1Usachengere mukadzi wako wapamwoyo,
uchimudzidzisa zvakaipa zvinozokupfukira.
2Usazviise pasi pomunhukadzi,
unozopera wava mumaoko ake.
3Usafambidzane nepfambi,
ingadaro ikakubata nemisungo yayo.
4Usafambidzane nepfambi inoimba,
ungadaro ukabatwa noujarijari hwayo.
5Usanan'anidze mhandara,
unozokaruka wavakuripiswa roora.
6Usazvipe kupfambi,
ungadaro ukazorasikirwa nenhaka yako.
7Usafambe nemigwagwa yeguta uchitarisa kwose kwose,
kana kutuhwaira nomusendiraini musina vanhu.
8Bvisa maziso ako kuchibhamhu chomukadzi,
kana kuyeva runako rwomukadzi asiwako.
Runako rwomukadzi rwakarasisa vazhinji,
runobvirisa mapangiro oruchiva somoto.
9Usagare pedyo momukadzi womuridzi pakudya
uchinwidzana naye waini muchifara,
angadaro akakutora mwoyo,
ruchiva rwake rukakuparadzisa.
Ushamwari pakati pavarume10Usafuratire shamwari tsaru
itsva haimbozoenzana nayo.
Shamwari itsva yakafanana newaini itsva,
inotozonaka kunwa kana yasaruka.
11Usaite shanje nokubudirira kwomutadzi,
nokuti hauzivi pazvichamutsvitsa.
12Usafarire kubudirira kwavasiri vanamati
yeuka kuti havafi vasina kurangwa.
13Mirira kure nomunhu ane simba rokuuraya,
pfungwa yokutya rufu haizoramba ichikutambudza
asi kana uchifanira kusvika pedyo naye,
ziva paunotsika,
zvingadaro zvikakuperera;
nyatsoziva kuti uri kufamba wakakombwa nemisungo,
uye kuti uri kufamba napamusoro porusvingo rweguta.
14Ziva sokugona kwako vavakidzani newe
utsvage mazano kuna vakangwara.
15Vanhu vanonzwisisa
ngavave ivo vaunokurukurirana navo,
hurukuro dzenyu dzose
ngadzive dzezvoMutemo woWokumusorosoro.
16Vanhu vakarurama ngavave
ivo vaunodyidzana navo;
kutya Mwari ngakuve iko kwaunodada nako.
17Mhizha inoonekwa umhizha hwayo
nebasa ramaoko ayo,
mutungamiriri wavanhu
anoonekwa ungwaru nezvaanotaura.
18Munhu anotaurisa
munhu anotyisa muguta,
munhu anorasa muromo pakutaura
anovengwa navanhu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.