Nziyo 20 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Muimbisi, urwu Rwiyo rwaDhavhidhi.Kunamatira mambo

1Dai TENZI akangokupindurai

pazuva renhamo!

Dai zita raMwari waJakobho

angokudzivirirai.

2Ngaakutumirei rubatsiro runobva kunzvimbo inoera

norutsigiro rwake runobva kuZioni.

3Dai angoyeuka mipiro yenyu yose

uye afadzwe nezvibayiro zvenyu zvose.

Dzepfunde.

4Dai angokupai zvinoda mwoyo wenyu

aite kuti zvirongwa zvenyu zvibudirire.

5Ipapo tichapururudzira kukunda kwenyu norufaro.

Tigosimudza mureza wedu muzita raMwari wedu

TENZI akuitirei zvose zvamunokumbira.

6Zvino ndavakuziva kuti TENZI

achabatsira muzodzwa wake,

achamupindura ari kudenga rake rinoera

nesimba roruoko rwake rworudyi.

7Vamwe vanovimba nengoro dzehondo;

vamwe vanovimba namabhiza

asi isu tinovimba nezita raTENZI

Mwari wedu.

8Ivo vachaputsikira pasi vagowa

asi isu tichamuka tigomira takati twi.

9TENZI, Itai kuti mambo akunde,

tipindureiwo pazuva ratinodaidzira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help