1 Nhoroondo 12 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

VokwaBhenjamini vokutanga kutevera Dhavhidhi

1Ava ndivo varume vakaenda kuna Dhavhidhi kuZikiragi paye paakanga asingakwanise kufamba pamadiro pamusana paSauro mwanakomana waKishi. Ndivo vamwe vemagamba okurwa hondo vaimubatsira muhondo.

2Vaiva vokurwa nouta nemiseve vaigona kupfura nemiseve kana kukanda matombo noruoko rwose rwose, rudyi kana ruboshwe. Vaiva vokwaBhenjamini hama dzaSauro.

3Mukuru wavo ndiAhiezeru

kwouya Joashi vari vanakomana vaShemaa wokuGibhea

uyewo Jezieri naPereti vanakomana vaAzimavheti

kwouya Bheraka naJehu wokuAnatoti

4naIshimaya wokuGibheoni akanga

ari gamba rokurwa hondo pamwechete

naaye makumi matatu aivawo mutungamiriri

wamakumi matatu paivawo naJeremiya

naJahazieri naJohanani naJozabhadhi wokuGedhera

5kwouya Eruzai naJerimoti

naBheariya naShemariya naShefatiya wokuHarufu

6kwoti Erikana naIshiya

naAzareri naJoezeru naJoshebheamu wokwaKora

7kwozoti Joera naZebhadhiya

vanakomana vaJehoramu wokuGedhori.

Vedzinza rokwaGadhi vakapomekera kuna Dhavhidhi

8Kune vokwaGadhi vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa kurenje vaiva magamba agara nayo hondo, panhoo apa nepapfumo dziri nyanzvi chaidzo, uso uhwu dziri shumba chaidzo, pakumhanya apa dzichinge ngururu chaidzo mumakomo.

9Mukuru wavo aiva Ezeru achiteverwa

naObhadhiya wechitatu ari Eriyabhu

10wechina Mishimana wechishanu Jeremiya

11wechitatu ari Atai

wechinomwe ari Erieri

12wechisere ari Johanani, Erizabhadhi ariye wechipfumbamwe

13wegumi ari Jeremiya, Makibhanai ari wegumi nechiposhi.

14Ivava vokwaGadhi ava ndivo vaiva vakuru vakuru vomuhondo, vadiki vacho vaitungamira zana vakuru vacho nechiuru.

15Ivava ndivo varume vakayambuka Jorodhani mumwedzi wokutanga rwakazara mhiri nemhiri vakasvikodzvamutsa vaive kumanhika kumabvazuva nokumadokero.

VokwaBhenjamini nevokwaJudha vakapomokera kuna Dhavhidhi

16Vamwewo varume vokwaBhenjamini nevokwaJudha vakapomokerawo kuna Dhavhidhi kunhare yakavakirirwa.

17Dhavhidhi akabuda kundosangana navo akavati, “Kana zvamauyira kuno kwandiri zvakanaka, ini nemi tichaita mwoyo mumwechete. Asi kana mavinga kuti muwane mandiisiro mumaoko evavengi vangu, ini maoko angu akachena, Mwari wemadzibaba edu ngaakuonei akudzorei.”

18Ipapo Mweya wakaputira Amasai mutungamiriri wamakumi matatu avanhu aya iye ndokuti,

“Tiri venyu isu vaDhavhidhi

Tinemi isu mwana waJese!

Rugare ngaruve nemi! Uye dai rugare rwangovawo nemi,

navanokubatsirai ngavavewo norugare,

nokuti Mwari wenyu anokubatsirai!”

Dhavhidhi akazovagamuchira akavaita vakuru vakuru vezvikwata zvehondo yake.

VokwaManase vakapomokerawo kuna Dhavhidhi

19Vamwe varume vokwaManase vakapomokerawo kuna Dhavhidhi paakanga oti auye nevaFirisitia kuzorwisa Sauro. Zvakadaro zvazvo haana kuvabatsira nokuti vatongi vevaFirisitia vakazowirirana zvokuti adzoke zvake vachiti, “Kana zvikazotiipira munhu uyu anotisiya opomokera kuna tenzi wake Sauro.”

20Paaidzokera kuZikiragi ava ndivo varume vokwaManase vakapomokera kwaari panoti:

Adhina naJozabhadhi naJedhiyaeri

naMikaeri naJozabhadhi naErihu

naZiretai vatungamiriri vezviuru kune vokwaManase.

