1 Vanamakabhi 8 - Shona Common Language Interconfessional Bible(SCLBD)

Mukurumbira wavaRoma

1Zvino Judhasi akanzwa mukurumbira wavaRoma wokuti varwi vakasimba kwazvo uye kuti vanofarirana navose vanoda kutsigirana navo uyewo kuti vainyatsoita ushamwari navanhu vaiuya kwavari.

2Uyewo kuti zvokusimba izvi, vakanga vakasimba kwazvo. Vanhu vakamutaurira nezvehondo dzavo nezvougamba hwavaiita mukati mevokuGouru nokuvakurira kwavakaita vakavamanikidza kutera mutero.

3Vakamurondedzerawo zvavakanga vaita kunyika yeSipeini kuti migodhi yeko yesirivha neyendarama ive mumaoko mavo,

4uyewo kuti kunyange nzvimbo iyoyi iri kure navo, pamusana pokutirira kwavo nokunyatsoronga zvinhu kwavo, vakatora nharaunda iyoyo yose ikava mumaoko mavo. Vakakurirawo madzimambo akaenda kundovarwisa vachibva kwakaperera nyika, kusvikira vavaparadza vachivapinza mupfumvu chaiyo. Vamwe vose vanotera mutero kwavari gore negore.

5Vana Firipi naPeriseusi, madzimambo avanhu eMasedhonia nevamwewo vakamukira vaRoma vakabva vavaparadza muhondo vakavakurira.

6Vakakurirawo Mutekwatekwa Andiyokusi, mambo weAsia akaenda kundovarwisa nezana rine makumi maviri enzou navarwi vamabhiza nengoro dzehondo nehondo huru kwazvo, vakamuparadza.

7Vakamutora ari mupenyu ndokutema chirevo chaiti iye navamwe vaizotonga mumashure make vanofanira kutera mutero wakakura kwazvo, vape vanhu vokuva varanda nokurega mamwe matunhu avo akanakisisa pane dzimwe dzose achitorwa navo

8aiti nyika yeIndia neyeMidhia neyeRidhia. Idzodzi idzi, vakamutorera vakapa kuna mambo Yumenesi.

9VaGiriki vakaronga zvokuti vauye vazovaparadza,

10asi ivo vakazviziva, vakatumira mumwe mutungamiriri mukuru wehondo kundorwisa vaGiriki, akavarwisa. Vamwe vavo vazhinji vakafa ndokubva vaRoma vatapa vakadzi vavo navana vakavapamba, vakakurira nyika iyoyo vakapaza nhare dzavo dzokuzvidzivirira muhondo vakavaita varanda vavo kusvikira pari nhasi.

11Dzimwewo nyika dzose idzi notutsuwa, vose vakafemera kumirisana navo vakavaparadza vachivaita varanda.

12Asi ivo vakaramba vachiwadzana neshamwari dzavo navanhu vavaivimba navo. Vakaisa madzimambo okure neepedyo pasi pavo uye vose zvavo vakanzwa nozvomukurumbira wavo, vaivatya.

13Vavanenge vada kubatsira kuti vave madzimbo vanovaita madzimbo, vavanenge vadawo vanovakutunura umambo. Nenzira iyi vakazviwanira ukuru chaihwo.

14Kunyange zvazvo zvose zvakadaro, hakuna nomumwe wavo akambozvidzika ngundu kana kumbopfeka zvake hanzu dzoruvara hwehute sechiratidzo chokuzvikudza.

15Asi vakatozvivakira imba yedare ramakurukota uye zuva nezuva panenge paine makurukota anoita mazana matatu ana makumi maviri vanogara vachitaurirana nyaya dzezvavanhu kuitira kuti vavatongewo zvakanaka.

16Gore roga roga vanoisa nyika yavo yose mumaoko omunhu mumwechete. Vose zvavo vanoteerera munhu mumwechete iyeyo, pasingaitiranwe ruchiva kana shanje pakati pavo.

Kuwadzana kwavaJudha navaRoma

17Saka Judhasi akasarudza Yuporemusi mwanakomana waJohani mwanakomanawo waAkosi pamwechete naJasoni mwanakomana waEreazari akavatuma kuRoma kundoronga nezvoushamwari nezvokuwadzana

18nokuzvisunungura pajoki ravo nokuti vakazviona kuti umambo hwechiGiriki hwakanga huchibata vaIsiraeri savaranda chaivo.

19Vakaenda kuguta reRoma, rwendo rurefu kwazvo vakandopinda mumba yedare ramakurukota vakaturira nyaya yavo vachiti,

20“Isu tatumwawo kwamuri naJudhasi anonziwo

Makabheusi navakoma navanun'una vake navanhu

vechiJudha kuzoronga nezvokuwadzana

nokuwirirana nemi kuti tinyorwewo pakati

pavanhu vanowadzana nokushamwaridzana nemi.”

21Shoko iri rakavafadza,

22iyi ndiyo tsamba yakangoita setsamba yemhinduro yavakanyora pazviredhi zvendarira vakaitumira kuJerusaremu kuti indochengetwa ikoko sechiyeuchidzo chorugare nokuwirirana yaiti,

23“Dai waro zvikangofambira zvakanaka

VaRoma navanhu verudzi rwechiJudha

mugungwa napanyika narini wose.

Dai bakatwa nomuvengi zvagarira kure navo.

24Kuri kuti hondo yatanga kusvika muguta

reRoma kana kune imwewo nyika inowirirana

navo munyika dzose dzavanotonga,

25verudzi rwavaJudha vachaita chirwirangwe

kuvabatsira nomwoyo wose seshamwari dzavo

maererano nezvavanenge vofanira kuti vaite ipapo.

26Kumhandu inenge yamutsa hondo havafaniri

kupa mbesanwa kana zvombo zvokurwisa kana mari

kunyange ngarava zvadzo sokurongwa kwazvaitwa navaRoma,

vanofanira kuchengeta zvavanosungirwa kuita

izvozvi pasina muripo.

27Ndozvimwechetezvo, kana hondo yatangira kurudzi

rwavaJudha, vaRoma vachazoitawo chirwirangwe

kuvabatsira seshamwari nomwoyo unoda.

28Shamwari dzemhandu hadzizopiwa mbesanwa

kana zvombo zvokurwisa kana mari

kana ngarava zvadzo maererano nezvarongwa

navaRoma uye vanofanira kuchengeta

zvavanosungirwa kuita izvi pasina unyengedzi.

29Izvozvi izvi ndozvarongerana vaRoma

neverudzi rwavaJudha vachiita chibvumirano.

30Kana izvozvi zvarongeranwa izvi zvava kutevedzwa

mushure mezvo mativi maviri arongerana acho

ndiwo angazoona kuti chii chingawedzerwe kana

kuti chingabviswe vachizviita

somuonerewo wavo.

Chose chose chavanenge vawedzera

kana kubvisa zvako chichagamuchirwa saizvozvo.

31“Zvino maererano nezvavari kukanganisirwa

namambo Dhemetiriusi tamunyorera tichiti,

‘Chauri kuremedzera joki rako pashamwari

dzedu navanodyidzana nesu, vaJudha, chiiko?

32Zvino kana vakauya zvakare kuzokumbira

rubatsiro rwokuti vakurwisei, zvavo

ticharwira kodzero yavo,

tichakurwisai mugungwa napanyika.’ ”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help