Zekariya 10 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mwari anovimbisa kununura vanhu vake

1Kumbirai TENZI mvura

munguva yemvura yomunhuruka,

kuna TENZI anogadzira

dutu ramakore emvura.

Ndiye anopa vanhu mvura inonaya

achipawo kumunhu wose

zvinhu zvinomera mumunda make.

2Chandinodariro ndechokuti zvifananidzo zvokunamata

zvinongowawata nhema zvadzo,

uye vashoperi vanoona zvamanyepo,

varotiwo vachirotomoka zvenhema vachinyaradza vanhu

zvokungovabata kumeso chete.

Nezvo vanhu vanodzungaira sehwai

vanotambura nokushaya mufudzi.

3Hasha dzangu

dzavirukira kwazvo vafudzi ivavo,

saka ndichapa vatungamiriri

shamhu yokuranga,

nokuti TENZI wehondo nehondo

ane hanya nedanga rehwai dzake

iyo imba yokwaJudha.

Uye achavaita

samabhiza ake akanakisisa okurwisa nawo kuhondo.

4Mavari ndimo muchabva ibwe rapakona,

mavari muchibuda hoko yetendhe,

mavari muchabvawo uta hwehondo,

mavari ndimo muchamuka mutongi wose zvake.

5Vose pamwechete vachava

magamba chaiwo avarume vehondo,

vanotsokodzera muvengi mumatope omumigwagwa.

Vacharwa hondo nokuti TENZI anavo.

Vachapazamisa musoro vatasvi vamabhiza.

6Ini ndichasimbisa imba yokwaJudha

ndigoponesa imba yokwaJosefi.

Ndichavadzosera kuno nokuti

ndinovanzwira ngoni.

Vachaita sokunge ndisina kumbovaramba

nokuti ini ndini TENZI, Mwari wavo

uye ndichavapindura.

7Ipapo vokwaEfuremu vachava

segamba rokurwa hondo

mumwoyo vachifara savanhu vanwa waini.

Vana vavo vachazvionawo vakafara zvikuru,

mwoyo yavo ichafara muna TENZI.

8Ndichavaridzira mheterwa

ndivaunganidzemo nokuti ndakavanunura.

Uye vachawanda sezvavaiva kare.

9Kunyange zvazvo ndakanga ndavati mwarara

mukati memarudzi

asi kunyika dzokure ikoko

vachandirangarira, uyewo vachararama

pamwechete navana vavo vagozodzokazve kuno.

10Ndichavadzosera kumusha

ndichivabvisa kunyika yeIjipiti,

ndichavakokorodza kuAsiria

ndigovaunza kudunhu rokwaGireadhi nokuRebhanoni

kusvikira pasisina pokugara.

11Vachadimura nomugungwa reIjipiti,

mafungu egungwa achange akamiswa,

hwenje hwese hwemvura yaNairi

huchange hwati gwa kuoma.

Kuzvitutumadza kweAsiria

kuchaderedzwa pasi pasi chaipo,

uye tsvimbo youmambo hweIjipiti ichabva.

12Ndichavasimbaradza muna TENZI

vachafamba muzita rake.

Ndizvo zviri kutaura TENZI.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help