1 Nhoroondo 15 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

B: BHOKISI RECHITENDERANO MUGUTA RADHAVHIDHI ROKUZVIDZIVIRIRA MUHONDOKugadzirira kwamambo Dhavhidhi kundotora bhokisi rechitenderano

1Dhavhidhi akazvivakira muzinda muGuta raDhavhidhi ndokugadzira nzvimbo yeBhokisi raMwari rechitenderano akaridzikira tendhe.

2Dhavhidhi ndokuti, “Hapana anofanira kutakura bhokisi raMwari rechitenderano kusiya chete vaRevhi nokuti Tenzi akavasarudza kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano nokumushandira narini wose.”

3Dhavhidhi akakokorodza Isiraeri yose kuJerusaremu kuti vandounza bhokisi raTenzi rechitenderano panzvimbo yaro yaakanga arigadzirira.

4Dhavhidhi akaunganidza pamwechete vanakomana vokwaAroni nevokwaRevhi vaiti:

5vokwaKohati mutungamiriri

wavo ari Urieri nehama dzake

zana namakumi maviri;

6kwouya vokwaMerari, mutungamiriri

wavo ari Asaya nehama dzake

mazana maviri namakumi maviri;

7kwoti vokwaGerishomu,

mutungamiriri wavo aiva Joeri

nehama dzake zana namakumi maviri;

8kuchiti vokwaErizafani,

mutungamiriri ari Shemaya

nehama dzake mazana maviri;

9kukati vokwaHebhuroni,

mutungamiririwo ari Erieri nehama

dzake makumi masere;

10ndokuzotiwo vokwaUzieri,

mutungamiriri wacho ari Aminadhabhu

nehama dzake zana rine gumi navaviri.

11Dhavhidhi akazounganidza vapristi vaiti Zadhoki naAbhiyatari kwozouya vaRevhi vaiti Urieri naAsaya naJoeri naShemaya naErieri naAminadhabhu,

12akati kwavari, “Imika ndimi vatungamiriri vedzimba dzedzinza rokwaRevhi chizvichenurai imimi nehama dzenyu kuitira kuti mundotakura bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri muuye naro panzvimbo yandakarigadzirira

13pamusana pokuti pakutanga paye hamuna kuritakura imi, Tenzi, Mwari wedu akatipinza mudambudziko nokuti hatina kunge taribata nomutoo waro wakatemwa kuti uitwe.”

14Saizvozvo vapristi nevaRevhi vakazvichenura kuitira kuti vandounza bhokisi rechitenderano raTenzi, Mwari weIsiraeri.

15VaRevhi vakatanhika bhokisi raMwari rechitenderano pamapfudzi namapango aro aye sezvakanzi naMosesi zviitwe sokutaurawo kwakanga kwaita Tenzi.

16Dhavhidhi akaudzawo vatungamiriri vevaRevhi kuti vasarudze dzimwe hama dzavo dzive vaimbi vanofanira kuridza chaizvo zvokuimba nazvo zvinoti madimbwa nezvipendhani nemakwakwakwa outare paite mutinhimira wokufara.

17VaRevhi vakabva vasarudza Hemani mwanakomana waJoeri, kuhama dzake uku vakasarudza Asafu mwanakomana waBherekiya, kwoti kuvanakomana vokwaMerari hama dzavo, Etami mwanakomana waKushaya

18pamwechete nehama dzavo dzaivatevedzera vanaZekariya naJaazieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naBhenaya naMaaseya naMatitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri vachengetedzi vepamisuo mikuru.

19Vaimbi vaiti: Hemani naAsafu naEtani ndivo vaiva vokuridza makwakwakwa endarira.

20Vaiva vokuridza madimbwa eAramoti okushaura ndiZekariya naAzieri naShemiramoti naJehieri naUni naEriyabhu naMaaseya naBhenaya.

21Asi Matitiya naEriferehu naMikineya naObhedhiedhomu naJeieri naAzaziya ndovaiva vatungamiriri vokushaura nezvipendani zveSheminiti zvezwi rapasipasi.

22Kenaniya aiva mutungamiriri wevaRevhi mune zvokuimba achidzidzisa kuimba nokuti aizviziva.

23Bherekiya naErikana vaiva vokuchengetedza kusuo remaiva nebhokisi rechitenderano.

24Shebhaniya naJoshafati naNetaneri naAmasai naZekariya naBhenaya, vapristi, vaiva vokuridza mabhosvo pamberi pebhokisi raMwari rechitenderano. Obhedhiedhomu naJehiya vaivawo vachengetedzi vokusuo remaiva nebhokisi rechitenderano.

Kuunzwa kwebhokisi rechitenderano muJerusaremu(2 Sam 6:12–22)

25Saizvozvo Dhavhidhi navakuru vakuru veIsiraeri navatungamiriri vezviuru vaye vakandotora bhokisi raMwari rechitenderano kumba kwaObhedhiedhomu vachipembera kufara.

26Pamusana pokuti Mwari akabatsira vaRevhi kutakura bhokisi raTenzi rechitenderano, vakapira zvibayiro zvehandira nomwe nehondohwe nomwe.

27Izvozvo Dhavhidhi aiva akapfeka hanzu yejira rerineni rakanakisisa ndizvozvowo zvakanga zvakaita vaRevhi vakanga vakatakura bhokisi rechitenderano navaimbi naKenaya mutungamiriri wezvokuimba. Dhavhidhi akanga akapfeka hanzu yeefodhi yerineni.

28Saizvozvo Isiraeri yose yakaunza bhokisi raTenzi rechitenderano iri: mipururu nemhere zvichidairana nokurira kwehwamanda namabhosvo namakwakwakwa outare, vachiridzisa kwazvo madimbwa nezvipendani.

29Pakasvika bhokisi raTenzi rechitenderano kuguta raDhavhidhi, Mikari mukunda waSauro akatarisa napawhindo akaona mambo Dhavhidhi achitamba nokufara achacharika, Mikari akabva amushora nechomumwoyo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help