Sira 9 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Vanhukadzi

1Usachengere mukadzi wako wapamwoyo,

uchimudzidzisa zvakaipa zvinozokupfukira.

2Usazviise pasi pomunhukadzi,

unozopera wava mumaoko ake.

3Usafambidzane nepfambi,

ingadaro ikakubata nemisungo yayo.

4Usafambidzane nepfambi inoimba,

ungadaro ukabatwa noujarijari hwayo.

5Usanan'anidze mhandara,

unozokaruka wavakuripiswa roora.

6Usazvipe kupfambi,

ungadaro ukazorasikirwa nenhaka yako.

7Usafambe nemigwagwa yeguta uchitarisa kwose kwose,

kana kutuhwaira nomusendiraini musina vanhu.

8Bvisa maziso ako kuchibhamhu chomukadzi,

kana kuyeva runako rwomukadzi asiwako.

Runako rwomukadzi rwakarasisa vazhinji,

runobvirisa mapangiro oruchiva somoto.

9Usagare pedyo momukadzi womuridzi pakudya

uchinwidzana naye waini muchifara,

angadaro akakutora mwoyo,

ruchiva rwake rukakuparadzisa.

Ushamwari pakati pavarume

10Usafuratire shamwari tsaru

itsva haimbozoenzana nayo.

Shamwari itsva yakafanana newaini itsva,

inotozonaka kunwa kana yasaruka.

11Usaite shanje nokubudirira kwomutadzi,

nokuti hauzivi pazvichamutsvitsa.

12Usafarire kubudirira kwavasiri vanamati

yeuka kuti havafi vasina kurangwa.

13Mirira kure nomunhu ane simba rokuuraya,

pfungwa yokutya rufu haizoramba ichikutambudza

asi kana uchifanira kusvika pedyo naye,

ziva paunotsika,

zvingadaro zvikakuperera;

nyatsoziva kuti uri kufamba wakakombwa nemisungo,

uye kuti uri kufamba napamusoro porusvingo rweguta.

14Ziva sokugona kwako vavakidzani newe

utsvage mazano kuna vakangwara.

15Vanhu vanonzwisisa

ngavave ivo vaunokurukurirana navo,

hurukuro dzenyu dzose

ngadzive dzezvoMutemo woWokumusorosoro.

16Vanhu vakarurama ngavave

ivo vaunodyidzana navo;

kutya Mwari ngakuve iko kwaunodada nako.

17Mhizha inoonekwa umhizha hwayo

nebasa ramaoko ayo,

mutungamiriri wavanhu

anoonekwa ungwaru nezvaanotaura.

18Munhu anotaurisa

munhu anotyisa muguta,

munhu anorasa muromo pakutaura

anovengwa navanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help