza

nesirivha nendarama

vachirovera zvipikiri nenyundo

kuitira kuti zvisimbe.

Zvifananidzo zvavo zvokunamata

5“Zvakaita sezvimifananidzo

zvokudzingisa nazvo makunguo mumunda wamagaka.

Kutaura, hazvigone kutaura zvinoita zvokutotakurwa

nokuti hazvigone kufamba.

Musazvitye nokuti hazvikwanisi kuita zvakaipa

kana kuita zvakanaka.”

6Hakuna akaita semi imi Tenzi.

Imi muri mukuru uye zita renyu imi

izita guru kwazvo rine simba.

7Ndiani angarege kukutyai,

imi Mambo wendudzi dzavanhu?

Nokuti ndozvakakodzerana nemi izvozvi

nokuti pakati pengwazi dzose dzamarudzi

munyika dzavo dzose

hamuna akaita semi.

8Asi izvo mazungairwa namapenzi

hapana chaungadzidze kuzvifananidzo zvokunamata

nokuti zvimiti chete.

9Sirivha yakapfurwa yacho,

yaibva kuTashishi

nendarama ichibva kuUfazi;

zvifananidzo zvacho ibasa ramaoko emhizha

uye rinoitwa namaoko emhizha dzendarama.

Hanzu dzazvo dzinenge dziri tsvuku

kana dzoruvara rwehute,

zvose izvozvo ibasa renyanzvi dzavanhu.

10Asi Tenzi ndiye Mwari wechokwadi,

ndiye Mwari mupenyu

ndiye Mambo wokugara nokugara.

Kana aita hasha nyika inondengendeka,

uye ndudzi dzavanhu

hadzimbogonana nokutsamwa kwake.

11“Unofanira kuvataurira kuti, vamwari vacho ivavo vasirivo vasiki vematenga napasi, vachaparara panyika uye vachaparara pasi pematenga.Rwiyo rwokurumbidza Tenzi

12“Iye ndiye akaita nyika nesimba rake

ndiye akasika nyika noungwaru hwake

uye nokunzwisisa kwake

akawarira matenga.

13Paanongoti burutsei muromo mumwechete,

mvura inodhiriridza mumatenga.

Anoita kuti mhute isimuke

kubvira kwakaperera nyika

achiita kuti mumvura inonaya muve nemheni

achiuyisa mhepo ichibva maanoichengetera.

14“Munhu wose zvake rangova zungairwa,

vanhu vasina ruzivo,

mhizha yose yezvendarama ichinyadziswa

nezvifananidzo zvayo zvokunamata,

nokuti zvifananidzo zvayo zvokunamata ndezvenhando

uye hazvina mweya unofema mazviri.

15“Hazvina kana maturo ese

ibasa rounyengedzi,

panguva yazvo yokurangwa, zvichaparara.

16“Iye haana kumboita saizvozvi izvi,

iye mugove wevokwaJakobho

nokuti ndiye akasika zvinhu zvose

uye verudzi rwechiIsiraeri

ndivo rudzi rwake rwenhaka.

Zita rake rinonzi

Tenzi wehondo nehondo.

Nhamo ichauya yokuparadzwa

17“Sungai, twenyu mutakure,

imi vagari venyika yakakombwa

18nokuti zvanzi naTenzi

chinzwai, rwendo rwuno,

ndava kuvhiriridzira kure

vagari vomunyika muno

ndichivapinza nhamo chaiyo

vambonzwa kurwadza kwazvinoita.

19“Maiwe zvangu, inga ndakuvara ini!

Ronda rangu rinosiririsa kwazvo!

Asi ndakangozviti,

nhamo inhamo chokwadi,

kwava kutongotirira.

20Tendhe rangu raparadzwa

tambo dzangu dzose dzadamburwa.

Vana vangu vandisiya uye havasisipo.

Wokundimisirazve tendhe rangu hakusisina,

kana wokunditurikirira

machira angu okudzikatirisa

21nokuti vafudzi vacho

havana kana musoro havambobvunzawo kuti

Tenzi anoti kudii.

Ndochakavapa kutadza kubudirira

uye kuti danga ravo rose zvaro

rezvipfuwo riti mwarara.

22“Herwo runyerekupe,

herwo rwouya!

Bongozozo chairo richibva kunyika yokuchamhembe

rokuzoita kuti maguta okwaJudha

asare angove magutawo zvawo

nzvimbo inogara makava.”

23Nhai Tenzi!

Inga ndinoziva wani kuti munhu

haasiri iye pachake anozvirongera gwara rokufamba naro,

uye kuti pakufamba

munhu haasiri iye anozvitungamirira.

24Imi Tenzi, kundidzora,

ndidzorei henyu, asi zviri pamwero

musina kushatirwa nokuti

mungadaro mukaita kuti pangu pandiperere.

25Dururirai hasha dzenyu

pane vechirudzi vasingakuzivei,

uye pamarudzi asinganamati zita renyu nokuti

vakazhanya vokwaJakobho

vakavazhanya vakaparadzawo musha wavo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help