21Vakakutsirana naDhavhidhi kurwisa chikwata chiya chevapambi nokuti vose vakanga vari mvumba dzemagamba okurwa hondo vari vatungamiriri vehondo.

22Chaivapo ndechokuti, zuva nezuva vanhu vaingoramba vachikurumukira kuna Dhavhidhi kusvikira paita hondo huru kwazvo sehondo yaMwari.

Uwandi hwavarwi vaDhavhidhi

23Uhwu ndouwandi hwezvikwata zvehondo zvakauya kuna Dhavhidhi kuHebhuroni kuzobvisa umambo kuna Sauro vachihuisa kuna Dhavhidhi sokutaura kwakaita Tenzi.

24Varume vokwaJudha: vokurwa

nenhoo nepfumo vaiva zviuru zvitanhatu

zvina mazana masere avarwi.

25VokwaSimeoni: mvumba dzemagamba

okurwa hondo, vakanga vari zviuru

zvinomwe zvine zana.

26VokwaRevhi: vaiva zviuru zvina

zvine mazana matanhatu,

27muchinda Jehoyadha wemba

yokwaAroni aine zviuru zvitatu

namazana manomwe.

28Zadhoki: mvumba chaiyo, gamba

rechidikii rokurwa hondo aiva

navatungamiriri vehondo makumi

maviri vemba yokwababa vake.

29VokwaBhenjamini: hama dzokwaSauro

vari zviuru zvitatu vazhinji

vavo vakanga vachitsigirana

nevemba yokwaSauro.

30VokwaEfuremu: zviuru makumi

maviri, mvumba chaidzo dzokurwa

hondo, varume vaiva nomukurumbira

mudzimba dzemadzibaba avo.

31Chimwe chikamu chokwaManase:

zviuru gumi nezvisere vakanga

vasarudzwa kuti vauye

kuzogadza Dhavhidhi paumambo.

32VokwaIsakari: varume

vainzwisisa mamiriro ezvinhu panguva

iyoyo, vaiziva zvinofanira kuti

zviitwe navaIsiraeri, madzishe

anosvika mazana maviri pamwechete

nehama dzavo dzose dzaiva pasi pavo.

33VokwaZebhuruni: vaiva makumi

mashanu ezviuru vaikwanisa kuenda

kuhondo, vakapakata zvombo

zvehondo zvemhando nemhando vaine mwoyo

mumwechete kuzoita

chirwirangwe kubatsira Dhavhidhi.

34VokwaNafutari: vaiva nechiuru

chavatungamiriri chaiva namakumi

matatu ezviuru ane zviuru

zvinomwe zvavarume vaingewo

vakapakata nhoo namapfumo.

35VokwaDhani: kwaiva namakumi

maviri ezviuru ane zviuru zvisere

zvine mazana matanhatu avarwi

vaiva vakapakata zvombo zvehondo.

36VokwaAsheri: vaiva makumi

mana ezviuru zvavarwi

vaikwanisa kuenda kuhondo.

37VokwaRubheni nevokwaGadhi:

nevechimwe chikamu chevedzinza

rokwaManase vokumhiri kwaJorodhani

vari zana rezviuru rine zviuru

makumi maviri zvavarwi vakapakata

zvombo zvehondo zvemhando dzose.

38Varume ivava vose vokurwa vakauya kuHebhuroni vakarongana zvehondo vachida nomwoyo wose kugadza Dhavhidhi umambo hweIsiraeri yose. Vamwe vose veIsiraeri vaiva nepfungwa imwecheteyo yokugadza Dhavhidhi umambo.

39Vakaita mazuva matatu vaina Dhavhidhi ikoko vachidya nokunwa nokuti hama dzavo dzakanga dzavagadzirira.

40Vavakangawo vakabatana navo kunyange vokwaIsakari, nokwaZebhuroni nokwaNafutari uko, vakauya nechokudya chakatakurwa namadhongi, nenghamera namanyurusi nemombe zviri zvokudya zvakawanda kwazvo pachiti upfu nezvambwa zvemakuyu nezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa newaini nemafuta eorivhi nenyama yemombe neyehwai nokuti hakusi kufara ikoko kwaiva muIsiraeri.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help