Isaya 1 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

I: NDIMA YOKUTANGA YEBHUKU RAISAYAA: ZVAKATAURWA NOMUPOROFITA ACHIPOROFITA, HONDO YAVAASIRIA NOVOKWAEFUREMU ISATI YARWIWA

1Zvinhu zvakaoneswa Isaya mwanakomana waAmozi pamusoro peJudha neJerusaremu panguva yokutonga kwamadzimambo aya okwaJudha anoti Uziya naJotamu naAhazi naHezekia.

Mhosva inopiwa vaIsiraeri naMwari

2“Teerera iwe denga,

unzwewo iwe nyika

nokuti ini Tenzi ndava kutaura,

‘Ndakarera vana ini ndikavayarutsa

asi ivo vakandipandukira.

3Mombe inoziva muridzi wayo

kana dhongi rinozivawo parinopirwa

zvokudya nomuridzi waro

asi Isiraeri haimboziva zvayo,

vanhu vangu havambonzwisisa.’ ”

Kurangwa kuchaitwa Judha

4Zvichakuwanai zvenyu rudzi rwavanhu vezvitadzo!

Iyemi vanhu vazere uipi,

imi zvizukuru zvavaiti vezvakaipa,

vana vane muitiro wakaora.

Makandiramba imi, ini Tenzi,

mukandishora ini Anoera weIsiraeri,

mukanyatsondipa zvenyu gotsi.

5Munodirei kuti shamhu

irambe iri pamusana wenyu,

zvaunodai kuramba makapanduka?

Musoro wase wanyeka namaronda,

mwoyo wako wose wachiti rukutu.

6Kubvira pasi petsoka

kusvikira pamusoro

hapana papenyu,

dzangova mbonje namavanga,

angova maronda ari kubuda ropa

asina kusvinwa kana kusungwa

kana kupfaviswa zvako namafuta.

7Nyika yenyu yangova nyikawo zvayo

maguta enyu aririmiswa nomoto

nyika yenyu yarozvwa namabvakure,

yangova nyika

sokunge yakurirwa namabvakure

imi makatarisa.

8Iwe mukunda weZioni Jerusaremu,

wasara wangove sekatumba

kemumunda wamagirepisi

sakadushwa kari mumunda wamagaka

seguta rakombwa.

9Dai Tenzi wehondo nehondo

asina kutisiyira zvake

chitsama chavakapunyuka,

tingadai takaita hweSodhomu

kana kuita hweGomora.

Unyengedzi haudiwi naMwari

10Chiteererai munzwe shoko raTenzi,

iyemizve vatongi veSodhomu!

Teererai munzwe mutemo waMwari wedu

iyemizve vanhu veGomora.

11Zvanzi naTenzi,

“Ndinei ini nokuwanda kwezvibayiro zvenyu?

Mipiro yokupisa yehondohwe

neyemafuta emhuka dzakakodzwa

zvandifinha ini;

handisisiri kufadzwa neropa rehandira

kana rehwayana kunyange rezvikotora.

12Ipo pamunouya kwandiri kuzonamata,

ndiani chaizvo anenge achida kuti

muzotsokodzere zvenyu nhandare dzangu?

13Chiregai kunge muchauya

nemipiro isina maturo

rusenzi runondisemesa.

Mazuva enyu okugara kweMwedzi

namaSabata nemisangano yamunokokerana

kukanyanisa ikoku,

nokuti musangano mukuru wezvokunamata

pamwechete nouipi, zvandifinha.

14“Mazuva Makuru enyu oKugara kwoMwedzi

namazuva makuru akatemwa,

mwoyo wangu hauzvidi.

Kwandiri yave nhamo chaiyo yokuzvitakura,

ndaneta ini nokuzvitakura.

15Pamunosimudza maoko mudenga

ini ndichatarisa rutivi,

kunyange pamunogoorera kunamata handiteereri,

maoko enyu azere ropa.

16Shambai muzvichenese,

bvisai zviito zvenyu zvakaipa

mumaziso mangu.

Kandai pasi uipi.

17Dzidzai kuita zvakanaka,

onai kuti kuri kutongwa zvino ruenzaniso

vanodzvinyirira vanhu ngavagadziridzwe.

Miririrai nherera

muchireverera chirikadzi.”

18Zvanzi naTenzi,

“Kana madaro mochiuya zvenyu titaurirane,

kunyange zvazvo zvitadzo zvenyu

zvakatsvuka seropa,

zvichati mbu-u kuchena somukaka,

kunyange zvakati piriviri kutsvuka

zvichati mbu-u kuchena sedonje.

19Kana mukada zvokuteerera

muchadya zvinhu zvakanaka zvenyika.

20Asi mukaramba muchipanduka,

bakatwa richakutsakatisai

nokuti ndini Tenzi ndazvireva nomuromo wangu.”

Kuchema uipi hweJerusaremu

21Zvauya sei chokwadi

kuti guta rakanga rakatendeka

riite senzenza kudai

guta rakanga rizere noruenzaniso.

Ururami ndomaiva mumusha mahwo

asi zvino mava memhondi.

22Sirivha yako haisisina maturo,

waini yako yashapiswa nemvura.

23Machinda ako vapanduki

neshamwari dzembavha

Munhu wose ava kutarisira pfumbamuromo,

ava kungomhanyira kupiwa zvipo,

havamiririre nherera

nhamo dzechirikadzi,

mumusoro hadzivapindi.

24Naizvozvo Tenzi anotaura,

iye Tenzi wehondo nehondo,

iye Samasimbaose weIsiraeri achiti,

“Chiregai zvenyu muchiona,

ndochipedzera hasha dzangu

pavanhu vanondivenga

ndichitsividza mhandu dzangu.

25Nesimba roruoko rwangu ndava kukupindukirai!

Zvose zvisina maturo mavari

ndichanyatsozvinyungurutsa

ndichibvisa zvose zvisina kunaka mauri.

26Ndichadzosera vatongi vako sapakutanga paye

namakurukota ako sapamavambo paya.

Mushure mezvo uchazonzi

guta rakarurama

guta rakatendeka.”

27Zioni richanunurwa noruenzaniso,

vanopinduka vachiponeswa

pamusana poururami.

28Asi vapanduki navatadzi

vachaparadzwa pamwechete,

vanofuratira Tenzi

vachatsakatiswa.

Kuyambira vanonamata miti yemioku

29Ndinodaro nokuti zvokufarira mioku

yokunamata zvichakunyadzisai;

muchanyara namapindu enyu amakatsaura;

30nokuti muchaita

somuti womuoku

unowuna mashizha,

sebindu risina mvura.

31Mikuru yacho

ichaita setsotso,

basa rake richiita sakamoto kubarika.

Zvose zviri zviviri zvichatsva pamwechete,

pagoshaya anogona kuzvidzimura.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help