Isaya 43 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari anovimbisa kununura vanhu vake

1Asi pari zvino zvanzi naTenzi,

Iye akasika iwe Jakobho,

iye akakuumba iwe Isiraeri

“Rega zvako kutya nokuti ndakakununura,

ndikakudaidza nezita,

uri wangu.

2“Paunopfuura nomumvura zhinji

ndichave newe,

kana ukapfuura nomunzizi

hadzikutore,

kana ukafamba nomumoto

haukupisi,

rimi romoto harikuroromesi.

3Ndinodaro nokuti

ini Tenzi ndini Mwari wako

iye Anoera waIsiraeri

mununuri wako.

Ndiri kupa Ijipiti kuti

ive chokukutsikinurisa nacho,

Itiopia neSebha dzive

dzokutsiva iwewe,

4nokuti kwandiri,

iwe wakakosha

unoremekedzeka

uye ndinokuda.

Ndinobvisa vanhu

kukutenga iwe,

vanhu vokutsinhanisa

noupenyu hwako

5Usatye nokuti ndinewe,

vana vako ndichavaunza

kubva kumabvazuva

ndichikukokorodzai

kubva kumadokero.

6Ndichati kune vokuchamhembe,

regai vanhu ava;

kune vokumaodzanyemba ndichiti,

musavarambire;

unzai vanakomana vangu

kubva kure ikoko

navanasikana vangu

kubva kwakaperera nyika,

7wose zvake wandakadaidza nezita rangu

wandakasikira mbiri yangu

wandakaumba, wandakaita.”

Isiraeri ichapupu chaMwari

8Uya navo vanhu ivavo,

mapofu zvawo

asi maziso vainawo,

matsi zvadzo

asi nzeve vainadzo.

9Marudzi ose avanhu

ngaaungane pamwechete,

ndudzi dzavanhu

ngadziungane.

Ndiani pakati pavo

anogona kuzivisa vanhu izvozvi izvi,

atirondedzere zvakaitika kare?

Ngavauyeka nezvapupu zvavo

zvizovapipirira

vanzwe vagoti,

“Ichokwadi.”

10Zvanzi naTenzi,

“Imimi ndimi, zvapupu zvangu,

iyemi ndimi muranda wangu

wandakasarudza

kuti mugoziva munditende

munzwisise kuti inini ndini iye ari.

Hapana mwari akaumbwa

ini ndisati ndavepo,

kana kuzova nomumwewo zvake

mushure mangu.

11Ini ndini Tenzi,

kunze kwangu hakuna mununuri.

12Ini ndakataura ndikanunura

ndikazviparadza,

izvozvo, pakati penyu

pakanga pasati pava navamwari vesirivo,

imimi ndimi zvapupu zvangu,”

ndizvo zviri kutaura Tenzi

13“Ndini Mwari ini.

Namangwana ese

ndini Iye ari.

Hakuna ane chaanogona kununura

mumaoko mangu.

Chandinenge ndaita

ndiani chaizvo angachidzivise?”

Kununurwa kwevaIsiraeri kuBhabhironi nokuIjipiti

14Zvanzi naTenzi,

Mununuri wako,

iye Anoera waIsiraeri,

“Pamusana pako iwe

ndichatumira vanhu kuBhabhironi

kundotyoranisa zvihuri zvose;

zhowezhowe revaKaridhea

richasandurwa rikava kuchema.

15Ini ndini Tenzi,

iye Anoera wenyu,

Musiki weIsiraeri,

Mambo wenyu.”

16Zvanzi naTenzi,

iye anoita mugwagwa mugungwa,

nenzira mukati memvura ine simba,

17nyakuunza ngoro nebhiza

nehondo nomurwi wayo

zvigoti pasi umburu

pazvisingagoni kumukazve,

zvakadzimwa

zvikafuridzwa setambo yerambi

18“Regai kurangarira zvinhu zvakare

kana kufunga zvinhu zvepasichigare,

19Chionai ndava kuita chinhu chitsva,

chava kutoitika.

Hamusi kuchiona here?

Ndichaita nzira murenje

nenzizi mugwenga.

20Mhuka dzesango dzichandikudza,

makava kana mhou;

nokuti ndichaita kuti

murenje muve nemvura

mugwenga muve nenzizi

ndichipa mvura yokunwa

kuvanhu vangu vandakasarudza,

21vanhu vangu vandakatozvisikira

kuti vaite kuti mbiri yangu idhume.”

Kusatenda kwavanhu veIsiraeri

22“Asi iwe Jakobho

hauna kudaidzira kwandiri

asi wakatoneta neni

iwe Isiraeri.

23Hauna kundivigira

hwayana yako yemipiro yokupisa

kana kundiremekedza nezvibayiro zvako.

Handina kukuremedza nemipiro

kana kukunetsa norusenzi.

24Hauna kunditengera nemari

rusenzi runonhuhwirira

kana kundigutsa

namafuta ezvibayiro zvako.

Asi kutoti wakatonditakudza

mutoro wezvitadzo zvako,

ukandifinha nouipi hwako.

25Ini, ini ndini Iye Ari,

anodzima zvikanganiso zvako

ndichizviita pamusana pangu,

zvitadzo zvako

ndicharega kuzvirangarira.

26Ndiyeuchidze,

ngatiitei dare

upire nyaya yako

uratidze kuti hauna mhosva.

27Tateguru wako wokutanga

akapara mhaka yechitadzo,

vaikumiririra kwandiri,

vakandikanganisira.

28Ndokusaka ndakan'oresa

machinda omuNzvimbo Inoera

ndakapinza Jakobho

mukuparadzwa chaiko

ndikapinza Isiraeri mukushorwa.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help