2 Vatesaronika 2 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

1Panyaya yezvokuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu nezvekuungana kwatichaita tichimuchingura, tinokukumbirai hama

2kuti musabva mapengereka nazvo kana kuita manyawi nazvo zvichibva kumweya kana kushoko kana kutsamba zvinoita sezviri kubva kwatiri zvichiti zuva raTenzi rasvika.

3Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena,

4uya anozvikudza achirwisana nechose chinonzi mwari kana chipi zvacho chinonamatwa atoita chigaro chake mutemberi yaMwari.

5Hamurangariri here kuti pandakanga ndichinemi ndakakutaurirai izvi.

6Asi imi munoziva kuti pane chimwe chiri kurambidza kuti izvi zviitike zvino kuti aratidzwe panguva yake

7nokuti chakavanzika chiya chisina mutemo chavakutoshanda asi uyo arikumbodzivirira–dzivirira achamboita kusvikira abviswa.

8Ipapo asina mutemo uya achaburitswa pachena. Tenzi Jesu achamuuraya nezwi rimwechete romuromo wake achimuparadza nokuzviratidza kwake uye nokuuya kwake.

9Kuuya kouya asina mutemo kunoonekwa nomubasa raSatani anoshandisa simba nezviratidzo nezvishamiso zvokunyepera

10nouipi hwose hokunyengedza varikundoparadzwa nokuti vanoramba kuda chokwadi uye vanoramba kuponeswa.

11Naizvozvo Mwari anovatumira zvinovabata kumeso kuti vatende zvenhema

12kuti vose vapihwe mhosva vasina kutenda chokwadi vachifarira zvisina kururama.

Imi makasarudzirwa ruponeso

13Isu tinosungirwa kutenda Mwari pamusana penyu, hama dzangu vadiwa vaTenzi nokuti Mwari akakusarudzai kubvira pakutanga kuti muponeswe nokuitwa vatsvene naMweya nokutenda muchokwadi.

14Izvi ndizvo zvaakakudaidzirai nokuparidza kwedu Shoko Rakanaka kuti muwane mbiri yaTenzi wedu Jesu Kristu.

15Naizvozvo hama dzangu mirai makasimba makabatisisa magamuchidzanwa amakadzidziswa nesu nomuromo kana kuti netsamba.

16Zvino Tenzi wedu Jesu Kristu pachake naMwari Baba vedu vakatida vakatipa kunyaradzwa kusina mugumo nechitarisiro chakanaka

17nenyasha ngaakunyaradzei mwoyo yenyu aisimbise mumashoko nomumabasa ose akanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help