Ezira 8 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Vanhu vakadzoka kuutapwa

1Vanakomana vevatungamiriri vedzimhuri dzemadzibaba avo nezvizvarwa zvevakasimuka vakabva kuBhabhironi neni pakutonga kwamambo Atakizesesi ndeava ava, paiti:

2vokwaFinehasi: ndiGerishomu

vokwaItamaru: ndiDhanieri

vokwaDhavhidhi: ndiHatushi

3wokumhuri yokwaShekaniya.

Vanakomana vokwaParoshi: ndiZekariya

aiva nezana revanhu rine varume

makumi mashanu vaakanyorwa ainavo

4vokwaPahatimoabhu: ndiErihoenai wokumhuri yokwaZeraya aine

mazana maviri evarume

5vanakomana vokwaShekaniya

mwanakomana waJahazieri aine mazana matatu avarume.

6VokwaAdhini: ndiObhedhi mwanakomana waJonatani

akanga aina varume makumi mashanu

7vokwaEramu: ndiJeshaya mwanakomana waAtariya

aivawo namakumi manomwe avarume

8vokwaShefatiya: ndiZebhadhiya mwanakomana waMikaeri

aina makumi masere evarume

9vokwaJoabhu: ndiObhadhiya

mwanakomana waJehieri namazana maviri

evarume navarume gumi navasere

10vokwaBhani: ndiSherumiti

mwanakomana waJosifiya akanga aine

zana namakumi matanhatu evarume

11vokwaBhebhai: ndiZekariya

mwanakomana wokwaBhebhai aine varume

makumi maviri ane vasere.

12VokwaAazigadhi: ndiJohanani mwanakomana

wokwaHakatani akangawo aine zana

revarume rine varume gumi

13vokwaAdhonikamu: vokupedzisira vacho

mazita avo ndeaya anoti

Erifereti naJeueri naShemaya

vaivawo namakumi matanhatu evarume

14vokwaBhigivhai: ndiUtai naZakuri

vaine makumi manomwe evarume.

Kutsvaka vaRevhi vepaTemberi kwakaitwa naEzira

15Ndakavaunganidza parwizi runoerera ruchienda kuAhavha tikamboita musasa wedu ipapo kwamazuva matatu. Pandakawongorora vanhu navapristi, handina kuwana paina vanakomana vokwaRevhi.

16Ndopandakatumira shoko rokuti kuuye Eriezero naArieri naShemaya naErinatani naJaribhu kwouya Erinatani naNatani naZekariya naMeshuramu vakuru vakuru, kwozouya Joyaribhu naErinatani vakanga vari vanhu vainzwisisa

17ndikavatuma kuna Idho mukuru mukuru aiva kunzvimbo inonzi Kasifia. Ndakavaudza zvokundotaura kuna Idho nehama dzavo vashandi vepatemberi kuKasifia kwacho ndichiti vatitumire vokushanda mumba yaMwari wedu.

18Pamusana pokuti ruoko rwaMwari rutsvene rwaiva pamusoro pedu, ivo vakatiunzirawo murume anoungwaru kwazvo wokuvanakomana vokwaMahiri mwanakomana waRevhi mwana waIsiraeri anonzi Sherebhiya pamwechete navanakomana vake nehama dzake vari gumi navasere.

19Uyewo naHashabhiya aina Jeshaya vanakomana vokwaMerari pamwechete nehama dzavo navana vavo vakomana vari makumi maviri.

20Apa tinenge tisingaverengere zvedu mazana maviri ana makumi maviri avashandi vepaTemberi vakanzi naDhavhidhi namakurukota ake vave pavo voga kuitira kuti vashandire vaRevhi. Ivava vose zvavo vakatodomwa namazita.

Ezira akati, “Ngatitsanyei tinamate.”

21Ndakazodaidzira kuti kutsanywe ipapo parwizi rweAhavha kuitira kuti tizvidukupise kuna Mwari wedu kuti atiwanisewo kufamba kwakanaka isu navana vedu nezvedu zvose zvataiva nazvo.

