1Nenguva iyoyi vanhu veIsiraeri vaigara muJudhia vakanzwa zvose zvakanga zvaitwa naHorofenesi, mutungamiriri mukuru wehondo yaNebhukadhineza mambo weAsiria zvaakanga aita kudzindudzi, uye kupamba nokuparadza kwaakaita temberi dzavo.
2Naizvozvi vakabva vazara zvikuru kwazvo nokutya kuuya kwaainge achaita uye vachityira kwazvo Jerusaremu neTemberi yaTenzi Mwari wavo
3pamusana pokuti vakanga vachangodzoka kubva kuutapwa. Ikoku kwaitenge kuri kutoungana zvakare patsva kwavanhu vomuJudhia. Midziyo inoera neatari neTemberi zvichangobva mukuchenurwa mushure mokunge zvambon'oreswa kwazvakambenge zvaitwa.
4Nokudaro vakatumira shoko kumatunhu ose eSamaria nokuKona nokuBhetihoroni nokuBherima nokuJeriko nokuKobha nokuAesora nokubani reSaremu.
5Pakarepo vakabva vagaririra vari muzvikomo zvirefu vakaronga zvokudzivirira misha yavo yaivamo vachiunganidzamo zvokudya kuri kugadzirira zvehondo sezvo minda yavo yakanga ichangobva mukukohwewa.
6Zvino mupristi mukuru Joakimu aiva muJerusaremu panguva iyoyi, akanyorera vanhu vokuguta reBheturia nereBhetomesitaimi yakatarisana neEsidhiraeroni pariwo pakatarisana nebani riri padyo neDhotani.
7Akanyora achivaudza kuti, vagaririre mumipata yokuenda kuzvikomo nokuti Judhia yaigona kupindika chete naikoko. Zvakanga zviri nyore kudzivisa ani naani zvake ainge oda kupinda noko kuzorwisa nokuti pokupinda napo painge pari pakamanikana chaipo pokuti hapaikwana vanhu vanopfuura vaviri kuti vapinde nepo vakavambirana.
8Saizvozvo vaIsiraeri vakaita zvavakanga vatemerwa nomupristi mukuru Joakimu pamwechete nedare regungano ravanhu vose veIsiraeri mudare kuJerusaremu.
9Vanhu vose veIsiraeri vakachema kuna Mwari neshungu dzakawanda. Vakazvirereka kwaari nokutsanya kwakanyanya.
10Vose zvavo vakapfeka masaga ivo namadzimai avo navana vavo pamwechete nemombe dzavo navatorwa vaive vagere navo navashandi vavo navaranda vokuita maricho vakatengwa.
11Varume vose navakadzi vechiIsiraeri navana vaigara Jerusaremu vakati pasi ware ware kuzvambarara pamberi peTemberi vakazvidira dota mumusoro vakawaridza masaga avo pana Tenzi.
12Vakatotenderedzawo atari namasaga vakachema zvimwechetezvo pamwechete vachinamata nomwoyo wose kuna Mwari weIsiraeri kuti arege kuisa pwere dzavo munhamo, kana kuisa vakadzi vavo mukutapwa, kunyange kurega maguta avo enhaka achiparadzwa, kana kurega nzvimbo yavo inoera ichin'oreswa nokufumurwa kuti marudzi afare zvokurwadzisa vanhu.
13Saizvozvowo Mwari akanzwa minamato yavo akaonawo dambudziko ravo nokuti vanhu vakatsanya kwamazuva mazhinji Judhia yose nomuJerusaremu pamberi penzvimbo inoera yaTenzi Samasimba.
14Mupristi mukuru Joakimu navapristi vose vaimira pana Tenzi vachishandira iye Tenzi vainge vakasungirira masaga muchiuno vachipira mipiro yokupisa inogaroitwa nemipirowo yezvakambotsidzwa nemipiro yokupa nechido yavanhu.
15Dota riri pangundu dzavo kudaro, vakachema kuna Tenzi nesimba ravo rose kuti atarise imba yose yaIsiraeri netsiye nyoro.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.