22Chakandidariso kwaiva kunyara kukumbira mambo chikwata chavarwi vehondo navachairi vamabhiza vokutidzivirira kuvavengi murwendo rwedu sezvo takanga tati kuna mambo, “Ruoko rwaMwari wedu ruri pane vose vanomutsvaka kuti zvivanakire, uku, simba rehasha dzake richivirukira vose vanomufuratira.”

23Ipapo isu takatsanya tichiteterera kuna Mwari wedu naizvozvi izvi, iye ndokunzwawo chichemo chedu.

Zvipo zvakapiwa kumba yaTenzi

24Ndakazosarudza vapristi gumi navaviri vakuru vakuru ava vanoti: Sherebhiya naHashabhiya nedzimwe hama dzavo gumi dzavaiva nadzo.

25Ndakavaerera sirivha nendarama nemidziyo yechipo chiya chokubvisirwa imba yaMwari wedu namambo namakurukota ake namadzishe ake pamwechete navaIsiraeri vose vaivepo.

26Ndakaera ndikaisa mumaoko avo,

sirivha inoita matani makumi maviri

nezana remidziyo yesirivha inorema makirogiramu

makumi manomwe

uye ndarama inorema matani matatu ana

makirogiramu mazana mana

27nemakumi maviri endiro dzendarama dzinorema

makirogiramu masere ana

magiramu mazana mana

uyewo midziyo miviri yendarira yakangokosha

zvimwechetezvo sendarama.

28Ndakavati, “Imi muri vanhu vakatsaurirwa Tenzi vatsvene uye midziyo iyoyi iyi, midziyo inoera. Sirivha nendarama iyi chipo chokupa kuna Tenzi, Mwari wemadzibaba enyu yomupiro wokupawo zvawo nechido.

29Itarirei muichengetedze kusvikira maiera pameso pavapristi vakuru vakuru navaRevhi navatungamiriri vedzimba dzamadzibaba muIsiraeri kuJerusaremu mudzimba dzomutemberi yaTenzi.”

30Saizvozvo vapristi navaRevhi vakagamuchira mutoro wesirivha iyoyi nendarama nemidziyo vakaenda nayo Jerusaremu kumba yaMwari wedu.

Kudzokera Jerusaremu kwavakatapwa vachibva kuBhabhironi

31Takazosimuka kubva parwizi rwaAhavha pazuva regumi nechipiri remwedzi wokutanga toenda Jerusaremu, ruoko rwaMwari wedu ruri patiri. Akatinunura mumaoko avavengi nokune vaitihwandira munzira.

32Takasvika kuJerusaremu tikaita mazuva edu matatu tirimo.

33Pazuva rechina racho, mukati memba yaMwari imomo, sirivha iya nendarama nemidziyo yakaerwa ikaiswa mumaoko omupristi Meremoti mwanakomana waUriya aivawo naEreazari mwanakomana wokwaFinehasi vaine vaRevhi ava vanoti Jozabhadhi mwanakomana waJeshua naNoadhiya mwanakomana wokwaBhinui.

34Zvose zvakaverengwa zvikaerwa uremu hwazvo zvose hukanyorwa pasi.

35Panguva iyoyo vokudzoka kuutapwa vakanga vatapwa vakatamisirwa kusi kwavo vaye vakapira mipiro yokupisa kuna Mwari weIsiraeri zvaiti gumi rehandira dzokupirira Isiraeri yose nehondohwe makumi mapfumbamwe nenhanhatu nehwayana makumi manomwe nenomwe namakotora gumi namaviri omupiro wokupfupira zvitadzo. Zvose izvozvi zvaiva zvomupiro wokupisira kuna Tenzi.

36Vakasvitsawo zvirevo zvamambo kuna madzishe okwamambo nokumasadunhu enyika iyi yokuMhiri kweRwizi rwaYufuratesi, ivo ndokubva vabatsira vanhu uye nezvemba yaMwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help